Mazita ezvinhu nemazera azvo
◆ nekuita vana. Kunzi saimba zvinoreva kuti ndiwe watove musoro wemba.
Kana hujaya hukadarika munhu asina kuroora zvoreva kuti munhu iyeye ava kutoshandurwa zita rekudanwa naro nekuti apfuura zera rehujaya. Anenge odaidzwa kunzi tsvimborume.
Nemhaka yekuti nguva haimire, kukura kunovapo zvekuti saimba vaya netsvimborume iya vanotanga kuchena imvi mumusoro uye vanenge vava nezvizukuru kana vari vanasaimba. Vanotanga kuchembera zvekuti vanonzi vakwegura.
Kana Mwari achinge avachengeta vanhurume vanogumisira vonzi hohonwa dzeharahwa.
Vanhukadziwo vane muzera wavo uyo unotangirawo mukuzvarwa nekuitawo chindumure chinoti samhukei kusvika pakuita bunha.
Bunha mwanasikana anenge oda kubuda mazamu kana kuputudza. Anenge achiri mwana mudiki asati osiiwa kuti azvifungirewo zveupenyu hwake oga asi kuti anenge achitotanga kuonawo mhindupindu dzehepenyu.
Akabva muhubunha anopinda muhumhandara apo anenge orara munhanga nevezera rake umo vanenge vokurukurirana maererano nehumhandara hwavo. Vanenge votarisirwawo kupfimbwa iri gadziriro yokuzopinda muwanano.
Kana vapinda muwanano humhandara hwapera, vava mudzimai kana mai vemba. Vavakutarisirwa kuti vavandudzewo mhuri nekuitawo vana vavanozochengetawo.
Zvino kana musikana apfuura pahumhandara asina kuroorwa anozodaidzwa kuti tsikombi kana kuti chipingemusha. Vanozoramba vachikura dzamara vachembera vanhukadzi ivava votoitawo imvi kusvikira vatovawo hohonwa dzechembere kana vachengetwa naNyadenga.
Mazera ose aya haangowanikwe kuvanhu chete asi kuti nezvipuka zvose zvakasikwa naNyadenga. Zvikamu zvinotevera tichatarisa mazera ezvipuka kuitira kuti kana tobvunzwa pabvunzo hatishatishaiwe mhinduro.