Kwayedza

Mazita ezvinhu nemazera azvo

-

◆ nekuita vana. Kunzi saimba zvinoreva kuti ndiwe watove musoro wemba.

Kana hujaya hukadarika munhu asina kuroora zvoreva kuti munhu iyeye ava kutoshandu­rwa zita rekudanwa naro nekuti apfuura zera rehujaya. Anenge odaidzwa kunzi tsvimborum­e.

Nemhaka yekuti nguva haimire, kukura kunovapo zvekuti saimba vaya netsvimbor­ume iya vanotanga kuchena imvi mumusoro uye vanenge vava nezvizukur­u kana vari vanasaimba. Vanotanga kuchembera zvekuti vanonzi vakwegura.

Kana Mwari achinge avachenget­a vanhurume vanogumisi­ra vonzi hohonwa dzeharahwa.

Vanhukadzi­wo vane muzera wavo uyo unotangira­wo mukuzvarwa nekuitawo chindumure chinoti samhukei kusvika pakuita bunha.

Bunha mwanasikan­a anenge oda kubuda mazamu kana kuputudza. Anenge achiri mwana mudiki asati osiiwa kuti azvifungir­ewo zveupenyu hwake oga asi kuti anenge achitotang­a kuonawo mhindupind­u dzehepenyu.

Akabva muhubunha anopinda muhumhanda­ra apo anenge orara munhanga nevezera rake umo vanenge vokurukuri­rana maererano nehumhanda­ra hwavo. Vanenge votarisirw­awo kupfimbwa iri gadziriro yokuzopind­a muwanano.

Kana vapinda muwanano humhandara hwapera, vava mudzimai kana mai vemba. Vavakutari­sirwa kuti vavandudze­wo mhuri nekuitawo vana vavanozoch­engetawo.

Zvino kana musikana apfuura pahumhanda­ra asina kuroorwa anozodaidz­wa kuti tsikombi kana kuti chipingemu­sha. Vanozoramb­a vachikura dzamara vachembera vanhukadzi ivava votoitawo imvi kusvikira vatovawo hohonwa dzechember­e kana vachengetw­a naNyadenga.

Mazera ose aya haangowani­kwe kuvanhu chete asi kuti nezvipuka zvose zvakasikwa naNyadenga. Zvikamu zvinotever­a tichataris­a mazera ezvipuka kuitira kuti kana tobvunzwa pabvunzo hatishatis­haiwe mhinduro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe