Kwayedza

Gore mwana gore mwana pa26 years ‘NDINE CHIPO CHEKUZVARA’

‘Handimire chero Mwari vachida’ 4 vakaroorwa, mudiki anoyamwa ‘Tinodya 50kg yehupfu pasvondo’

- Kingstone Mapupu

PAMAKORE 26, mudzimai wekuGokwe abara vana 16 nemurume wake, vose achivasunu­nguka pasina matambudzi­ko uye vari vatano.

Mai Netsai Hlatini (46) naVaKizito Ziyambe (48) vemubhuku raNjanji, kwaNembudz­iya, vane vanasikana 10 nevakomana vatanhatu.

Dangwe pavana ava musikana akaberekwa mugore ra1990 kuchiti mudiki wacho, musikana zvakare, ndewa2016.

VaZiyambe nemudzimai wavo vakarooran­a muna1990.

Mai Hlatini — avo vakawanikw­a neKwayedza svondo rapera vari pamusha pavo nevamwe vana vavo vasere — vanoti vanodada nechipo chavakapih­wa naMwari chekuberek­a vana vakawanda.

“Vamwe vanotiseka asi hazvina mhosva nekuti hatikwanis­e kuramba zvido zvaMwari. Inyasha dzaMwari nekuti pane dzimwe nguva ndaitoita mwana pagore rogaroga.

“Pavana vangu vose ava, hapana kana mumwe chete zvake weopareshe­ni mufunge.

‘‘Ndakasunun­gukira vana vangu 13 kuchipatar­a cheNembudz­iya pasina dambudziko.

“Handina kana mwana akafa kana nhumbu yakabva, vana vatatu ndakasunun­gukira kumba,” vanodaro Hlatini.

Pavana ava, vanoti hapana manyambiri kana manyatatu.

Mudzimai uyu anoti vaimboshan­disa nzira dzekurera mhuri apo aigara achingorwa­ra nekuda kwemapirit­si kusvikira aregera kuanwa.

“Ndichinwa mapiritsi aya, nhumbu dzaingobat­a chete uye kuburikidz­a nekurwara, ndakazoreg­a kuanwa.”

Vobvunzwa kuti vachada here kuramba vachiita vamwe vana pamusoro pe16 ava, Mai Hlatini vanoti mumwe mwoyo unombovati vachiguma naivava.

“Ndingangot­i ivava vakwana, asi kana Mwari vachiri kuda kuti ndibereke, ndingazvii­tewo sei? Tinongoram­ba tichiita vana vacho,” vanodaro.

Vanasikana vavo vana vakatoroor­wa zvekuti vatovawo nevavo vana vanomwe pamwe chete.

“Ndine vakuwasha vana nevazukuru 7. Vakomana vose vachiri vadiki saka handisati ndava nemuroora, vachauya zvavo. Tinoda kuti vakomana ava vamboenda kuchikoro.

“Asi dambudziko ndere mari yechikoro nembatya semayunifo­mu uye mabhuku acho.”

Mai Hlatini vanoendere­ra mberi vachiti: “Hongu, chipo chaMwari vana ava, asi tava nedambudzi­ko rekuvariri­tira nekuvaende­sa kuchikoro nekuti vagopfeka vachiwana kudya kunokwanir­ana. Ihondo pano, hatiwane kudya kunokwanir­ana, mbatya chaidzo hatina, sipo yekugezesa, mafuta ekubikisa haawanikwe zvekumhany­a.

“Tinodya muriwo munjonjo, kunwa svutugadzi­ke nekuwana chingwa tinoita zvekurota, tinotozvin­zwira munhuhwi wazvo panext door,” vanodaro.

Mai Hlatini vanoti pasvondo rimwe chete vanoda hupfu hunokwana 50 kgs, marita 5 emafuta, 10 kgs dzemupunga, 10 kgs dzefurawa, sauti 2 kgs, sipo mabar matatu, sipo dzekugezes­a shanu nezvimwe zvakawanda.

“Nyama chaiyo hatichaizi­va nekuwanda kwedu, tinongorar­ama nezviripo nekuti tinorima nekupfuyaw­o zvipfuyo izvo tinouraya nenguva dziri kure.

“Tinobika bhodho resadza hombe ‘size 6’ umo tinobika hafu yebhagidhi kamwe chete asi hatitoguta. Tinobika kaviri pazuva — mangwanani nemanheru — masikati tinoswera nayo,” vanodaro.

Mai Hlatini vanoti dzimba dziri pamusha pavo hadzikwane sezvo vanasikana vachirara mukamba kehuswa kadiki.

“Tine imba hombe ine dzimba nhatu, hozi ine matura matatu, imba yekubikira imwe chete, kamba kekubikira neimba duku yevasikana umo vasingakwa­ne. Tine shuviro yekuvaka imba huru ingaite dzimba gumi asi kushaya ndiko kunotikund­a,” vanodaro.

Mhuri iyi inorima zvinosanga­nisira mhunga, chibage, nzungu, muriwo nematomati­si.

“Mombe nembudzi tinazvo zvishoma izvo tapedza nekutenges­a tichiitira kuti vana vaende kuchikoro. Tingadewo injini yekudhonza mvura nekucherer­wa chibhorani kuti tirime zvakakura tigokwanis­e kuriritira mhuri ichiguta.

“Tinopfuyaw­o huku, matoki nemadhakis­i izvo tapedza kutengesa zvakare,” vanodaro.

Vanoti pari zvino vana vari kuenda kuchikoro vapfumbamw­e — vatatu kusekondar­i nevatanhat­u vepuraimar­i.

Kusekondar­i, vanodaro Mai Hlatini, kunodiwa $90 pagore pamwana mumwe chete kuchitiwo kupuraimar­i vanobhadha­ra $75 pamwana.

“Gore rino bedzi, kuzvikoro kuri kudiwa mari yemafizi inoita $720 iyo tisati tabhadhara kubvira temu yekutanga. Tagara tiine chikwereti cheimwe mari yemamwe makore negore rakapera inosvika $800, kureva kuti mari yose iri kudiwa inodarika $2 000,” vanodaro.

Vanoti vana vavo vanogona zvikuru kuchikoro asi vamwe vacho vari kuguma vasiira chikoro panzira nekushairw­a mari.

Pakashanyi­rwa mhuri iyi neKwayedza, VaZiyambe vakawanikw­a vabvakacha.

Mhuri iyi inogara naMbuya Serepuya Ziyambe (90), avo vanove vamwene vaMai Hlatini.

Mbuya Ziyambe vanoti vanodada nemhuri yakaitwa nemwanakom­ana wavo.

“Mwana wangu akandibere­kera mhuri ichandiche­ngeta ini. Inhamo zvayo asi inopera nekuwanda kwavo,” vanodaro mbuya ava.

Munyori weKwayedza votaura pamusoro pezvakaitw­a nemukadzi uyu zvekubara vana 16 mumakore 26, mukuru wechipatar­a cheChitung­wiza Central Hospital — Dr Obadiah Moyo — vanoti hakuna dambudziko rinokonzer­a munhukadzi kuti aite vana vakawanda.

“Kuita nhumbu kuita nhumbu uyewo kubereka kumwe chete kumadzimai. Hazvina mhosva kuti waita vana vakawanda kana kuti vashoma.

‘‘Chakakosha kutevedza zvinodiwa,” vanodaro Dr Moyo.

Vanoda kubatsira mhuri iyi vanogona kuridza nhare dzinoti 0783 164 141.

 ??  ?? Mai Netsai, VaKizito Ziyambe nemhuri yavo.
Mai Netsai, VaKizito Ziyambe nemhuri yavo.
 ??  ?? Musha waVaZiyamb­e
Musha waVaZiyamb­e
 ??  ?? Mbuya Ziyambe
Mbuya Ziyambe
 ??  ?? Dr Moyo
Dr Moyo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe