Kwayedza

Chitungwiz­a yogadziris­a zvinonetsa

- Muchaneta Chimuka

KANZURU yeChitungw­iza inoti yakazvirum­ura kubva mune zvimwe zvirongwa izvo yaisiwanis­wa nekanzuru yeHarare zvaita kuti inge ichishanda yakasunung­uka uye pasina kushandisa mari zhinji.

Mashoko aya akataurwa nemukushi wemashoko kukanzuru iyi, VaLovemore Meya, muhurukuro yavakaita neKwayedza pamusoro pebudiriro iri kuitwa nekanzuru yavo kubva pakawana nyika ino kuzvitonga kuzere mugore ra1980.

“Tine shungu dzekuti dhorobha redu ringe richisimuk­ira asi dambudziko nderekuti vamwe vagari vemuno vane zvikwereti zvemitero zvinodarik­a $6 miriyoni. Saka takatumira makambani anoronda zvikwereti (debt collectors) kuti vatevere mari idzi nekuti ndidzo dziri kudzorera budiriro kumashure.

“Asi kune vachiri kugara munzvimbo dzisati dzasevhisw­a (dzisina migwagwa nezvimwe zvinodiwa) tinoti nyorai matsamba tione kuti mungabhadh­ara mitero yakamira sei, uye zvichiende­rana nezvinhu zvamuri kuwaniswa nekanzuru pari zvino,” vanodaro.

VaMeya vanoti kuburikidz­a nechirongw­a ichi, vanhu vakawanda vave kuenda kumahofisi avo vachinoron­ga nzira dzekubhadh­ara nadzo mari dzemitero izvo zvavanoti zvichaona zvimwe zvirongwa sekugadzir­wa kwepombi dzesuweji, pombi dzemvura, migwagwa nekutakurw­a kwemarara zvichifamb­ira mberi zvakanaka.

“Pakutanga dhorobha reChitungw­iza raiwaniswa zvinhu zvakawanda kubva kukanzuru yeHarare asi iko zvino tave kushanda takazvimir­irira. Taimbova neSquatter Camp yainzi Chirambahu­yo asi takaiparad­za tikapa masitendi kuti vanhu vagare zvakanaka. Kuva kanzuru yakazvimir­irira tinoona iri shanduko huru inoratidza kuti nyika yeZimbabwe yakawana kuzvitonga kuzere nekuti pakuvamba takanga takamira seSt Mary’s Town Board,” vanodaro VaMeya.

Vanoendere­ra mberi vachiti Chitungwiz­a ine zvose zvinodiwa nevanhu sedzidzo, zvipatara uye mvura yakachena.

“Tine zvipatara zvikuru zvinosanga­nisira Chitungwiz­a Central Hospital, Citi-Med Private Hospital nemamwe ma24 Hour Hopitals uye makiriniki ekanzuru seSeke North, Seke South, Zengeza neSt Mary’s Poly-Clinic kureva kuti vanhu vanokwanis­a kurapwa pane ipi zvayo nguva nemitengo inowiriran­a navo,” vanodaro VaMeya.

Vanoti nyika isati yawana kuzvitonga kuzere, mumakanzur­u mazhinji maive nevashandi vechichena asi nhasi uno mave nevatema. “Takawanisw­a rubatsiro rwemari nesangano rinonzi Zim Fund kuti tigadziris­e nyaya dzekuwanis­a mvura kuvanhu uye pombi dzesuweji pasi pechirongw­a chePhase 1-2. Saka kutaura kudai vashandi vedu vari mushishi kubvisa mapombi ekare ayo aora vachiisa matsva. Tiri kubvisa zvakare mamita emvura tichiisa matsva (Static Water Metres). Izvi zvinotibat­sira kuti tizive huwandu hwemvura inoshandis­wa paimba nemba,” vanodaro.

Votaura nezvedhamu reMuda Dam iro rinogarota­urwa nezvaro nekanzuru yavo kuti richaita kuti dhorobha reChitungw­iza rirege kupona nemvura yeHarare, VaMeya vanoti dambudziko rekushaya rutsigirwo rwemari ndiro guru.

Zvichakada­i, kuchine dzimwe nzvimbo dzakagaris­wa vanhu nekazuru yeChitungw­iza dzisati dzava nemigwagwa, pombi dzesuweji, dzemvura uye munzvimbo idzi marara haasi kutakurwa izvo zviri kuisa utano hwevanhu panjodzi.

VaMeya vanoti kanzuru yavo iri kuedza nepose painokwani­sa kuti inge ichigadzir­isa matambudzi­ko akasiyana ayo akatarisan­a nevagari vekuChitun­gwiza.

 ??  ?? VaLovemore Meya
VaLovemore Meya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe