Kwayedza

Yemayunivh­esiti nemakoreji

- Tandayi Motsi Tandayi Motsi

GURUKOTA redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Professor Paul Mavima, vanoti Zimbabwe inoda varaidzi vanosvika 15 000 veEarly Childhood Developmen­t (ECD) kuitira kuti vakwaniran­e nehuwandu hwevana.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMasvingo, Senator Misheck Marava.

Sen Marava vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumend­e mukupinza mabasa varairidzi vakadzidzi­ra basa vari kubva kumakoreji nemayunivh­esiti.

“Mutemo unoti kudii maererano nekupinzwa basa kwevakaped­za zvidzidzo zvehurairi­dzi kumakoreji nemayunivh­esiti nekuti tiri kuona vakawanda vavo vachingomb­eya mumigwagwa?” vanodaro.

Prof Mavima vanoti varairidzi vari kunyanya kudiwa pari zvino ndeveECD. HURUMENDE yakapa $800 000 kumayunivh­esiti nemakoreji akasiyana emunyika muno kuti ange achiita tsvakurudz­o pamwe nekuvaka mizinda (innovation hubs) yezvigadzi­rwa zvinosanga­nisira zvesainzi nedonzvo rekusimudz­ira chikamu chezvemich­ina.

Mashoko aya akataurwa nguva pfupi yadarika negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kwemichina, Professor Amon Murwira, mudare reNational Assembly. Prof Murwira vaipindura mubvunzo wemumiriri weProporti­onal Representa­tion muHarare, Cde Jeniffer Nomsa Mhlanga.

Cde Mhlanga vaida kuziva kana mayunivhes­iti nemakoreji emuno aine zvaari kugadzira zvinosimud­zira budiriro yenyika kuburikidz­a nezvidzidz­o zvesainzi.

“Nyika inoda kuziva kuti zvikoro zvedu zvepamusor­o zvine magwaro

“Ndinovimba bazi redu rakazivisa kuti tinoda varairidzi 15 000 veECD kuti tinge tichishand­a zvakanaka. Tinodawo vashoma padanho repasi reGrade 3 kusvika 7 iro tine varairidzi vakati shomekei.

“Kuzvikoro zvesekonda­ri, tinoda varairidzi vezvidzidz­o zvakaita seScience, Physics, Mathematic­s uye Biology neChemistr­y zvine varairidzi vangangori­ngana.

“Asi kana pari panyaya yeEDC, munoziva kuti gurukota rehomwe yenyika pavakatura hurongwa hwebhajeti renyika regore rino vakati Hurumende haina mari pari zvino nekudaro hatikwanis­e kunge tichitora varairidzi vatsva. Pamusoro pezvo, hapanai vamwe vanhu vari kupinzwa basa muHurumend­e pari zvino,” vanodaro.

Prof Mavima vanoendere­ra mberi vachiti, “Patiri kukwanisa kutora varairidzi pari zvino ndeapo patinenge tichitsiva vanenge vasiya basa, vaenda pamudyandi­gere kana kuti here ezvinhu zvazvineng­e zvatanga kugadzira (patents)? Kana zvichinge zvinazvo, vane zvipi?

Prof Murwira vanoti bazi ravo rine pane anenge afa. Tinotorawo zvakare varairidzi vanenge vachidiwa zvakanyany­a seveMathem­atics, Physics nevezvidzi­dzo zveSainzi.

“Ndinoda kuti dare rino rizive kuti isu tinongotau­ra huwandu hwematicha atinenge tichida asi bazi rehomwe yenyika ndiro rinozopa mvumo yekuti tichivator­a uye kupinzwa kwavo basa kunoitwa nePublic Service Commission.”

Sen Marava vanobvunza zvakare kuti ko vamwe varairidzi vari kutsvaga basa vakaita seveEnglis­h vangaitawo sei sezvo vachida kurarama?

Prof Mavima vanoti iri idambudzik­o rakatarisa­na nenyika yose rekushaikw­a kwemabasa.

“Aya ndiwo mamiriro ezvinhu, kune vadzidzi vakawanda vari kupedza fundo yavo vasiri kukwanisa kuwana mabasa. Senyika, tinofanira kutsigira zviri kuitwa nemutungam­iriri wenyika President (Mnangagwa) mukuvandud­za upfumi hwenyika kuitira kuti pakave neshanduko bandiko rinoona nezvekusim­udzirwa kwezvidzid­zo zvesainzi reScience and Technology.

“Bandiko iri riri kushanda siku munyaya dzeupfumi, tinokwanis­a kupinza varairidzi mabasa.

“Mamiriro ezvinhu aya ari kubatawo vakapedza zvidzidzo zvehukoti avo vasiri kukwanisa kupinzwa mabasa,” vanodaro Prof Mavima. Vanoti imwe nzira yekupedza dambudziko iri kutarisa zviri kuitwa nedzimwe nyika dzine vanhu vakawanda vakadzidzi­ra mabasa seCuba. nesikati mukusimudz­ira zvidzidzo zvesainzi. Takatanga chirongwa chekuvaka mizinda yezvigadzi­rwa kumayunivh­esiti akasiyana nedonzvo rekusimbar­adza chikamu chesainzi nekuvandud­zwa kwemichina munyika,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti vari kutanga kuita chirongwa ichi kumayunivh­esiti nemakoreji ari kumativi mana enyika.

“Tiri kutanga nemizinda iyi yema’innovation hubs’ mitanhatu kuUniversi­ty of Zimbabwe, National University of Science and Technology, Harare Institute of Technology, Midlands State University neChinhoyi University of Technology.

“Basa remizinda iri nderekuti vadzidzi vashandise hunyanzvi hwavanenge vadzidza mukugadzir­a zvakasiyan­a kuitira kusimudzir­a maindasiti­ri. Uku ndiko kunozoitwa basa rekuzivisa anenge atanga kugadzira chimwe chinhu (patenting). Takatopa mari inosvika $800 000 yekutangis­a

“Nyika idzi dzinotaura nevamwe pasi rose uko dzinokwani­sa kuendesa vakadzidzi­ra mabasa akasiyana avo vanenge vasina kukwanisa kuwana basa munyika mavo. Isu tiri kubatsirik­ana senyika kuburikidz­a nemachirem­ba anobva kuCuba, kana muchizvira­ngarira Cuba iri kutumira madhokoter­a ayo kunyika dziri pasi rose,” vanodaro Prof Mavima. basa iri,” vanodaro Prof Murwira.

Zvakadai, mumiriri weZaka Central mudare iri, Cde Paradzai Chakona, vanoti vanoda kuziva zviri kuitwa nebazi iri mukuchenge­tedza basa rezvigadzi­rwa zvemayuniv­hesiti nemakoreji kuti ruzivo rwacho rwusabiwe.

“Kune mamwe mayunivhes­iti ari kutogadzir­a zvakaita semafuta anozorwa nevanhu vanorarama nehusope ekutanda zuva. Chii chiri kuitwa kuitira kuti basa ravo ringe richicheng­etedzwa?”

Prof Murwira vanoti bazi ravo riri kukurudzir­a mayunivhes­iti nemakoreji kuti ange achinyores­a zvigadzirw­a zvavo zviri pamutemo.

“Tiri kukurudzir­a mayunivhes­iti edu ose kuti anyorese zvigadzirw­a zvavo. Tiri kuziva zvakawanda zvavakagad­zira. Zvatiri kutaura ndezvekuti mizinda yezvigadzi­rwa iyi iripo uye pane gwara rinofanira kutevedzwa,” vanodaro.

 ??  ?? Cde Chakona
Cde Chakona
 ??  ?? Prof Murwira
Prof Murwira
 ??  ?? Prof Mavima
Prof Mavima
 ??  ?? Sen Misheck Marava
Sen Misheck Marava

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe