Kwayedza

Mushaunong­otsva,vanhuvachi­rohwa

- Kingstone Mapupu

DAMBUDZIKO remoto uri kungobatir­a woga uchipisa dzimba nemidziyo uye vanhu vachitemwa nematombo avasingaon­e anoapotser­a iro rakatarisa­na neimwe mhuri yekwaMukan­ganwi, kuBikita mudunhu reMasvingo, rinonzi riri kuenderera mberi.

Mhuri yaVaSimon Makuwe Marume – avo vakashaika mugore ra2010 ndokusiya mudzimai nevana vachigara mubhuku raMakuwe – yashaya zano nekuda kwemanenji aya.

Kana vatori venhau veKwayedza masvondo adarika vakashanyi­ra mhuri iyi vakazvione­ra pamhuno sefodya apo vakapotser­wa nematombo “aingonaya” mumhepo, imwe yedzimba dzepo ndokuzobat­ira moto.

Misha iri kutsva nemoto uri kungotanga woga inosangani­sira waMbuya Easther Shava Makuwe Marume (67) vanove amai vemhuri iyi neyevana vavo vanoti Oliver Makuwe (42), Kudakwashe Makuwe (59), Simbarashe Makuwe (44) naLast Makuwe (32).

Kubva pakavamba moto uyu, zvinonzi dzimba dzatsva dzinodarik­a gumi uye midziyo ichiparadz­wa.

Vamwe vakakuvadz­wa mukutemwa nematombo ari kubva mumhepo vanosangan­isira Mbuya Makuwe, Beauty Mawire (48), Last Makuwe naSekai Makuwe (35).

Last anoti kubva pavashanyi­rwa neKwayedza mazuva adarika, moto uyu wakambomir­a zvishoma, uchibva wazotangaz­ve kupisa dzimba nemidziyo.

“Moto uyu wakambomir­a kwesvondo chete, izvozvi watangisa nhasi Chitatu (svondo rapera) rungwanang­wana apo dhoo remukati memba yaamai rangotanga kubvira mumba musina vanhu. Tazosvika tichiona rapera kutsva,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Hatisisina pekutangir­a, takatiza pamusha tave kugara mumamana nekuda kwemashura ari kuitika aya. Tave kutokumbir­a kwamudzvit­i kuti vatinzwisi­sewo nekuti magwaro ose ekufambisa neekuzvarw­a hapasisina, tangova vanhu.

“Chikafu chaicho hatina, hembe tasara nedziri pamiviri uye kudya tave kutopona nekupihwa nevamwe.”

Sabhuku wemusha uyu, VaFannuel Makuwe (64), vanoti vaneta nekufambir­a nyaya iyi kumaporofi­ta nekun’anga.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanogona kuvaridzir­a nhare dzinoti 0776 419 710, 0773 928 500 kana 0773 540 387.

 ??  ?? Imba ichibvira mushure mekubatira yoga
Imba ichibvira mushure mekubatira yoga
 ??  ?? Mbuya Easther Makuwe
Mbuya Easther Makuwe
 ??  ?? Last Makuwe
Last Makuwe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe