Kwayedza

‘Businessma­n’ obviswa pamukadzi

-

◆ ziko, dzimwe nguva chekudya chinobvutw­a ndave kuda kuvatambid­za kana kuti vanozobvut­irwa vatogeza mawoko kuti vadye. Hazvina mhosva kuti isadza rine muriwo wakadii, svutugadzi­ke vanorohwa iri kumuromo kana zvinwiwa, chingwa vachitorer­wa,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti nyaya yekuti murume wake anobviswa pedyo naye panguva yavanenge voda kusasana ndiyo yave kumushaisa kodzero dzake dzekudiwa nemurume.

Bhobho anotizve dzimwe nguva midziyo inenge yabvutwa iine chekudya vanozoiwan­a yakakandwa kugomba remarara.

“Taona nhamo nekutenga ndiro, makapu nezvipunu izvo zvinotorwa,” anodaro Bhobho.

Muzvinabhi­zimisi uyu akashaikir­wa nevabereki vose, vangosara vari vana vatatu — vakomana vaviri nemusikana mumwe chete — uye uye iy ndiye oga ane dambudziko iri.

Mbuya Elizabeth Chatima (86) vanova ambuya vaVaMukand­a, vanoti vamboedza kufamba nekuda kwedambudz­iko iri asi hapana chiri kugadzirik­a.

“Pamwe pacho sadza nekumwe kudya kwaanotore­rwa tinozowana zvava musango kure nemusha zvakaungan­idzwa, zvose nesadza racho riripo,” vanodaro.

Mbuya Chatima vanoti kune n’anga nemaporofi­ta vakawanda vauya vachiti vanozvigon­a asi vozozvitad­za.

Mai Kwanisai Chidziva (59), avo vanovawo muzvinabhi­zimisi panzvimbo iyi, vanotsinhi­ra dambudziko rine murume uyu vachiti havana kumbobvira vakamboona mashura akadai mukurarama kwavo. “Vanouya kwandiri nemudzimai wavo vachitaura kuti anotorerwa kudya mumawoko nepamuromo kureva kuti zvinhu izvi zvinoda kuti afe nenzara. Anotiwo anotorerwa sipo achigeza, otoishaya zvachose. Dai abatsirwa zvinhu zvake zvafamba.

“Bhizimisi rake rabhuroka, zvinhu zvinotorwa zvose nemari,” vanodaro.

Votaura pamusoro pemashirip­iti aya, Sekuru Elisha Mutanga vesangano reZinatha, vanoti mumhuri iyi mune akaromba kana kuti mune ngozi.

“Mhuri iyi ngaifambe, pane akaromba kana kuti mune ngozi yemunhu anoda kuripwa. Kana kutiwo mudzimai wemurume uyu akaroodzwa kungozi, asi kazhinji inyaya dzemishong­a yekuda kupfuma dzinodaris­o,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0775 405 403.

 ??  ?? Elizabeth Chatima
Elizabeth Chatima
 ??  ?? Kwanisai Chidziva
Kwanisai Chidziva

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe