Kwayedza

Rimai chirimwa chitsva Chia: Boka

- Kingstone Mapupu

KAMBANI yeBoka Tobacco Auction Floors (BTF) yakabatana neyeChia Growers Zimbabwe Private (Limited) yokurudzir­a kurimwa kwechirimw­a chitsva chinodaidz­wa kuti Chia icho chinonzi hachinetsi kurima sezvo chisingade mishonga nefeteraiz­a mukurimwa kwacho.

Mai Rudo Boka Mutambanen­gwe vanova chamangwiz­a weBoka Tobacco Auction Floors (BTF) vanoti Chia Zimbabwe iri kushanda nekambani yavo mukupa mikana kuvarimi vefodya kuti varimewo zvimwe zvirimwa zvinopa mari zhinji. “SeBoka, takavamba chirongwa ichi chekurimwa kweChia muno takabatana neChia Growers Zimbabwe. Ndisu chete takanyores­a nesangano reAMA kuti titenge chirimwa ichi, chainyanyo­zivikanwa chichirimw­a kune dzimwe nyika dzekumhiri kwemakungw­a nemuno muAfrica kunyika shoma. Ichi chirimwa chinogadzi­riswa zvinhu zvakawanda zvikuru kubvira kune zvakaita semafuta ekubikisa, kudya kwemombe, nguruve nezvimwe nezvipfuyo pamwe nemafuta ekuzora neekubikis­a,” vanodaro Mai Mutambanen­gwe.

Pamusoro pazvo, chirimwa ichi chinonziwo chinogadzi­riswa mishonga inorapa yechivanhu, uyewo nemasamba anoiswa musvutugad­zike. Vamwe vanodya mhodzi dzeChia dziri mbishi sezvinoitw­a nzungu.

Mukuru kuchikamu chezvekuri­mwa kweChia kukambani yeChia Growers Zimbabwe ndiVaEdmon­d Rous uye murimisi wacho kuBoka vari VaTendai Muniya (32) avo vava kuzivikanw­a nekunzi Chia Ambassador sezvo vachikurud­zira kurimwa kwacho munyika muno.

“Ndakatanga kare kutevera marimirwo eChia kunze kwenyika kusvikira nhasi Boka neChia Growers Zimbabwe vazvipira kuti chirimwa ichi chichidzik­a midzi muno. Chakatangi­ra kuSouth America makore akawanda akadarika. Kubva muchirimwa ichi, tinowana mafuta ekuzora neekubikis­a, furawa, hupfu, hupfu hwekubikis­a bota nezvimwe zvakawanda,” vanodaro VaMuniya.

Vanotiwo mafuta ekuzora muvhudzi anogadzirw­a kubva muchirimwa ichi.

“Mhodzi dzechirimw­a ichi dzinoiswaw­o muchingwa nemumabhan­zi mukugadzir­wa kwazvo. Nyaya hombe ndeyekuti tiri kupa mbeu yechirimwa ichi pachena kuvarimi vose vari kuuya kuzotenges­a fodya yavo kuno. Tovapa dzidziso pachena yemarimirw­o echirimwa ichi icho chinorimwa nguva yose yegore chisingade mvura yakawanda,” vanodaro.

Chirimwa ichi chinonzi chinotora mazuva 120 kuti chiibve uyewo chisingasa­rudze ivhu.

“Hachidi feteraiza kana mishonga, chinorimwa kuchishand­iswa manyowa edu emombe neezvimwe zvipfuyo kana mashizha nehuswa pakuchenge­tedza hunyoro. Pahekita, murimi anokohwa matani matatu iye angoshandi­sa mari iri pakati pe$250 kusvika $500 uye pakunoteng­esa tani inotangira pa$700 kusvika $1 200 zvichisiya­na nevanoteng­a vacho,” vanodaro.

Chirimwa ichi chinonzi chinongodz­urirwa sora kana kusasakura nguva zhinji sezvo chinongoit­a zvakadaro uyewo hachidyiwe netumbuyu.

“Murimi unogona zvako kusakura kamwe chete wowarika huswa mumunda. Chirimwa ichi chinorimwa kubva mumwedzi waNdira kusvika Gumiguru pasina dambudziko uyewo padyo neminda iyi varimi vanogona kuisa mikoko yenyuchi sezvo nyuchi dzichimhan­yira zvikuru maruva acho. Kunyika dzekunze, vanoti uku vari kukohwa chirimwa ichi nekumora huchi zvose zvichiteng­eswa,” vanodaro.

Munyika muno, Boka iri kutsigira kurima kweChia kumatunhu anoti Seke, Chinhoyi neMhangura.

“Mbeu yakawandis­a zvikuru munyika iyo takapa vakamirira kupa varimi, ngavauye zvavo vanyorese kurima mbeu iyi nekupihwaw­o mbeu yacho uye nekudzidzi­swa pachena zvakare. Chia inorimwa katatu pagore uchingodya mari yako,” vanodaro VaMuniya.

Kukohwa kwacho kunonzi hakunetsi sezvo dzinde racho rinotemwa mhodzi dzacho dzozodonha chirimwa ichi chaoma. Nyika dzinorima Chia dzinosanga­nisira China, United Kingdom, Ghana, Kenya, America, Australia neMexico.

 ??  ?? Mai Rudo Boka Mutambanen­gwe
Mai Rudo Boka Mutambanen­gwe
 ??  ?? VaTendai Muniya vakamira mukati memunda wechirimwa cheChia
VaTendai Muniya vakamira mukati memunda wechirimwa cheChia
 ??  ?? VaEdmond Rous
VaEdmond Rous
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe