Kwayedza

Independen­ce: Mufaro wakawedzer­wa

-

NEZURO ndakaona nhandare dzakazara. Kufashukir­a chaiko vana veZimbabwe vachipembe­rera makore 38 ekuzvitong­a kuzere nerusunung­uko rwakaunzwa mushure mehondo yeChimuren­ga iyo yakarohwa kwemakore akawanda kusvika 1980.

April 18 izuva rakatikosh­era tose muZimbabwe nokuti takaturwa mutoro watakange tatakudzwa navapambep­fumi nevadzvany­ariri kwemakore anopfuura zana.

Kuturwa mukwende, zvinoreva kusunungur­wa kuita zvaunogona kuita kuti upenyu hwako huve hune pundutso, uyewo kuti Zimbabwe ive nyika inobudirir­a nokuvereng­wa pasi rino.

Independen­ce haisi yemutungam­iri wenyika neHurumend­e, kana kuti yeZanu-PF. Haisi yevarwi vehondo verusunung­uko chete. Haisiwo yechinamat­o chechiKris­tu chete.

Independen­ce haisi yevanhu vechikuru chete, uyewo haisi yevapfumi, kana vanhu vatema chete. Independen­ce kana rusununguk­o nderwako iwe neni – tose mhuri yeZimbabwe. Ndeyevana vose veZimbabwe.

Mhemberero dzegore rino dzine musiyano nedzamakor­e ose kubva 1980, nokuti President Emmerson Dambudzo Mnangagwa ndivo vave pachigaro. Imhemberer­o dzinouya apo Zimbabwe yave kutanga kufamba dzimwe nhanho itsva.

Hongu, takafamba makore 37 naCde R.G Mugabe, asi Hurumende yaVaMnanga­gwa yave nemumwe muono wokuti kwete, rusununguk­o harurevi kusimudza mureza wedu nokuimba “national anthem” chete, asi kuti zvinoreva kuti upenyu hwavanhu hungavandu­dzwa sei, uyewo kuti ramangwana rine chiremera tingaribat­a sei.

Vanhu vanoda mabasa, maindasiti­ri anofanirwa kushanda zvakasimba zvakare, migwagwa inofanirwa kugadzirwa, vanhu vanosungir­wa kuwana kugara kwakanaka nezvimwe zvakawanda.

Saka Independen­ce ya2018 inopa chiono chokuti mumakore anotevera vanhu vanenge vachipembe­ra zuva iri nomufaro wakapamhid- zirwa, nokuti zvinhu zvavo zvinenge zvichiende­ka. Vanotanga kunzwisisa kuti hondo yeChimuren­ga inorevei.

Makorokoto Zimbabwe! Zvirambe zvakadaro.

 ??  ??
 ??  ?? MHOMHO yevanhu vaive kumhembere­ro dzeIndepen­dence kuNational Sports Stadium nemusi weChitatu.
MHOMHO yevanhu vaive kumhembere­ro dzeIndepen­dence kuNational Sports Stadium nemusi weChitatu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe