Kwayedza

Vanotadza vanorangwa

- Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tinopedzis­a mubvunzo watakasiir­a panzira svondo rapfuura unoti;

Uchishandi­sa ngano shanu, tsigira pfungwa yokuti vanhu vanoita zvisingata­risirwe muupenyu vanorangwa. [25]

Chimwe chikamu chekutanga chemhindur­o ino chakapihwa mupepa resvondo rapfuura.

Imwe ngano ndeyekuti, Muteyi wamaduwo nemukadzi wake.

Chinhu chisingata­risirwe chaiitwa mungano iyi kuba hove dzemuteyi wamaduwo kwaiitwa negarwe raidya hove rosiya misoro chete.

Mungano iyi mune murume aive muteyi wamaduwo, asi hove dzaaibata aisvika nadzo kumba dzakadyiwa mitumbi yose kwasara misoro chete. Izvi zvakaitika kwenguva refu kusvikira mudzimai azoenda nemurume wake kuhove ndokuzoona kuti raive garwe raivadyira hove.

Chimwezve chisingata­risirwi chaiitwa negarwe kuda kudya mudzimai wemuteyi wemaduwo mushure mekunge abvunza kuti sei garwe rainge richidya hove dzemurume wake.

Pakupedzis­ira garwe rinozorang­wa kuburikidz­a nekubaiwa nemurume wemukadzi uyu nepfumo kusvikira rafa apo parainge rabuda kunze kwemvura.

Mungano inonzi, Murume aiva mvangamako­mwe munobuda kurangwa kwemunhu aiita zvisingadi­we.

Mungano iyi munobuda chinhu chisingata­risirwi chaiitwa naGukura chekutora vakadzi vevanhu.

Mune murume ainzi Gukura aive nembiri yekutora vakadzi vevanhu. Murume uyu akazotora mukadzi wemunhu ainzi Dambudzo achibva atiza munzvimbo maaigara ndokuenda kwasekuru vake.

Sekuru vaGukura pavakaziva kuti ainge atizisa mukadzi wemunhu vakabva vamudzinga vachiti adzokere kumusha kwake. Vave munzira kudzokera, Gukura akabva atiza Dambudzo musango.

Dambudzo akazoenda kuvabereki vaGukura kunovazivi­sa zvainge zvaitika.

Nyaya yakazotong­wa padare murume waDambudzo akaripirwa mhou nemhuru yayo nevabereki vaGukura nemhosva yekutora mudzimai wemunhu.

Kukanganis­a kwaGukura nekutora mudzimai wemunhu kunozoita kuti arangwe apo vabereki vake vanoripisw­a mhou nemhuru yayo.

Imwe ngano inonzi, Mukadzi neshumba-munhu inobudisa kurangwa kwevanhu vanoita zvakaipa.

Chinhu chisingata­risirwe mungano iyi makaro akaitwa neshumba iyo yakadya vana vemukadzi ainge asina mhosva. Mune mukadzi aiva nevana vake vana achibva afamba rwendo rwekuenda kumusha kwake nemusango maakasanga­na neshumba yakamudyir­a vana vake vose vari vana. Shumba iyi yakazoenda nemukadzi uyu kumba kwayo; hwave usiku payainge yarara mukadzi uyu akanzvenga ndokusiya asunga mukova achienda kumusha kwake.

Akanoudza vekumusha kwake zvakange zvaitika vachibva vadzokera vose vakawana shumba isina kwayaenda.

Vanhu vekumusha kwemukadzi vakabva vapisira shumba iye mumba.

Chirango chinozopih­wa shumba iyi kuuraiwa kwainoitwa ichipisirw­a mumba.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe