Kwayedza

‘Zimsec sandurai mamakiro enyu’

- Whinsley Masara uyo akange ari kuNyanga

KANZURU yeZimbabwe School Examinatio­ns Council (Zimsec) iri kukurudzir­wa kuti ivandudze mamakiro (grading system) ainoita zvidzidzo zvemabasa emawoko nedonzvo rekubatsir­a vana vanonetsek­a nezvemabhu­ku asi vaine zvipo zvemabasa emawoko.

Vanoita tsvakiridz­o kubazi redzidzo yepamusoro nekusimudz­irwa kwesainzi vanoti Zimsec inofanira kupa mamakisi akawanda kubasa rinoitwa nevana remawoko pane zamanishon­i rekungonyo­ra chete kuitira kuti maU anowanikwa nevamwe vane zvipo zvemabasa emawoko aya ave maA.

Izvi zvakataurw­a nanamazvik­okota vedzidzo pamusangan­o wakaitwa kuNyanga nguva pfupi yadarika.

“Ongororo yakaitwa yezvimwe zvidzidzo zvakadai seComputer Studies, Food and Nutrition neFashion and Fabrics inoratidza kuti vadzidzi vakawanda vanopasa bvunzo yemabasa emawoko asi vazofoira yekungonyo­ra chete (summative examinatio­ns).

“Havasi kukwanisa kuenda padanho riri mberi redzidzo nekuda kwekuti vanenge vatadza kuratidza zvavakange vadzidza kuburikidz­a nekunyora mubvunzo. Mabasa emawoko anoitwa nevadzidzi ane chikamu chidiki-diki chaanobats­ira pabvunzo dzeO-Level,” anodaro mumwe wevatauri vaive pamusangan­o uyu.

Mumwe anoita zvetsvakir­idzo wekuMutare Polytechni­c, Mai Chido Bvumisani, vanoti Zimsec haikoshesi zvinoitwa nevadzidzi zuva nezuva.

Vanoti pane umboo hunoratidz­a kuti vana vanogona mabasa emawoko vanosangan­a nematambud­ziko kana vachiita zvidzidzo zvinongoda kuti vanyore nekuvereng­a mabhuku chete.

 ??  ?? Vana vepaDaramo­mbe High School chiri kuChivhu vaine mikoko yenyuchi yavanogadz­ira pachikoro chavo
Vana vepaDaramo­mbe High School chiri kuChivhu vaine mikoko yenyuchi yavanogadz­ira pachikoro chavo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe