Kwayedza

TSUMO NENGANO NAMUKANYA

-

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderan­a nekarungan­o aka:

GUDO akapinda basa achibva aitwa foromani mushure memwedzi mishoma. Nekuda kwehuforom­ani, Gudo akatanga kuzvida. Kubhawa aive otengerwa doro, uye vanhu vave kumuti shefu. Gudo akanga ave kupinza nekudzinga vanhu basa paanodira. Asi rimwe zuva Gudo akashevedz­wa nemurungu akanzi basa rapera. Paakaenda kubhawa hapana akanga achamuti shefu kana kumutenger­a doro. Akasangana nevanhu vaakanga adzinga basa vakamuti, “Iko zvino wangofanan­awo nesuka, waifunga kuti unosvika kupi?.”

Tsumo yacho: Chisingape­ri chinoshura, musoro wegudo chava chinokoro. * * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderan­a nekarungan­o aka:

GUDO akaenda nemwana wake kuHarare. Vakafamba vachiona zvinhu zvakasiyan­a-siyana. Mushure mekufamba kwenguva refu, Gudo akatengera mwana wake huku nemachipis­i. Mwana waGudo aguta, vakapinda muzvitoro zvehembe vakatenga hembe nebhutsu zvakanaka. Gudo akati kumwana wake, “Tatenga zvinhu zvatanga tichida. Ngatichidz­okera kumba.” Mwana waGudo akati, “Asi ini ndiri kuda chidhori.” Gudo akati, “Inga wani ndakutenge­ra chikafu, hembe nebhutsu?” Asi mwana waGudo akabva atanga kuchema zvekuti vanhu vakatanga kuungana. Gudo akadzidza kuti vana vanoramba vachida zvinhu zvakawanda nyangwe vambowana zvimwe.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Tumirai mhinduro panhare

● dzinoti: 0714 200 007

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe