Kwayedza

Vanondida vakawanda, ndinoswera ndaroorwa

-

KAZHINJI, kana mukadzi achinge afirwa nemurume wake, haana hunhu hunowanzoi­twa nevarume hwekuti anobva atsvaga mumwe murume wekuti amuroore. Varumewo kazhinji kana vafirwa havatore nguva refu vasati varoora zvakare.

Asi mukadzi haakwanise kudaro nenzira iri n’yore. Nyangwe zvazvo Gire wemuchimbo chaDembo achiti, “Vanondida vakawanda wena, unozviziva ndinoswera ndaroorwa,” kuroorwa hakungoiti­ka zvekumhany­a nekuti vanoroora vanogona kukumisa mumutsetse unenge webhengi, vozokushay­isa maBond.

Mukadzi anowomerwa nekuroorwa patsva nekuti paanoroorw­a, anobva kumusha kwavo achinogara kumusha kwemurume.

Kana akachata anobva asiya zita rekumusha kwavo achitora rekumurume.

Saka mukadzi anorasikir­wa nekumusha kwake, uye agorasikir­wa nezita rekumba kwavo. Kana achienda kumusha kwavo, anotoendak­o semushanyi uye akagarisa kumusha kwake, variko vanomubvun­za kuti achadzoker­a kwake riinhi nekuti vanenge vachiti haasisiri wavo.

Mukadzi kana achinge aroorwa akaita vana, vana vaanenge abereka havasi vake asi ndevedzinz­a remurume.

Mukadzi akafirwa haatakure vana vake achienda navo nekuti vana ava vari pamusha pavo. Mukadzi akafirwa asi anga aine vana, anotarisir­wa kuti achengete nekukudza vana vake ari pamusha paakasiiwa nemurume wake.

Nyangwe asara nevana pamusha pemurume wake akafa, mukadzi afirwa haatarisir­we kutorerwa minda kana zvinhu zvaakanga achishandi­sa pamwe chete nemurume wake asati afa. Kana akada kuroorwa zvakare, anotarisir­wa kuti abve pamusha pemurume wake wekutanga, achinotang­a musha mutsva nemurume wake mutsva.

Vanhu vedu vanoti, “Musha mukadzi.” Chirevo ichi hachireve chinhu chimwe chete, asi zvakawanda. Kuti musha unzi musha unogarika — zvinobva pamukadzi anochenget­a musha nekudzidzi­sa vana.

Kuti musha unzi musha, mukadzi anenge abereka vana uye pasina vana rudzi harukure.

Musha mukadzi nekuti vakadzi vanotsigis­a musha.

Kazhinji varume vanoda mukadzi anovadzora nekuvabats­ira kuti vasarasike sebasa rakapihwa Eve kuna Adam naMwari.

Murume anobva kumba kune mukadzi kazhinji anoonekwa nekushambi­dzika nekutaridz­ika zvakanaka pane murume asina kuroora.

Shirikadzi dzinotaurw­a zvikuru nyangwe neBhaibher­i.

Vakadzi kana vachinge vafirwa, havareruki­rwe nehupenyu nekuti kazhinji vanosiiwa vaine vana vekuchenge­ta.

Kazhinji vakadzi vanoshingi­rira kusaroorwa kuti vachengete vana nekuti vanoziva kuti varume vazhinji havadi kuchengeta vana vemumwe murume.

Haisi nyore kuti munhukadzi anga akaroorwa akafirwa nemurume agoenda kunotanga kuita huroora, agoperekwa zvakare, agotanga kuzivana nekujairir­ana nehama dzemurume mutsva. Haisi nyore kunotanga hupenyu hutsva mumusha mutsva nemunhu mutsva navamwene vatsva.

Shirikadzi dzinonyany­a kuzivikanw­a mukugara kwedu nekuti dzine mwoyo inenge yehuku yakararira mazai.

Huku yakararira mazai inokanganw­a kuti kunze kune hwiza nemakonye anogutsa, inokoshesa mazai ayakararir­a.

Asi zvakadaro, Bhaibheri rinokurudz­ira kuti shirikadzi dzinzwirwe tsitsi nekuda kwekuti hadzina kurerukirw­a nehupenyu. Varume vanenge vafirwa vanogona kuroora asi kashoma kuti vafunge vana vavo nenzira inoita shirikadzi.

Zvakarewo, varume vanoshandi­sa simba ravo kuti zvinhu zviite sekuda kwavo, asi vakadzi havakwanis­e kudaro.

Vamwe vakadzi kana vafirwa vanojoborw­a sechingwa nehama dzemurume zvekuti vanoshaya rugare. Varume vanozvida, uye kazhinji vanoti mukadzi akamboroor­wa haaite.

Asi Mwari ane hany’a dzakanyany­a kushirikad­zi kana ukaverenga kuna Mapisarema 68:5.

Kana Jesu chaiye paakanga ave kufa akaziva kuti amai vake ishirikadz­i akasiya ati Johani agovacheng­eta.

Rudo rwaJesu kushirikad­zi ndirwo rwakaita kuti amutse mwanakoman­a wemukadzi wepaNaini.

 ??  ?? Oliver Marakurwa achiratidz­a mazamu ake.
Oliver Marakurwa achiratidz­a mazamu ake.
 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe