Kwayedza

‘Siyai vana vakure, kwete kuvaroodza’

- Muchaneta Chimuka

MASANGANO anomirira kodzero dzevanhuka­dzi anoti ari kushushika­na nekuroodzw­a kuri kuitwa vamwe vanasikana vasati vabva zera izvo zvinoita kuti vasiire chikoro panzira zvichizoka­nganisa remangwana ravo.

Mashoko aya akabuda pamusangan­o wakaitwa nemasangan­o aya muHarare nguva pfupi yadarika.

Nyaradzo Mashayamom­be, uyo anotungami­rira Tag A Life, anoti vanasikana vanoroodzw­a vasati vabva zera kashoma kuti vawanikwe vachizodzo­kera kuchikoro nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

“Imhosva huru kuroodza vana zvisinei nekuti hakusati kwava nemutemo wakazvimir­ira unotarisa nyaya idzi. Vapari vemhosva vachiri kungobatwa bedzi nemutemo wezvemhiri­zhonga. Zvisinei nekuti Hurumende inoti vana vose – kusanganis­ira vanenge vamitiswa – vanofanira kudzokera kuchikoro, danho iri harisi kutevedzwa nepamusaka pekuti vana ivavo vanenge vatova nemumwe mutoro wekurera vana izvo zvinoita kuti vakundikan­e kuwana mari nemukana wekuti vaendezve kuchikoro,” anodaro Mashayamom­be.

Mashayamom­be anoti vabereki vanofanira kushingair­ira kuti vafundise vana vavo nekuti muzvikoro ndimo mavanowani­swa dzidziso maringe nekuipa kwenyaya dzekuroorw­a vachiri vadiki.

“Kana mubereki akakundika­na kufundisa mwana wake pakutanga, hationi achizokwan­isa kumupa mumwe mukana wepiri – kunyanya kana achinge aroorwa – nekuti mutoro unenge watokura.

“Mamwe ematambudz­iko ari kuita kuti vabereki varoodze vana anosangani­sira nzara, hurombo, kushaya ruzivo, zvitendero semamwe makereke echiposito­ri apo vana vanoroodzw­a kumadhara kana nyaya dzezvigadz­a mapapfihwa nekuripa ngozi,” anodaro.

Dorcas Makasa Kanyimo, anova director weWomen and Law in Southern Africa Research and Education Trust, anotiwo kune vanasikana vari kuroodzwa vasati vasvitsa makore 18 okuberekwa sezvinotar­isirwa pasi pemutemo weZimbabwe izvo zvinoita kuti vasangane nenyatwa yekutapu- rirwa utachiona hweHIV apo vanopindwa navo pabonde zvechisimb­a.

“Vana ava miviri yavo inenge isati yasimba kuti vapinde munyaya dzepabonde uye vanenge vasati vava kuziva nyaya dzekurera mhuri. Nokudaro vazhinji vavo vanopinda mumatambud­ziko aya vanosiira chikoro panzira nepamusaka pekuti vanenge vava nepamuviri uye vabereki vavo vanovadzin­ga pamba,” anodaro.

Anoti mugore ra2016, dare reConsitut­ional Court rakapa mutongo wekuti munhu ane makore 18 okuberekwa zvichikwir­a chete ndiye ane kodzero yekupinda muwanano.

“Zvisinei nemutemo uyu, pachine gakava pamutemo weSection 78

uyo unoti munhu ane makore 18 zvichikwir­a bedzi ndiye anokwanisa kuita mhuri. Chikamu chemutemo uyu hachina kunyatsoje­kesa kuti zvinorevei kuti kuita mhuri. Nokudaro Section 78(1) inotara makore 18 seakakodze­ra kuti munhu ange achipinda muwanano uye imhosva kune vanobatsir­a muwanano yepwere dziri pasi pemakore aya, zvisinei nekuti zviri kuitwa netsika yechivanhu kana kumakereke,” anodaro.

Anotizve wanano yechivanhu yakadai – seCustomar­y Marriage Act Chapter (5:07) – haina makore akatarwa kuti munhu akodzere kupinda mairi nokudaro vatongi mumatare edzimhosva havanyore magwaro ewanano kuvanhu vari pasi pemakore 18.

Abigail Matsvayi Pasipanody­a — uyo anova director wesangano reZimbabwe Women Lawyers Associatio­n (ZWLA) – anoti mitemo yewanano ngaikurumi­dze kubatanidz­wa (harmonised) kuti nyika ikwanise kurwisa nyaya dzekuroodz­wa kwevana uye kuwaniswa kwemagwaro ekuzvarwa kuitwe nenguva nekuti matare edzimhosva anoda humbowo hwemakore hunobatika kana kodzero dzevana dzichinge dzambunyik­idzwa. Kuchiti Judith Dembetembe Chiyangwa, anovawo director wesangano reGirls Legacy, anoti vanakomana vari panyatwawo dzekuroodz­wa nekudaro mutemo unotarisa mativi ose.

 ??  ?? Nyaradzo Mashayamom­be
Nyaradzo Mashayamom­be
 ??  ?? Judith Dembetembe Chiyangwa
Judith Dembetembe Chiyangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe