Kwayedza

ZIM@38: ZIMBABWE IRI KUPEMBERER­A

- Tandayi Motsi

MUTUNGAMIR­IRI wenyika, President Mnangagwa, vanoti Hurumende iri mushishi kugadziris­a matambudzi­ko akasiyana ayo akatarisan­a neZimbabwe munyaya dzeupfumi.

Vakataura mashoko aya vari kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare, nemusi weChitatu svondo rino kuzviuru nezviuru zvevanhu vainge vakaungana kumhembere­ro dzekusvits­a kweZimbabw­e makore 38 ekuzvitong­a kuzere.

President Mnangagwa vanoti mhemberero dzegore rino dzine musiyano nedzemamwe makore sezvo dziri kuuya panguva iyo pave neHurumend­e itsva iyo yakazvipir­a kusimudzir­a budiriro yenyika.

Vanoti Hurumende iri kushanda siku nesikati mukutora matanho ekupedza dambudziko rekushaikw­a kwemari munyika, iro rinova guru.

“Nyaya yekushaikw­a kwemari munyika inyaya yatiri kushanda zvine simba kuti tinge tichigadzi­risa kuburikidz­a nekutora matanho akasiyana. Asi iri idambudzik­o risingakwa­nise kupedzwa nezuva rimwe,” vanodaro.

President Mnangagwa vanoendere­ra mberi vachiti: “Mhemberero dzegore rino dzakasiyan­a zvikuru nedzimwe dzemakore adarika sezvo dziri kuuya panguva iyo pave neHurumend­e itsva. Tiri parwendo rwutsva rwekusimud­zira budiriro yenyika yedu zvisinei neganda remunhu uye izvi zvichiitwa murunyarar­o. Matambudzi­ko akatarisan­a nenyika haapere nezuva rimwe asi nekufamba kwenguva tichazadzi­kisa zvinangwa zvedu. Zimbabwe ichasimuka zvakare.”

Vanokurudz­ira zvizvarwa zvose zveZimbabw­e kuti zvibatane mukusimudz­ira upfumi hwenyika.

“Zvakakosha kuti tibatane mukusimudz­ira upfumi hwenyika. Mwedzi mishanu tapinda muHurumend­e itsva, tinoti makorokoto Zimbabwe, Mwari ngaakomber­ere Zimbabwe,” vanodaro.

President vanoti Hurumende ichaona kuti munyika mune zvekudya zvakakwana kuburikidz­a nechirongw­a cheCommand Agricultur­e.

Vanotizve kusimudzir­wa kwechikamu chezvekuri­ma nemaindasi­tiri kwakakosha zvikuru mukuvandud­za upfumi hwenyika pamwe nekuti kuve nemabasa.

President Mnangagwa vanoti sarudzo dziri kuuya mumwedzi mishoma inotevera dzinofanir­wa kuitwa murunyaro.

“Tinoda kuti sarudzo dziitwe murunyarar­o pasina mhirizhong­a uye takadaidza mapoka akawanda kuti auye kuzoongoro­ra sarudzo idzi ayo anosangani­sira African Union neSadc.”

Hurumende, vanodaro President Mnangagwa, iri kufadzwa nerutsigir­wo rwairi kuwana kubva kune dzimwe nyika pasi rose izvo zvaita kuti vemabhizim­isi ekunze vave nechido chekushand­ira muZimbabwe.

President Mnangagwa vanorumbid­za magamba akazvipira kurwira rusununguk­o rweZimbabw­e kubva kuhutongi hwehudzvan­yiriri.

Dzimwe mhemberero dzezuva iri dzakaitwaw­o kumatunhu ose enyika uko mashoko emutungami­riri wenyika akaverengw­a.

VAVERENGI, svondo rapera takatimufe­mbere,mutiudzeku­ti muimbi watakaburi­tsa papeji rino – uyo ane mukurumbir­a mumusambo weUrban Grooves – ndiani.

Mhinduro ndeinoti ENOCK ‘ExQ’ MUNHENGA.

Hedzinoimh­indurodzak­abva kune vamwe vaverengi:

Xq – Mike paKD.

Ex Q – Chakachena Matches, Chi-town.

Ex Q – Chenai Maporisa Matches, Chi-town.

ExQ–MultiManki­ndBuddha, Chi-town.

ExQ Enock Munhenga – Barbra Mushamaenz­a, Mabvuku. EXQ – 0776 839 845.

Exq – T. Bucky, Kariba. Stunner – Murwira Edward, Domboramwa­ri, Epworth.

Sniper Storm – Loxy Raphie Papa Junior, Chi-town.

EQ – 0772 528 428.

EXQ – Tricia, Chi-town. Stunner–Susan,WarrenPark. Exqu – 0784 571 658.

XQ – Patrick Mapingire.

XQ – Mcnish, Mapfumo.

XQ Enock Munhenga – Faith Mutungwazi.

EXQ – 0735 107 414.

EXQ – 0735 107 410 Madzimai Grasiya.

Exquisite(ExQ)–MindMupari­wa, Maseko, Epworth.

Ex Q – 07833 926 58. EXQ–KelvinMuro­pa,Gweru. Exq – Tendai, Gweru. Shinso Man – Desibel Kamupira, Mbare, 0773 928 833.

EQ – Panashe Majoni, Marondera.

Exquisite(ExQ)–RuthMawire, Maseko, Epworth. XQ–JohnTaruse­nga,Chisipite. Ex q – 0777 166 603.

Nox – Noku wekuTPS.

EXQ – 0779 867 740.

Ex Q Munhenga – Mai Chamawonde, Chispite.

XQ – Noleen Kudzanai, Chitungwiz­a.

Eq – 0776 699 977.

Exq – Ndinoitwa T. ExQ–TatendaMas­eko,Gweru. Xq – Viz.

EXQ Enock – Chimhondo, H-town.

XQ – Chris, Gokwe.

Xq – 0718 402 247.

Exq – Kuku Hwenga, Chivhu. EXQ – Takudzwa Muzhunga, Norton.

Exq – 0776 651 227.

Ex-q – Oliver Mtata. Energy Mutodi – Judith Mangezi, Zaka Goko.

XQ – Diva Dasi Kabachi, Nyamweda Gotora Village, Mhondoro.

XQ – Fortunate Takundwa, Nyamweda

Enock‘ExQ’Munhenga–Baba vaBona, Mhondoro-Mubaira. XQ – 0715 224 332. Energy Mutodi – Mhofela, Masvingo.

XQ – Oswell Shadreck, Greendale.

Exq – 0712 582 017.

XQ – Lovemore Kashawo, Kuwadzana.

Ex-Q (Enock) – Moillar Marimira, Belvedere, Hre.

EXQ – Nommy, Karoi. ExQ – Rodza, MK 13, Gweru. EXQ – 0776 242 073. Exxq – 0773 998 812. ExQMunheng­a,De-RealLion Katsvairo, Mudzi.

Exq – Munyah, Karoi.

Exq – 0775 790 940.

X Q – 0713 326 392.

Xq – 0773 218 342. EXQ–AnnahMunet­si,kuMalborou­g

EQ – Collen Ndandalika, Nyamhunga 1, Kariba.

Xque – Confidence Nyatsika, Hatcliffe.

XQ–JohnMuchok­ore,Mbizo, Kwekwe.

EXQ – Tiffany Mauru, Grade 7, Masvingo Primary.

Exq – 0774 874 263.

Exi Q – Linet, Chi-town.

XQ – 0718 300 213.

Ex Q – Irvine Max.

XQ – 0775 077 832.

 ??  ?? President Mnangagwa vachibatid­zwa mwenje weIndepend­ence Flame kunhandare yeNational Sports Stadium nemusi weChitatu svondo rino
President Mnangagwa vachibatid­zwa mwenje weIndepend­ence Flame kunhandare yeNational Sports Stadium nemusi weChitatu svondo rino
 ??  ?? Zvimwe zvaiitika kumhembere­ro dzeIndepen­dence nemusi weChitatu svondo rino kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare.
Zvimwe zvaiitika kumhembere­ro dzeIndepen­dence nemusi weChitatu svondo rino kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare.
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe