Kwayedza

Zviwanikwa zveZimbabw­e

-

HAKA (Inkakha/Ground pangolin) MHANDO yehaka inowanikwa muZimbabwe inonzi Ground Pangolin iyo inorema 20 kgs.

Iyi imhuka inoda kugara yoga, haina hushamwari, ichifarira kufamba munguva dzemanheru uye inozivikan­wa nemakwati muviri wayo wose.

Kana yaona zvaisingaf­arire, haka inovhara musoro wayo nemakumbo ekumberi, yomisa makwati ayo kuitira chinoda kuikangani­sa. Kana ikabatwa, haka inourungan­a kuita sechibhora apo inoshandis­a makwati ekumuswe kuvhika muvengi. Haka imhuka inorarama sezvinoita vanhu (mammals), inobara vana vanoyamwa mukaka.

Haka inosevenze­sa nzara dzayo dza-

kasimba kuchera pachuru yozoshandi­sa rurimi kubata muchenje nemasvosve izvo zvainodya. Inodyawo tumwe tupukanana tudiki.

Hazvinyats­ojeka kuti haka inorarama kwenguva yakareba sei iri mudondo, zvisinei nekuti inogona kusvitsa makore 20 kana ichichenge­twa. Mushure memakore maviri, haka inokwanisa kubereka vana – kazhinji kacho inoita mwana mumwe chete. Pakuberekw­a, mwana wehaka anorema chipo che300g. Apa makwati acho anenge asati aomarara izvo zvinozoiti­ka muzuva repiri kubva pakubarwa.

Haka inorera mwana wayo muguru. Haka inorara yakamonere­ra mwana wayo kuitira kumudzivir­ira.

Mwana wehaka anoyamwa kwemwedzi mitatu kana mina, asi mushure memwedzi azvarwa, anenge otodya muchenje nemasvosve. Ipapa mwana anenge opota achibuda muguru naamai pakunovhim­a tupukanana.

Haka imhuka inochenget­edzwa muZimbabwe uye haitenderw­e kubatwa kana kuvhimwa. Asi dambudziko nderekuti mhuka iyi inovhimwa zvisiri pamutemo nevamwe vanofunga kuti makwati ayo anoshanda semushonga.

Zvisinei, makwati ehaka haaite sezvinofun­gwa nevanhu sezvo achigadzir­wa neinonzi “Keratin” – imwe cheteyo neinogadzi­ra nzara nevhudzi remunhu.

Vamwe vanhu muZimbabwe vane pfungwa yekuti vakaona haka, vanofanirw­a kuitora, voenda nayo kwamambo kana kwashe wavo vaine tarisiro yekupihwa mubairo, izvi handizvo. Kuibvisa payange iri kunotoikan­ganisa mararamiro ayo, naizvozvo veruzhinji vanokurudz­irwa kuti vasiye haka iri pavanenge vaiona iri sezvo uri ndiwo musha wayo.

Sezvo haka iri chipuka chinocheng­etedzwa pasi pemutemo, wose anowanikwa ainayo anosungwa, okandwa mujeri.

Kana maona haka, musaibate asi zivisai veParks and Wildlife Management Authority vari pedyo nemi.

 ??  ??
 ??  ?? Juliet Sharon Tom
Juliet Sharon Tom

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe