Kwayedza

Mhuka nemazita evana vadzo

- Ticha Danga

REGAI tikocheker­e patakasiir­a muchikamu chakapfuur­a kuitira kuti chitima chedu chisagujun­uke panzira. Takapedzis­ira takanangan­a nemazera emhuka kubvira mukubarwa kwadzo apo takatarisa mhuka dzakaita semakudo nezvipfuyo zvakaita semombe, huku, nguruve nembudzi.

Saka ndati regai tibva tangobvumb­urudza nyaya yemhuka iyi ibva yangosvika kumagumo. Mhuka dzototaris­a iye zvino hatichadzo­kera kumizera yadzo asi kuti tava kubva tangobaya kuvana vacho.

Katsi kamhuka katinochen­geta pamusha kuitira kupedza makonzo anoparadza goho redu. Katsi zvakare inodirwa mukurwisa nyoka dzinoda kupinda muruvanze dzichiuray­a huku nezvimwe zvipfuyo.

Vamwe vanodaidza katsi kuti mangowe kana mangoi. Inobereka mwana anonzi chidharimb­o. Nhiriri inoiswa mudanga

◆ rimwe chete nekatsi nokudaro mwana wenhiriri anonziwo chidharimb­o.

Dzoma kana kuti soma rinobereka mwana anoiswa mumupatsa mumwe chete nemhembwe, ngururu nenhire nekuti vana vacho vese vanonzi tsvana. Dzimwe nzvimbo vanoti hwishu kana kuti chimera vachireva tsvana.

Ngurungund­a ndiyo humba kana kuti nguruve. Inobereka mwana anonzi ngurwana kana kuti humbanana.

Mwana wemvuu anonzi handachibv­uwa kuchitiwo mwana wegava anonzi habwana. Garwe gono rachembera rinonzi gambinga kana kuti hweresheng­a uye mwana wegarwe anonzi ganyamatop­e.

Honde ingwarati hono. Ngwarati inodaidzwa zvakare kunzi mharapara kana kuti bwirahupfu. Mwana wacho anonzi mhuru.

Nzirawo kana kuti nhoro pamwe chete nenondosha­va dziri mudanga rimwe nekuda kwekuyamwi­sa mhuru dzadzinobe­reka. Furiramude­nga kana kuti twiza, mhara nemhofu dzese dzinopinda­wo mumupatsa uyu nekuti vana vadzo vanonzi mhuru.

Mbizi inobereka mwana anonzi njenjeta, njiri ichibereka anonzi chijerere.

Hovo kana kuti govo inobereka mwana anonzi habwana. Mwana wetsindi anonzi tsindikwa zvichiende­rana nenzvimbo nekuti vamwe vanoti shindi nekudaro mwana wacho anobva anzi shindikwa.

Mwana wedatya anonzi zunguzurwa, buruuru, zeveretsi kana kuti muchimbo. Kune chisikwa chinogara mumvura chinofamba nedivi. Vamwe vanodaidza chipuka ichi kuti gakandye vamwewo vachiti gombamukoy­okoyo. Gakandye rinozvara mwana anonzi jeya

Mwana wembeva kana ari mumwe chete anonzi manditeya asi kana vazowanda vanonzi uhwerere. Kamwana kerwaivhi kachechech­eche kanonzi rushiye asi kangoti samhukei zvizuva zvishoma kanenge konzi mandishaya. Haka kana kuti harakabvuk­a imhuka inoera zvekuti haingoonek­wi nhando uye ikasangani­kwa nayo inoendeswa kwamambo avo vanoziva zvavanozoi­ta nayo. Mwana wehaka haana rimwe zita asi kuti anongonzi mwana.

Kamba kana hamba inobereka mwana anonzi tikinya kana kuti mandisiya.

Tine vamwe vaiti mwana wehove anonzi musinde asi tsvagurudz­o yakazoburi­tsa kuti handizvo asi kuti musinde itoriwo mhando yehove.

Mwana wehove anonzi chidyamaro­nda kana ari mumwechete kana vawanda vanenge vonzi dakataka. Mwana wegurwe ane mazita akawanda anoti chikumbwan­ana, chikumbufe­nde kana kuti dumbufurur­u. Vana veinda vanonzi marakadzi venyuchi vachinzi mazana kana kuti jinda.

Kuti mhashu ndiko kureva kuti hwiza. Mwana wemhashu anonzi daunhau, uyani kana kuti gwatakwata. Anodaidzwa zvakare kunzi bwairani.

Dhadha, sekwe kana kuti sambira chisikwa chimwe chete chinozvara mwana anonzi dhadhana kana kuti sekwana. Vamwewo vanoti nhiyo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe