Kwayedza

Zvakakosha kushanyira sitendi yeNAC kuZITF

- Tadiwa Nyatanga-Pfupa

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinoshanda zviri pamutemo kuti ringe richishand­a mumabasa akasiyana ekurwisa utachiona hweHIV uye richange richiratid­zira mamwe acho pachirongw­a che59th Edition of the Zimbabwe Internatio­nal Trade Fair chichatirw­a kuBulawayo kubva nomusi wa24-28 Kubvumbi pasi pedingindi­ra rinoti “Mahindasit­iri anoendeka uye anokwikwid­za pamwe chete”.

NAC ichatora mukana uyu kuratidzir­a mabasa ayakaita mukurwisa HIV muma- kore adarika. Mamwe emabasa aya anosangani­sira kurapa, kutsigirwa, kuenzanisw­a kwemikana mumabasa nerutsigir­o rwemari. Vashandi veNAC vachange vachibvisa dzimwe pfungwa dziri muvanhu maringe neHIV.

Vechidiki vane makore anobvira pa10-24 okuberekwa vanotorwa sevanhu vari panyatwa yekutapuri­rwa utachiona hweHIV kana zvichienza­niswa nevechikur­u.

NAC inokoshesa zvizvarwa zvese zvevechidi­ki nokudaro ichange iine mupanda uchange wakamiriri­ra kubatsira vechidiki. Pamupanda uyu, vechidiki vachange vachiwanis­wa mukana wekuvhenek­wa utachiona hweHIV, hurukuro, kutorwa kwemavhidh­iyo nezvimwe zvakawanda kuti vawane ruzivo rwekuenda narwo kumba.

Zvakakosha kuti vechidiki vese vange vachishany­ira sitendi yeNAC kuti vawane mashoko anovabatsi­ra muupenyu hwavo.

Madzimai echidiki nevanasika­na vachawana zvakare mashoko anovabatsi­ra kuti vange vachisimuk­ira muupenyu hwavo kuti varambe nyaya dzekupinda pabonde vasati vayaruka uye kuti vange vachiziva nezvenyaya dzedziviri­ro kubva kuzvirwere zvepabonde.

Kunyangwe vana vachiri mudzidzo yepuraimar­i vanofanira kushanyira masitendi eNAC nekuti ane dzidziso yavo.

Shanyirai sitendi yeNAC muwaniswe rubatsiro rwunotever­a: kuvhenekwa HIV, kupangwa mazano, kuvhenekwa chirwere cherurindi, gomarara, Bp nezvimwe zvakawanda. Tichapa zvakare mashoko maringe nenyaya dzekudya kune utano kuvanhu vanorarama neutachion­a hweHIV, kudzivirir­wa kweutachio­na hweHIV kubva kuvabereki huchienda kumwana nekuwanisw­a kwemishong­a yemaARVs.

Zvirongwa zvekuratid­zira izvi zvakakosha zvikuru kuNAC mukupa mukana wekuti tinge tichikuruk­ura nemakasito­ma edu. Tichange tichiwanik­wa panzvimbo dzese dzinowanik­wa veruzhinji dzakadai sekuAgricu­lturel Show nezvimwe zviitiko. VaRaymond Yekeye vanova Operations Director vanoti sangano ravo richange richiratid­zira nekuti rine chinangwa chekucheng­etedza upenyu.

“Kuhwinwa kwemibairo kuchange kuripo asi chinangwa chedu kuZITF gore rino ndechekuti tiwaniswe mashoko nezvekusha­ndisa senzira yekuderedz­a ndufu dzemadzima­i nevana nekuda kweHIV, rurindi, gomarara nezvimwe zvirwere.

Zimbabwe, sedzimwe nyika, yakapinda muchirongw­a cheFast Track Strategy chine donzvo rekupedza AIDS muna2030. Nokudaro vanhu vese vanokurudz­irwa kushanyira sitendi yeNAC gore rino kuti vawane mashoko matsva maringe neHIV, AIDS nezvimwe zvirwere zvinodyidz­ana neutachion­a uhwu. Tichange tichipa mibairo yakasiyana.

Sitendi yeNAC ichange iri paCIH Pavillion, Inkonkoni Drive neThomas Meikle Boulevard kunhandare yeZITF.

 ??  ?? Mauto eZimbabwe National Army vachiwanis­wa ruzivo pasitendi yeNAC.
Mauto eZimbabwe National Army vachiwanis­wa ruzivo pasitendi yeNAC.
 ??  ?? Sitendi yeNAC iri panzvimbo yeCIH Pavillion, Inkonkoni Drive neThomas Meikle Boulevard kunhandare yeZITF.
Sitendi yeNAC iri panzvimbo yeCIH Pavillion, Inkonkoni Drive neThomas Meikle Boulevard kunhandare yeZITF.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe