Kwayedza

MAZAMU TUGU ATORA MUKADZI WEMAPOTO

- Nyore Madzianike ari kwaMUTARE

MUNYAYA inoita kunge bhaisikopo, murume wekuBuhera ari kudemba zuva raakasanga­na nemumwe mukadzi “chenzira” muHarare, uyo akafungira kuti achazova mudzimai wake weupenyu hwose, asi ndokuzosii­wa aine kudzimbika­na mumwoyo zvichiteve­ra kumera kwaaita mazamu – mukadzi uyu achibva amutiza.

Oliver Marakurwa (38) wemubhuku raMarakurw­a asara asisinawo midziyo yake yemumba apo Emma Chamisa – uyo anofungidz­ira kuti ndiye akamusota – akamutiza ava nedambudzi­ko rekukura mazamu.

Marakurwa anoti akasangana naEmma muguta reHarare mumwedzi waGunyana 2011 achibva amukanda shoko rerudo – vaviri ndokuwirir­ana.

Zuva rimwe chetero ravapfimba­na, vaviri ava vakawirira­na kunogara vose kumba kwemurume uyu kuKuwadzan­a Extension.

Asi denga rakabva rafuratira Marakurwa sezvo rudo rwake naEmma rwusina kuzopfumbi­ra apo akatanga kumera mazamu – murume nemukadzi vachibva vatanga kunetsana pasati pakwana kana “varoorana” vachichaya mapoto.

“Ndakasanga­na naye muHarare ndikamupfi­mba, achibva angondida pakarepo. Zuva iroro ndakabva ndanorara naye kumba kwangu, mushure ndokumuti achidzoker­a kumba kwake asi akaramba achiti ava kugara neni. Ndakabvumi­rana nazvo tikatanga kugara semurume nemudzimai,” anodaro Marakurwa.

Emma akazoita pamuviri zvikaita kuti pamuke rimwe dambudziko sezvo murume achiramba kuti imimba yake.

Marakurwa anoti akaedza kutsvaga rubatsiro rwemaporof­ita kuti matambudzi­ko ake ekubuda mazamu apere.

Zvisinei, mushure mekushandi­sa kwakaita Marakurwa miteuro yaainge apihwa nemumwe muporofita, Emma anonzi akabva ambotiza pamba kwemazuva maviri.

“Paakazodzo­ka, ndakamubvu­nza kuti akanga aendepi iye akati ainge aenda kunotora magwaro ake ekuzvarwa kuKadoma zvinova zvakandisi­ya ndiine mibvunzo yakawanda.”

Marakurwa anoti kugarisana kwake naEmma semurume nemudzimai hakuna kumufadza uye mukadzi uyu akabva aramba kuti amupereked­zekumushak­wevabereki vake kuti vanoyanani­swa.

“Kugarisana kwedu kwakanetsa zvekuti mukadzi uyu akazosvika pakuronged­za twake achibva aenda uye akaita izvi ini ndisipo ndaenda kubasa.

“Akatakura midziyo yangu kusanganis­ira tirauzi rangu rejini neT-shirt, ndinovimba kuti anozvishan­disa nemishonga,” anodemba murume uyu.

Anoti haana kuzomboona­na naEmma uye hama dzemukadzi uyu dzinogara kuChitungw­iza hadzisi kumubatsir­a pakumutsva­ga.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe