‘Businessman’ obviswa pamukadzi
◆ ziko, dzimwe nguva chekudya chinobvutwa ndave kuda kuvatambidza kana kuti vanozobvutirwa vatogeza mawoko kuti vadye. Hazvina mhosva kuti isadza rine muriwo wakadii, svutugadzike vanorohwa iri kumuromo kana zvinwiwa, chingwa vachitorerwa,” anodaro.
Mudzimai uyu anoti nyaya yekuti murume wake anobviswa pedyo naye panguva yavanenge voda kusasana ndiyo yave kumushaisa kodzero dzake dzekudiwa nemurume.
Bhobho anotizve dzimwe nguva midziyo inenge yabvutwa iine chekudya vanozoiwana yakakandwa kugomba remarara.
“Taona nhamo nekutenga ndiro, makapu nezvipunu izvo zvinotorwa,” anodaro Bhobho.
Muzvinabhizimisi uyu akashaikirwa nevabereki vose, vangosara vari vana vatatu — vakomana vaviri nemusikana mumwe chete — uye uye iy ndiye oga ane dambudziko iri.
Mbuya Elizabeth Chatima (86) vanova ambuya vaVaMukanda, vanoti vamboedza kufamba nekuda kwedambudziko iri asi hapana chiri kugadzirika.
“Pamwe pacho sadza nekumwe kudya kwaanotorerwa tinozowana zvava musango kure nemusha zvakaunganidzwa, zvose nesadza racho riripo,” vanodaro.
Mbuya Chatima vanoti kune n’anga nemaporofita vakawanda vauya vachiti vanozvigona asi vozozvitadza.
Mai Kwanisai Chidziva (59), avo vanovawo muzvinabhizimisi panzvimbo iyi, vanotsinhira dambudziko rine murume uyu vachiti havana kumbobvira vakamboona mashura akadai mukurarama kwavo. “Vanouya kwandiri nemudzimai wavo vachitaura kuti anotorerwa kudya mumawoko nepamuromo kureva kuti zvinhu izvi zvinoda kuti afe nenzara. Anotiwo anotorerwa sipo achigeza, otoishaya zvachose. Dai abatsirwa zvinhu zvake zvafamba.
“Bhizimisi rake rabhuroka, zvinhu zvinotorwa zvose nemari,” vanodaro.
Votaura pamusoro pemashiripiti aya, Sekuru Elisha Mutanga vesangano reZinatha, vanoti mumhuri iyi mune akaromba kana kuti mune ngozi.
“Mhuri iyi ngaifambe, pane akaromba kana kuti mune ngozi yemunhu anoda kuripwa. Kana kutiwo mudzimai wemurume uyu akaroodzwa kungozi, asi kazhinji inyaya dzemishonga yekuda kupfuma dzinodariso,” vanodaro Sekuru Mutanga.
Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0775 405 403.