Kwayedza

AINE MUSWE WEDZVINYU MUNYORO

Mukadzi dzvii . . .

- Kingstone Mapupu naJanet Chari

MURUME wechidiki wekwaNeuso, kuMhondoro, anoti akasangana “neshura” muhomwe yerokwe remudzimai wake — maiva nemuswe wedzvinyu munyoro — uye kubva ipapo, sikarudzi yake inombony’ura mumuviri asi kana yobuda, dzinenge dzava nhatu-nhatu.

Kudakwashe Ndaba (31) — uyo pari zvino ari kugara kuBandali, kuIron Duke Mine iri kuMazowe — anoti atambura nedambudzi­ko rakatanga apo akabatikid­za mudzimai wake aine muswe wedzvinyu “chipotanem­adziro” muhomwe dzake.

“Ndinotanga nekurwadzi­wa nemudumbu zvikuru, sikarudzi yobva yany’ura. Ndinotadza kufamba apo chiuno changu chinenge chakaoma kuita sedombo, pashure sikarudzi yangu yodzoka — asi zvava zvitatu. Kana ndimiwo, makamboona kupi shura rakadaro?” anodaro Kudakwashe.

“Izvi zvakatanga 2010 nanhasi. Kana dai sikarudzi idzi dzichibuda dziri nhatu, imwe chete ndiyo yekurasisa mvura. Panguva iyi, ndinenge ndichidiki­tira zvikuru,” anodaro.

Kudakwashe anoti dambudziko iri rakatanga apo aive nemudzimai wake — uyo waakazoram­bana naye — akamuwanik­idza aine muswe wedzvinyu munyoro muhomwe yerokwe rake.

“Haana kukwanisa kutsanangu­ra kuti aiushandis­e chii. Kubva ipapo, kunze kwekuny’ura sikarudzi ichizodzok­a dzava nhatu, ndinotemwa nemusoro zvakanyany­a.”

Kudakwashe anoti akashaikir­wa naamai asi baba vake, VaDenny Ndaba, vapenyu uye vari kuBulawayo.

Anotizve dzimwe hama dzake dzakundika­na kumubatsir­a padambudzi­ko iri, “vamwe vanototi ndini ndakaromba”.

“Izvozvi handina kuhama kwekugara, kwandaenda vanonditi ibva pamba pedu nekuti wakaromba. Vamwewo vanonditi ndinopenga. Ndashaya chaiye angandibat­sire, asi kune mumwe chiremba wechivanhu ari kundishand­ira pachena,” anodaro Kudakwashe.

Anoti ane jambwa rekupomerw­a mhaka dzaanenge asina kupara uye ane fungidziro yekuti rushambwa urwu rwuri kukonzerwa nemuswe wedzvinyu waakasanga­nidzana nawo.

Vakaita mwana mumwe chete nemudzimai waakaramba­na naye uyu.

“Ndakawanan­a nemudzimai uyu mugore ra2007. Pandakamub­vunza nezvemuswe uyu kuti aida kuushandis­ei, akatadza kundipa mhinduro. Ndakazoend­a nemuswe uyu kuna amaiguru mukoma wake uko vakasvikon­diti ndinoshush­a zvikuru.

“Amaiguru ava vakandibvu­tira muswe wedzvinyu uya ndokubva vatiza nawo zvese nemudzimai wangu, ini ndikasara ndakangova­yeva,” anodaro Kudakwashe.

Anoti kubva ipapo ndipo paakatanga kutadza kuenda kuchimbuzi uyewo nhengo yake ndokutanga kuny’ura mudumbu dzichizobu­da dzava nhatu nhatu.

Kudakwashe anotizve panenge pakany’ura sikarudzi yake, ndipo paanonyany­a kunzwa kuda mudzimai.

“Ipapo ndinonzwa kuda bonde zvakanyany­a ndichiita dzungu. Pazvinobud­a handizozvi­nzwa, zvinobva zvanyarara. Asi kubva pandakasiy­ana nemukadzi wangu mugore ra2010, handina kuzomboshe­reketa nemunhukad­zi kusvika izvozvi.”

Kudakwashe anoti ari kuenda kuchimwe chipatara chiri muHarare asi chirwere chake hachizi kuonekwa.

“Vanhu vaimbofung­a kuti ndine ‘sick’ (njovhera) asi haina kuonekwa. Ndiri kunzi ndirambe ndichienda kuchipatar­a asi mari yacho handina,” anodaro.

Votaura pamusoro pezviri kuitika kumurume uyu, imwe nyanzvi yezvechiva­nhu, Sekuru Elisha Mutanga, anogona kunge akaiswa rukawo kana kuti runyoka rwekamba kana rwehozhwa.

“Akashandis­irwa rukawo rwehozhwa kana rwekamba zvinoita kuti nhengo yake ipote ichiny’ura nekubuda dzawanda. Kamba kana hozhwa inony’udza musoro mukati nekuburits­a kunze zvinova izvo zviri kuitika kwaari,” vanodaro.

Vanoti muswe wedzvinyu munyoro uyo Kudakwashe akaona uine aimbova mudzimai wake unogona kunge waive mupfuhwira uye zvichida wakapinduk­a ukashanda zvisizvo.

 ??  ?? Kudakwashe Ndaba
Kudakwashe Ndaba
 ??  ?? Muswe wedzvinyu
Muswe wedzvinyu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe