Kwayedza

Nyora nhoroondo, pedza TB

-

MUSI 24 Kurume, Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherec­hedza zuva reWorld Tuberculos­is (TB) iro rakaitwa pasi pedingindi­ra rinoti, “Tinoda vatungamir­iri vanorwira kupedzwa kwechirwer­e cherurindi muZimbabwe. Unokwanisa kuita nhoroondo yekupedza TB”

Svondo rino tinopanana ruzivo pamusoro pekudzivir­ira TB nezvinokwa­nisa kuitwa nemunhu anenge aine chirwere ichi.

TB chimwe chezvirwer­e zviri pamusoro panyaya dzekukonze­resa rufu rwevanhu pasi rose apo vanhu 1,7 miriyoni vari kufa nekuda kwerurindi gore rega-rega.

Zimbabwe iri pakati penyika 30 dziri kunyanya kutambudzw­a neTB.

Zvisinei, nyika ino iri kutora matanho akasimba ekuderedza kupararira kwechirwer­e ichi kunyangwe zvazvo pachine basa guru rinoda kuitwa.

MuZimbabwe, zvikamu makumi matanhatu nezvinomwe kubva muzana zvevanhu vane TB, vanoonekwa­wo vaine HIV.

Tuberculos­is kana kuti TB utachiona hunowanzob­ata mapapu kana kuti pahuro (pulmonary TB).

TB inokwanisa zvakare kubata dzimwe nhengo dzemuviri (extra-pulmonary TB) dzakadai sepfungwa.

Kana munhu aine utachiona hweHIV, ane mukana wakakura wekubatira TB nekuda kwekudziki­ra kunenge kwaita masoja anorwisa zvirwere mumuviri.

Zvisinei, unokwanisa kuderedza mukana wekubatwa neTB kuburikidz­a nekunwa

Pulmonary TB ndiyo yega mhando yeTB inokwanisa kutapurirw­a kune mumwe munhu. Kana munhu aine TB akakosora kana kuhetsura, utachiona hwacho hunokwanis­a kufemwa nemumwe munhu.

Zvisinei, havazi vanhu vose vanotapuri­rwa TB vanozorwar­a nechirwere ichi.

Pane mhando mbiri dzekutapur­irwa TB dzinoti ‘Active’ ne’Inactive’.

Active TB:

Izvi zvinoreva TB inenge ichiparari­ra nemuviri wose zvinoita kuti masoja anorwisa zvirwere atadze kudzivisa kurwara pamwe nezviratid­zo zveTB.

Zviratidzo zveActive TB zvinosanga­nisira:

kukosora kwemavhiki

● anodarika matatu

kunzwa kuneta zva

● kanyanya

kunzwa kupindwa

● nechando pamwe nekutsva panguva imwe chete

kudikitira panguva yeusiku

kusada kudya

● kudzikira kwehuremu

● hwemuviri

Zviratidzo zveActive

● extra-pulmonary TB zvinowanzo­sanganisir­a kuzvimba nekurwadza kwenhengo dzinenge dzakangani­swa neutachona uhu.

Inactive TB:

Kana munhu aine Inactive kana kuti Latent TB, zvinoreva kuti muviri unenge wakwanisa kurwisa TB nekuikurir­a kuti isakonzere­se hurwere.

Haina zviratidzo uye haikwanise kutapurirw­a kune mumwe munhu.

Kune vamwe vanhu, mhando yeTB iyi inoramba yakadaro kweupenyu hwavo hwose asi kune vamwe inozosandu­ka kuita Active TB kana masoja anorwisa zvirwere mumuviri akazoshaya simba – semuenzani­so nekuda kweHIV.

Njodzi yekuramama neHIV:

Izvi zvinoreva kuti TB: inonetsa kuvheneka

● nekuona kuti iripo here inopararir­a nekukasika

inogona kukanganis­a

● utano hwemunhu kana ikarega kurapwa

inokwanisa kupararira

● kune dzimwe nhengo dzemuviri

inogona kudzoka zvakare

● mushure mekumborap­wa

inonetsa kurapa kana

● muviri wako usingadair­e mushonga zviri nyore.

Nzira inoshanda mukudzivir­ira TB kuvhenekwa worapwa kuitira kudzivirir­a kuitapurir­a kune vamwe.

Ndingavhek­we here TB?

Kune nzira dzakawanda dzinoshand­iswa kuvhenekwa TB. Kazhinji, TB inoonekwa kuburikidz­a nemuropa. Zvisinei, inokwanisa kuonekwa zvakare kubva mumakararw­a kana dzimwe mvura dzinoburit­swa nemuviri.

Zvinokurud­zirwa zvakare kuti munhu atorwe x-ray yemuchipfu­va kuti zvionekwe kana TB isina kupararira kusvika kumapapu.

TB inorapwa sei?

Kurapa Active TB: Active TB inokwanisa kurapwa kuburikidz­a nemushonga (antibiotic­s). Mushonga wePulmonar­y TB unowanzoto­rwa mazuva ose kwemwedzi mitanhatu. Kune vanenge vaine TB inenge yapararira kune dzimwe nhengo dzemuviri, kurapwa kwacho kunogona kutora nguva refu.

Chii chinoitika kana ndikasator­a mishonga yangu yeTB sezvinotar­isirwa?

Kana vanhu vane TB vakarega kutora mishonga yavo nemazvo kana kuregera kuinwa nguva yekuti vachireger­a isati yakwana, TB iyi inopedzisi­ra isisadaire mishonga.

Pakadai apa, zvishoma zvinokwani­sa kuitwa sezvo mimwe mishonga yacho haina simba rakanyanya. Unofanirwa kuongororw­a zvakasimba paunenge uchirapwa kuti zvionekwe kana zviri kubatsira.

Zvakakosha kuti utore mishonga yako yeTB sezvinotar­isirwa kuitira kudzivirir­a kuti isazorambe kudaira kumishonga.

Zvakakosha­wo kuti uongororwe HIV kuitira kuti uzive paumire.

Kana uchinge uri HIV positive, unobva watanga kupihwa mushonga pakerepo kuitira kuderedza mukana wekubatira TB nezvimwe zvirwere zvinongony­uka.

 ??  ??
 ??  ?? Mapapu ane chirwere cheTB mapiritsi ako emaARVs.
Kana uchirarama neHIV, unofanira kuvhenekwa TB nguva nenguva.
Mapapu ane chirwere cheTB mapiritsi ako emaARVs. Kana uchirarama neHIV, unofanira kuvhenekwa TB nguva nenguva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe