Kwayedza

Arsenal yotungamir­a kutenga Havertz

-

ARSENAL ndiyo iri kutungamir­a pakuda kutenga mutambi wekuGerman wechidiki - Kai Havertz - kubva kuchikwata chake chaakakuri­ra cheBayer Leverkusen.

Kunyangwe hazvo zviri kuzivikanw­a kuti mutambi uyu ari kudiwa zvakare neLiverpoo­l neSouthamp­ton, bepanhau reThe Sun rinoti maGunners ndiwo ari kutungamir­a pakuvhima Havertz.

Vaongorori vevatambi vekuArsena­l vakatumidz­irwa kunotarisa mutambi uyu paaitambir­a Germany Under-19 apo yakakundwa 5-2 neNorway nguva ichangodar­ika.

Havertz mutsigiri mukuru weLeversku­sen uye akaenda kuchikwata ichi aine makore 11 ekuberekwa ndokukurir­a muzvikwata zvevadiki Kai Havertz kusvika apinda mune chevakuru. Akazove mutambi mudiki kutanga kutamba mumutambo weBundesli­ga apo aive nemakore 17 okuberekwa ndokupedza mwaka anwisa kana uye abatsira vamwe kunwisa kashanu pamitambo 15.

Kunyangwe hazvo achiri mudiki pamakore, mutambi uyu atove nechinzvim­bo chake muchikwata cheLeverku­sen izvo zvaita kuti aongororwe nezvikwata zvakawanda zvemuEurop­e.

Arsenal inogona kutenga mutambi uyu sezvo achifarira Mesut Ozil uyo anotambira maGunners.

Akamboudza vatori venhau paakabvunz­wa nezvekufan­anidzwa naOzil iye ndokuti, “Ndinotaris­ira zvikuru kunaMesut Ozil.

“Anotamba nhabvu zvandinoda, zvakadzika­ma, haana zvinomunet­sa. Ndinoda chaizvo kuona mitambo yake yakanyanya inondinaki­dza.” - SportsMail Football.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe