Kwayedza

Varimi vogadzirir­a kukohwa

- Muchaneta Chimuka

SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union rinoti zvirimwa zvizhinji zvakarimwa muzhizha hazvisati zvasvika panguva yekukohwew­a uye varimi vechibage vanokurudz­irwa kuti vaone kuti chaoma sezvinotar­isirwa vasati vachiendes­a kunotenges­a kumatura makuru enyika eGrain Marketing Board (GMB).

Mashoko aya akataurwa naZFU executive director, VaPaul Zakariya, vachiti zvakakosha kuti varimi vatsvage nzira dzekuomesa chibage chavo vasati vachiendes­a kuGMB.

“Mwaka wekurima gore rino wakanonoka kana tichienzan­isa negore rapera apo varimi vakadyara pakati pemwedzi waZvita naNdira asi zvirimwa zvese zvakaoma nekuda kwezuva izvo zvakaita kuti varimi vazodyara pakati pemwedzi waKukadzi naKurume. Mbesa idzi dzakararam­a zvekuti kwasara masvondo maviri kana matatu kuti varimi vange vachikohwa asi tinoda kuti vatange vaona kuti chibage chavo hachisina mwando wakawandis­a. Kana chikaenda kumatura eGMB chiine mwando unodarika 12,5 percent, chinonoodz­a chimwe chibage kana kukonzera kubvira kwematura nekuda kwekupisa kunobva muhunyoro hwechibage apo chinosanga­na munzvimbo yachinenge chakavhari­rwa,” vanodaro.

VaZakariya vanoti GMB inotambira bedzi chibage chinenge chiine mwando usingadari­ki 12,5 percent.

“Varimi vanogona kukweretes­ana michina yekuomesa chibage (driers) asi izvi zvinoti dhurei saka tinovakuru­dzira kuti vange vachisiya chichioma nezuva. Mumwedzi waChikungu­ru naNyamavhu­vhu, tinotarisi­ra kuti varimi vazhinji vanenge vava kuendesa chibage chavo kuGMB asi tinokurudz­ira kuti vasakurumi­dza kukohwa chisati chapera hunyoro kuti vasazorasi­kirwa negoho,” vanodaro.

Zvakadai, VaZakariya vanokurudz­ira varimi kuti vatange vaita ongororo maringe nezvirimwa zvavanenge vachida kuzorima kuitira kuti vaone kana zvine misika ine mari.

“Kuchirimwa chefodya, basa riri kufamba zvakanaka asi vamwe varimi ndivo vari kukonzeres­a matambudzi­ko apo vanongoere­kana vaenda nefodya yavo kumusika vasina kubhukisa izvo zvinoita kuti vagumisire vava kurara panze. Saka pakadai vanenge vava kunzi vatange vabhuka vogumisira vava kugara kumisika kwenguva ndefu. Nekune rumwe rutivi, tinokurudz­ira vemabhengi anenge achipa varimi mari kumisika uye bhengi guru reReserve Bank of Zimbabwe kuti vazadzikis­e zvavanenge vavimbisa kuvarimi nekuti varimi vakaudzwa kuti vachapihwa $300 iri musvo saka ndizvo zvimwe zviri kuita kuti varambe vachirarir­a kumisika,” vanodaro.

VaZakariya vanoti zvakakosha kuti misika yefodya inge ichiendesw­a kuvarimi kuitira kuti vasadhurir­we nezvifambi­so pamwe nekusangan­a nemamwe matambudzi­ko akasiyana.

Panyaya yezvipfuyo, VaZakariya vanoti mafuro nemvura yekunwa zviriko zvakakwana.

“Zvipfuyo zvese kubvira pamombe, hwai, mbudzi, nguruve nezvimwe zviri kuyevedza zvikuru nekuti zviri kuwana mafuro akakwana nekuda kwemvura yakanaya nokudaro mitengo yezvipfuyo yakakwiraw­o. Dambudziko riripo bedzi ndere kumisika uko varimi vanosungir­wa kuti vange vachibvisa mitero yepamusoro kumakanzur­u apo vanenge vava kuda kuzvitenge­sa. Vanosungir­wa zvakare kunotora mapurisa uye veDepartme­nt of Veterinary Services zvinova zvinodhura nekuti zvese izvi zvinoda mari.

“Pamusoro pazvo, tiri kunzwa kuti veAgricult­ural Marketing Authority (AMA) vane imwe mhando yemutero yavanoda kuti varimi ava vange vachibvisa pakutenges­a kwavanoita zvipfuyo zvavo zvinova zvinopa mutoro mukuru kumurimi,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? VaPaul Zakariya
VaPaul Zakariya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe