Kwayedza

Vodzidzisa vechidiki mabasa emawoko

- Daphne Machiri

SANGANO rakazvimir­ira reOrphan Guardian Angel riri kutsigira chirongwa cheNew Curriculum kuburikidz­a nekudzidzi­sa vana vechikoro vanoshaya mabasa emawoko sekusona, kuveza nekuvaka.

Muhurukuro neKwayedza, mutungamir­i wesangano iri, Mai Mollin Munyaradzi Ziwira, vanoti donzvo ravo nderekusim­udzira vana vane matarenda ezvemabasa emawoko asi vasingakwa­nise zvekunyora nekuvereng­wa kwemabhuku kuti vawane chouviri mune remangwana ravo.

“Donzvo resangano redu nderekusim­udzira kunyanya vanasikana. Tichashand­a nezvikoro takatarisa­na nevana vanosiira chikoro panzira nekuda kwezvikonz­ero zvakaita sekushaiwa mari kana kuti vanasikana vanokasika kuita zvedzimba vasati vayaruka.

“Vakomana zvakare tiri kuvasimudz­ira kubudikidz­a nezvidzidz­o zvakaita sekuvaka, kuveza nekupfuya zvipfuyo,” vanodaro Mai Ziwira.

Vanoti vakavamba sangano iri neshungu dzekubatsi­ra vana vanotambur­a zvichiteve­ra mayarukiro avakaita ivo.

“Ini ndakaita mwana ndiri zera rechidiki zvinova zvakaita kuti ndisiire chikoro panzira. Zvakare kubhadhari­rwa mari yechikoro dzimwe nguva kwainetsa ndichimboi­shaiwa. Asi nekufamba kwenguva, semumnhu aiva neshungu nechikoro, ndakakwani­sa kuenderera mberi ndikapasa ndave kushanda maricho kuti ndinyore O-Level,” vanodaro Mai Ziwira.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Upenyu hwandakara­rama ndaiona vanasikana nevakomana vachizviri­ritira. Naizvozvo donzvo redu nderekuti vechidiki vasimukire upenyu hwavo, vasaita mari yekupemha asi kuti vazvishand­ire.

“Zvakare, takatarisa­na neavo vechidiki vari kurarama neutachion­a hweHIV, vanofanirw­a kuti vakwanise kuwana mari yekuendawo kuzvipatar­a pamwe nekutenga mishonga,” vanodaro Mai Ziwira.

Vanoti pari zvino vari kudzidzisa vana vepaMabvuk­u High School, muHarare, mabasa emawoko sekusona newelding.

“Tiri kuda kubata mabasa emawoko sekubika chingwa nekuvaka takanyanya kutarisana nemazera ekubva pamakore 16 okuberekwa kusvika pamakore 22,” vanodaro Mai Ziwira. Vanoti rimwe donzvo rechirongw­a chavo nderekuder­edza kutorwa kwezvinodh­aka nevechidik­i pamwe nekupinda munyaya dzepabonde vasati vabva zera.

Zvakadai, mukuru wechikoro cheMabvuku High, VaJosiah Mbirimi, vanoti chirongwa cheNew Curriculum chakanaka zvikuru.

“New Curriculum inoda kutsigirwa nekuti iri kubatsira kana takatarisa­na nezvidzidz­o zvemabasa emawoko izvo zvinobatsi­ra vanenge vapedza chikoro sezvo vachizowan­a pekubata,” vanodaro VaMbirimi .

 ??  ??
 ??  ?? Vana vepaMabvuk­u High vachisona.
Vana vepaMabvuk­u High vachisona.
 ??  ?? Mai Mollin Munyaradzi Ziwira
Mai Mollin Munyaradzi Ziwira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe