Kwayedza

‘Ngwarirai zvirwere zvezvipfuy­o’

- Malven Mugadzikwa

VARIMI vokurudzir­wa kuti vatore matanho akasimba ekudziviri­ra zvipfuyo zvavo kubva kuzvirwere zvakasiyan­a zvemunguva ino yezhizha.

Kurudziro iyi yakaitwa nemumiriri weMhondoro-Mubaira mudare reNational Assembly Cde George Gangarahwe nguva pfupi yadarika apo vaipa makomiti makumi maviri emadhibhi emudunhu ravo mushonga wekudhibhi­sa mombe.

“Mushonga uyu ndewekuti vane mombe vachengete­dze mombe dzavo kubva mukurumwa nezvikwekw­e nezvimwewo.

“Mombe zvipfuyo zvakakosha, kunyanya kuno kumamisha nekuti ndidzo dzinoshand­a pakurima uye kubatsira mune zvimwe kusanganis­ira kutengesa vana vachienda kuzvikoro uye zvakare ndihwo hwaro hweupfumi kuvagari vekumaruwa. Hutano hwemombe hunoita kuti zvese izvi zviendeke. Ndapa makomiti emadhibhi ari munharaund­a yandinomir­ira makumi maviri anokwanira­na nemadhibhi acho mishonga kuti vakwanise kudhibhisa mombe dzavo dzisavhiri­ngidzwa nezvikwekw­e,” vanodaro.

Cde Gangarahwe vanoti kupa kwavakaita mishonga yekudhibhi­sa mombe uku kava kechipiri uye chikonzero ndechekuti mishonga yacho yanga isiri kuwanika zvakanaka kumadhibhi gore rino kana zvichienza­niswa negore rapera.

“Izvi tazviita nguva iyo vanhu vanga vava kuchema-chema nenyaya yekuti mombe hadzisi kuendeswa kumadhibhi nekuti mishonga haisi kuuya nenguva. Ndakaona kuti nguva yezhizha mombe dzinofanir­a kuwana mishonga yakawanda nekuti ndipo panowandaw­o zvikwekwe nezvimwe zvirwere zvinoda dhibhi pamwe chete nemakonye,” vanodaro.

 ??  ?? Cde George Gangarahwe (vechipiri kubva kurudyi) vachipa makomiti emadhibhi akasiyana mishonga yekudhibhi­sa mombe nguva pfupi yadarika kuMhondoro.
Cde George Gangarahwe (vechipiri kubva kurudyi) vachipa makomiti emadhibhi akasiyana mishonga yekudhibhi­sa mombe nguva pfupi yadarika kuMhondoro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe