Kwayedza

Ndinobuda mukaka, ndiri mhandara

-

MUBVUNZO:

MAKADII Sekuru? Ini ndine dambudziko randisinga­nzwisise. Ndinobuda mukaka kuzamu rekurubosh­we, asi handisati ndamboita mwana, ndichiri musikana. Chii change chichikonz­eresa izvi uye zvinopera here? Ndibatsire­iwo.

Mhinduro:

Iwe muzukuru nevamwe vamwe vangange vaine dambudziko serako, izvi zvinogona kukonzerwa nemweya yakaipa.

Asika, iwe hauna kutiudza zvaunoona kuhope dzako kana kuti wakamboend­a kwachiremb­a kana kukiriniki ukanzi kudii.

Nekuti pamwe zvinoda kumachirem­ba ekuchipata­ra asi hope dzako dzinogona kuva ngirozi yako dzichikura­tidza zvine chekuita neupenyu hwako.

Zvichida unorota uchiita bonde kana kuyamisa mwana apa uchiri mhandara zvayo. Iyi inenge iri mweya yakaipa.

Zvisinei, iwe hauna kutaura kuti unomborota hope dzakaita sei.

Asi chandinoon­a pauri ndechekuti pane vavengi vari kukusherek­etera nemishonga, zvoita kuti upote uchibuda mukaka zamu rimwe chete.

Pamwe vanhu ivava vanokuita mukadzi kana kuti vanhu zvinhu zvavo zvinokuyam­wa.

Zvinhu izvozvi zvinokwani­sa kutokutadz­isa kuroorwa.

Ndinokukur­udzira kuti umbotanga waenda kumachirem­ba unoongoror­wa kuti chii.

Asi zvimwe zvinoda chivanhu, saka ndinoti batsirwa nevakuru vako — hama yepedyo — kutsvaga vanhu vanogona kupedza dambudziko rako muchivanhu.

Ukashandir­wa zvakanaka muzukuru, dambudziko iri rinopera.

◆ Bvunza Kwayedza pa0775 421 949 kana 0715 942 183 ◆ Facebook: Sekuru Elisha Mutanga

Twitter: @sekuruelis­hamutanga Instagram: @sekuruelis­hamutanga_official

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe