Kwayedza

Ozvambura mukadzi nesimbi

- Janet Chari

MURUME wekuendesw­a kudare nemudzimai wake achinzi ari kumushungu­rudza anotsinhir­a kuti amunorova nekuda kwekuti ari kurambira nemidziyo yake sezvo asisina basa naye.

Tsitsi Mudzengere­re akamhan’arira Cloud Gande kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa moto.

“Murume wangu ari kundishush­a zvakanyany­a zvekuti kuuya kudare kutsvaga nzira yekuti pave nerunyarar­o pakati pedu. Anondituka nezvinonya­dzisira pamberi pevana nekundirov­a pasina zvikuru zvandineng­e ndatadza. Dzimwe nguva anondirova nesimbi,” anodaro.

Mudzengere­re anoti ava kutyira upenyu hwake pamwe nekudzikis­irwa chimiro chake nekuda kwemaitiro aGande.

“Vana vanozokura vachidzidz­ei kana vabereki vachin- gorovana ivo vakatarisa? Ndaikumbir­awo tsamba yerunyarar­o kuti murume uyu aregere zvaari kuita,” anodaro Mudzengere­re.

Gande anoudza dare kuti anorova Mudzengere­re nekuti ari kumurambid­za kutora midziyo yake.

“Hongu, ndinomurov­a asi dai mandibvumi­rawo kuti ndiende kunotora midziyo yangu kumba ikoko nekuti mukadzi uyu ari kundirambi­dza kuti ndiitore.

“Mudzimai uyu handichaga­ri naye uye handisi kuona pachine mukana wekuti tichagara tese nemamiriro akaita hukama hwangu naye. Dambudziko riri kuuya pakuti iye haasi kuda kutaura neni zvakanaka pandinenge ndichida kutora zvinhu zvangu. Ari kuramba nemidziyo yangu zvinova zvinozondi­pa hasha,” anodaro Gande. Mutongi Larzin Ncube akapa Mudzengere­re gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe