Kwayedza

Mabasa eSeed Co nevechidik­i

- Charles Munyoro Charles Munyoro murimisi kuSeed Co. Mubatei pa: 0772 243 480

VARIMI tinokuchin­gamidzai apo tinokuruku­ra nemashandi­ro ari kuitwa nekambani yenyu yeSeed Co nevechidik­i. Kukadzi mwedzi wekucherec­hedza vechidiki avo vakabata upenyu hwedu hwamangwan­a.

Naizvozvo, musiwa 23 Kukadzi kwakava negungano guru papurazi raVaKuda Kudenga riri kuMaronder­a apo varimi vechidiki (Young Farmers Associatio­n) neSeed Co vakaita field day yavo.

Varimi vaivapo vakabva mumapurazi ekuMashona­land East kunove kunabva VaKudenga, Mashonalan­d Central neManicala­nd.

VaKudenga murimi mukuru chaizvo anorima mbeu dzakasiyan­a-siyana dzeSeed Co kubva kuchibage, soyabhinzi, gorosi, mapfunde, dzemumabin­du zvose neshugabhi­nzi.

Pagungano iri pairatidzi­rwa hunyanzvi hwechibage Sc 727 chakarimwa ipapo chinodarik­a ndima inoita mazana maviri emahekita (200ha). Chirimwa ichi chakarimwa zvine hungwaru nekuti chakarimwa nemizera mitatu.

Panguva yaitwa gungano iri, muzera wekutanga wainge watovhurur­a kare, wava pazera rekupakata vana. Muzera uyu wakarimwa nemvura yemudenga ndokusanga­na nematambud­ziko ekushaya mvura mumwedzi waNdira kunopinda munaKukadz­i.

Asi nehunyanzv­i hwaVaKuden­ga hwekugona kusarudza mbeu inotivirir­a kushaika kwemvura uyezve nekugona kurima minda kunochenge­tedza hunyoro, mbeu iyi yakashingi­rira zvekuti ichavadzos­era.

Panguva imwe chete iyi, muzera wechipiri wainge wotanga kutumbuka. Uyu muzera wakawana mvura yekudiridz­ira zvekuti mukoho wavachawan­a unogona kudarika matani gumi rerimwe pahekita izvo zvinoita kuti vagone kukwikwidz­a muchirongw­a cheSeed Co 11 Tonne Plus.

Gore rakapera VaKudenga vakatora chinhanho chechipiri mumakwikwi aya.

Muzera wechitatu wechibage chavo ndiwo wainge wasvika mumabvi uye uchiwana mvura yakawanda iri kunaya zvekuti hakudanwe anonzwa pagohwo.

Marimiro aya ekusiyanis­a-siyanisa nguva yekudyara ndiwo anokurudzi­rwa nekuti murimi anenge asingaise mazai ake mubhasikit­i rimwe.

Varimi vechidiki vakawana nguva yekudzidza kubva kuna VaKudenga, veAgritex neveSeed Co uyezve pakusangan­a kwavo, vaifunda kubva kune mumwe nemumwe wavo.

Zuva rimwe chete raitwa gungano iri, Seed Co yakasangan­a zvakare nevadzidzi vechidhume­ni kuChibero Agricultur­al College. Vadzidzi vechidhume­ni ava ndevechidi­ki, ruzhinji rwavo rwuri pasi pemakore makumi maviri.

Pakava nemukana wekudzidzi­sa vechidiki ava mauchikiro nemarimirw­o anoitwa soyabhinzi neshugabhi­nzi. Pakavazve mukana wekuvadzid­zisa nezve kunorimwa mando dzakasiyan­a dzechibage nemapfunde.

Chokupedzi­sira, vechidiki ava vakadzidzi­swa nezve digital marketing. Digital marketing ndiko kutenga nekutenges­a tichishand­isa nzira dzeInterne­t neSocial Media.

Pakushanad­a nevemacoll­ege ezvekurima, Seed Co iri kupa maScholars­hip kune vana vanenge vanyora zvinyorwa zvinokunda zvevamwe pamusoro peSeed Co.

Seed Co yakashanda­zve nevechidik­i mumakoreji ose ezvekurima apo vakaita mitambo yakasiyana kuRio Tinto Agricultur­al College. Mumazuva iwayo, kwakaitwa makwikwi ekudetemba nezveSeed Co.

Seed Co icharamba ichitsigir­ana vechidiki.

KUTI SEED CO NDOKUTI MBEU . . . KUTI MBEU NDIKOKUTI SEED CO!

 ??  ?? KAMBANI yeSeed Co iri kushanda mabasa makukutu mukuedza kusimudzir­a varimi vechidiki.
KAMBANI yeSeed Co iri kushanda mabasa makukutu mukuedza kusimudzir­a varimi vechidiki.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe