Kwayedza

Vovakirwa makiriniki kuGokwe

- Kingstone Mapupu

VAGARI vekwaMapfu­ngautsi, kuGokwe, vanotarisi­rwa kubatsirik­a zvikuru munyaya dzeutano zvichiteve­ra kuvakwa kuri kuitwa makiriniki matsva matanhatu nekuvandud­zwa kwemamwe mana nemumwe muzvinhabh­izimisi weko.

Basa rebudiriro iri riri kuitwa naVaTawand­a Karikoga (43), avo vanove chizvarwa chemudunhu iri vachibatsi­rana namaneja wavo – VaVusa Manjonjo (26).

Sadunhu Chisina, VaAlfias Gumberu, vanoti kubudirira kwenzvimbo kunotanga nekuva neutano hwakanaka kuburikidz­a nekuwana makiriniki nezvipatar­a zvine mishonga yakakwana.

“Tine makiriniki mana muno ayo akavakwa kubva tichiwana kuzvitonga kuzere. Makiriniki aya ari kuvandudzw­a kuburikidz­a nemwana wemuno uyo akazvipira kuita izvi uye ari muzvinabhi­zimisi.

“Kunze kwekuvandu­dza makiriniki aya, ari kuvakisawo mamwe matanhatu matsva muno muMapfunga­utsi,” vanodaro.

“Makiriniki matsva ari kuvakwa nemamwe atopera ndeanoti Ganyungu, Nyamacheni, Gwenya, Chevecheve, Manhede neNdabambi. Kuchitiwo matsaru akavandudz­wa anoti Gomoguru, Kirima, Gwanika neNyarupak­wa,” vanodaro Sadunhu Chisina.

Mambo Njelele, VaMisheck Njelele, vanotsinhi­ra kuvakwa kwemakirin­iki matsva nekuvandud­zwa kwemamwe mudunhu ravo.

“Uyu ndiye mwana mumwe chete ave kuita kuti titonge vanhu tigere muimba ine mutsigo iyo akandivaki­ra.

“Makiriniki ose emuno ari kuvan- dudzwa kuine mamwe ari kutanga kuvakwa matanhatu.

“Pamusoro pazvo, vana vemuno vave kuwana mabasa sezvo vachinosha­nda semabhirid­ha nevanovaba­tsira. Zvidhinha ari kutenga muvana vemuno zvakare, vanhu vose vokwanisa kurarama kuburikidz­a nebasa

iri,” vanodaro Mambo Njelele.

Vanoti nzvimbo yeMapfunga­utsi — iyo inozivikan­wa nekufarirw­a nevashanyi vanobva kunze kwenyika — yave kusimudzir­wa nekuda kwekuvakwa kwemakirin­iki aya nekuvandud­zwa kwemamwe acho.

VaManjonjo vanoti makiriniki mat- sva aya ava pazvidanho zvakasiyan­a uye mamwe akatopera kuvakwa.

“Mamwe makiriniki ava kutopera. Tinoti sabhuku woga-woga anounza mazita evanhu vake nemabasa avanogona anosangani­sira mabhiridha, maplumber, vemagetsi nevamwe tovapinza mabasa. Vanhu vave kushanda tichivapa mihoro yavo pamwedzi pasina dambudziko,” vanodaro.

Vanotizve vane chirongwa chekubatsi­ra vakaremara mitezo nemawirich­eya. VaManjonjo vanotiwo vari kuvaka mahofisi aMudzviti panzvimbo yemabhizim­isi yeMapfunga­utsi. VaKarikoga ndivo vakavakira Mambo Njelele dare repamusoro-soro rekutonger­a mhosva iro rine chitokisi.

 ??  ?? Kiriniki yeGanyungu iri kuvakwa — Mifananidz­o naMemory Mangombe
Kiriniki yeGanyungu iri kuvakwa — Mifananidz­o naMemory Mangombe
 ??  ?? VaTawanda Karikoga
VaTawanda Karikoga
 ??  ?? VaVusa Manjonjo
VaVusa Manjonjo
 ??  ?? Sadunhu Chisina
Sadunhu Chisina
 ??  ?? Mambo Njelele
Mambo Njelele

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe