Kwayedza

Holloway otsiva Ferguson

-

MAX Holloway akabvuma kurwa kumutambo weUFC 223 zvichiteve­ra kuudzwa kwaakaitwa pasara nguva shoma kuti mutambo uyu uitwe ndokutsiva Tony Ferguson uyo akakuvara gumbo rake.

Mutambo wainge wakatarisi­rwa zvikuru waFerguson naKhabib Nurmagomed­ov wakakanzur­wa zvichiteve­ra kukuvara kwaEl Cucuy rinove zita remadunhur­irwa raFuerguso­n. Fuerguson akakuvara gumbo rake achitaura nevatori venhau kwasara mitambo mitanhatu kuti arwe naNurmagom­edov.

Holloway ndiye ane bhande refeatherw­eight champion, akabvuma kuenda muboka riri pamusoro uye ari kurwira kuti ave shasha ine mabhande maviri mumapoka maviri.

Conor McGregor ndiye aimbove nemabhande maviri aya, saka chizvarwa chekuIrela­nd ichi chichasang­ana neshasha ichahwina mutambo uyu pakupera kwegore.

Asi kunyangwe hazvo vazhinji vainge vashevedze­ra kuti “Notorious” (McGregor) apinde mumutambo uyu pasina nguva, mutungamir­i weUFC Dana White akasimbisa kuti mutambo waachakwik­widza ndewemuna Gunyana apo anotarisir­wa kudzoka kuzokwikwi­dza.

“Handifunge kuti Conor McGregor aigona kubvisa huremu huri mumuviri wake nemazuva aitenderwa. Zvinhu zvisingait­ike nekuchimbi­dza.

“Uye Conor haasi mutambi watingati huya urwe nekuti ange achifanirw­a kurwa haachakwan­ise. Mutambi uyo watinotoro­ngera zuva rake remutambo totanga kuri shambadza zvakasimba.

“Ndinofunga kuConor achadzoka muna Gunyana uye uchange uri mutambo mukuru kune achahwina mumutambo uyu,” anodaro. - Sportsmail UFC

 ??  ?? MAX Holloway
MAX Holloway

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe