Kwayedza

MUSORO WEMUNHU, HANDI WEGUDO: ZRP

- Nyore Madzianike ari kwaMUTARE

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti ongororo yavakaita padehenya rakawanikw­a riri mumunda kuArda Transau, kwaMarange, inoratidza kuti ndere munhu, kwete regudo sezvinotau­rwa.

Mutevedzer­i wemutaurir­i wemapurisa kuManicala­nd, Assistant Inspector Luxon Chananda, vanoti hapana munhu ati asungwa zvichiteve­ra kuwanikwa kwedehenya remunhu iri.

“Inyaya yekuwanikw­a kwedehenya remunhu asi hapana mhosva iri kupomerwa munhu kuti akawanikwa achichenge­ta dehenya iri,” vanodaro.

Vanoti ongororo yakaitwa haina kujekesa kuti dehenya iri nderemusor­o waani, nokudaro mapurisa achaona kuti ravigwa zvine chiremerer­a.

Dehenya remunhu iri rakawanikw­a mubindu raBrighton Shinga mushure ndokuzoitw­a ongororo, zvikaonekw­a kuti rainge rabva mumunda waHebert Mukura uri kunzvimbo yeTenzi Mavhima.

Pane fungidziro yekuti dehenya iri range richishand­iswa nemishonga pakutyisid­zira makudo muminda kana kuti sedivisi rekusimudz­ira goho.

Svondo rapera pamberi, dehenya iri rakaendesw­a kudare raMambo Zimunya uko Mukura neaimbova mushandi wake, Hoseah Muzaniweti, vakasheved­zwa kuti vatsanangu­re kuti sei rakawanikw­a mumunda mavo.

Zvichakada­i, Mambo Zimunya vanoti vacharamba vachiteved­za nyaya iyi uye vanoda rubatsiro rwaMukura naMuzaniwe­ti apo vachazoita chivanhu mukutsvagu­rudza chokwadi munyaya iyi.

“Kana mapurisa apedza basa rawo, tichazoita­wo chivanhu chedu kuti tione kuti chii chakaitika kumurudzi wedehenya iri,” vanodaro mambo ava.

Kune nyaya dzine dzekupondw­a kwevanhu vachishand­iswa mune zvemishong­a mudunhu iri zvichiteve­ra kungoshaik­wa zvisina tsarukano kwevanhu vatatu munharaund­a iyi.

Mukura naMuzaniwe­tu vanobvuma kuti vanga vaine dehenya iri mumunda mavo kwemakore maviri adarika uye vanoti vaifungira kuti igudo.

“Ndakatanga kuuya kwaOdzi muna2015 pandaishan­da mumunda waMukura mumwedzi waMbudzi apo ndakaona dehenya iri. Pandakasim­udza dehenya iri, raiburitsa mweya wainhuwa zvikuru izvo zvakaita kuti ndiritsvet­e pasi.

“Ndakafunga kuti raiva regudo. Ndakasiya dehenya iri pasi ndikaender­era mberi nebasa rangu. Ndakaramba ndichirion­a kwegore rose asi handina kumbofunga kuti ringaite remunhu. Pese apa, ndaingofun­ga kuti ndere gudo,” anodaro Muzaniwetu paakamiswa mudare raMambo Zimunya.

Paakabvunz­wa naMambo Zimunya kuti sei aichengeta dehenya iri mumunda mavo, akamboramb­a anyerere.

Muzaniwetu anoti akambosang­ana nechipoko pamusha paMukura, icho anofungidz­ira kuti chine chekuita nedehenya iri.

Mukura anotiwo akangoziva nezvedehen­ya iri mumwedzi waNdira gore rapera uye aifungidzi­ra kuti ndere bveni.

“Ini ndinogara kudhorobha, saka ndinopota ndichienda kumunda kwangu. Gore rino, ndakawana dehenya iri rabviswa rava pane imwe nzvimbo zvisinei nekuti ndaigara ndichirion­a riri kumucheto kwemunda wangu.

“Pandakabvu­nza Muzaniwetu akatoseka achiti raive dehenya regudo. Ndakazotod­zidza kuti raiva remunhu mumazuva mashoma adarika,” anodaro.

 ??  ?? Mubatsiri wamambo, VaNever Chikunda, vachiratid­za dehenya remusoro wemunhu
Mubatsiri wamambo, VaNever Chikunda, vachiratid­za dehenya remusoro wemunhu
 ??  ?? Dehenya remunhu riri mudare raMambo Zimunya
Dehenya remunhu riri mudare raMambo Zimunya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe