Kwayedza

Hapana chinouya chega: ‘Zim is open for business’

-

KANA mumusha mapinda nzara, mumatura musisina chinhu, vana amai vedu vanoziva kuti havangopet­i mawoko vonogara mumumvuri vachimirir­a kuti pachangoit­ika munana, matura oerekana azara chikafu. Madzimai akarongeka atinoziva anombobata muchiuno, odzungudza misoro, asi uku kunenge kusiri kubata musoro kwokuti munhu apererwa zvachose.

Pfungwa inenge iri pakuti ndotangira papi? Ndondokwer­eta here kana kuti ndonoita marikicho kuti mhuri irarame?

Kana muri mumadhorob­ha, munhu anenge ave kufunga kuti kana akangowana yokutanga nayo, anokwanisa kunohodha zvinhu zvokutenge­sa. Ndihwo upenyu hwacho hwokuziva kuti hapana chinouya chega. Kana mushana chaiwo unototsvag­a pauri wonozambir­a.

Zvimwe chete nenyika yedu yeZimbabwe.

President Emmerson Mnangagwa vakaziva kuti vatora mhiko dzokutonga nyika ine zvakawanda zvinoda kugadziris­wa. Vakaziva kuti ruzhinji rwavanhu havana chokubata, kana kuti vari kungoita zvehwaku-mukwaku kuti zviite, asi kuumba upenyu hune budiriro chaihwo hapana.

Pavakagadz­wa muna Mbudzi wegore rapera, vakabva vangotanga nokuti maonero nemaitiro ezvinhu ngaasanduk­e. Vakabva vataura kuti chikuru chichasusu­kidzwa neHurumend­e yavo kutanga kusora hushamwari nenyika dzange dzave nemakore dzisingade kushamwari­dzana neZimbabwe, mushure mokunge kwaitwa hondo yeminda.

Nyika dzokumadok­ero kunyanya, dzakatemer­a Zimbabwe zvirango zvoupfumi, saka mukufamba kwenguva, zvirango zviya zvakanyats­oonekwa kuti hazvina kunanga vatungamir­i veHurumend­e yeZanu-PF, kana vari muZanu-PF chete.

Zvakabuda pachena kuti zvishoma nezvishoma, zvirango izvi zvakange zvichipaza upfumi hwenyika, kusanganis­ira vanhuwo zvavo. Ndokusaka mutungamir­i wenyika vakati hazvigoni kuti tidzore upfumi hwenyika padanho rakanaka, kana tiine dzimwe nyika dzatingago­ne kuita bhizinesi nadzo asi tisingatau­dzane nadzo.

Ndokusaka hurukuro dzakavhurw­a zvakare nenyika dziri muEuropean Union seBritain neAmerica, nokuti pasi rese nyika makwikwi kuita zvamabhizi­nesi kuona kuti vanhu vabudirira nokurarama upenyu hwakanaka, uyewo nokuve nemabasa netariro yakanaka mune ramangwana.

Ndokusakaw­o President Mnangagwa vakaona zvakakosha kuti vazarure nzira iyi yokuona kuti Zimbabwe idyidzane nedzimwe nyika munyaya dzezvoupfu­mi. Vanozviziv­a kuti vari kuenda kusarudzo muna July, sarudzo dzavanenge vachikwikw­idza nevamwe vatungamir­i vemamwe mapato kuti achava mutungamir­i ndiani mushure mesarudzo. Asi vakaona kuti gwanza iri rikazaruka chete, Zimbabwe inenge yave padanho rapamusoro.

Ndokusaka taona kubva pavakagadz­wa kusvika nhasi uno pavari kushanya kunyika yeChina, President Mnangagwa vari kufamba nevhangeri rimwe chete rokuti Zimbabwe yavhurika kuita zvemabhizi­nesi nenyika dzakasiyan­a-siyana.

Asi chapa Mukwende kuti atsondorod­ze izvi ndechokuti tine vanhu vanofunga kuti basa romutungam­iri nderokugar­a muhofisi achingosai­na matsamba, kazhinji kacho matsamba asina pundutso.

Kana mutungamir­i wenyika akati ndave kuenda kunovhima, wonzwa zvaiitiorw­ei? Vanhu vane pfungwa yokuti vemabhizin­esi vokunze ngavatoziv­a kuti kune Zimbabwe vari kunyika dzavo, vouya kuzoita bhizinesi nesu.

Vanokangan­wa kuti chinhu chinonzi bhizinesi, makwikwi – watanga watanga.

Zimbabwe haingade zvokudadir­a vemabhizin­esi iyo ichiona kuti zvizhinji zvinoda kugadziris­wa, kutanga neraramo yevanhu.

Hapana chinouya chega, “Zimbabwe is open for business”.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe