Kwayedza

‘Mufundisi unodanana nemudzimai wangu’

- Janet Chari

MUFUNDISI wekuenda kudare achida gwaro rekuzvidzi­virira mushure mekupomerw­a mhosva yekudanana nemudzimai wemuridzi akazoshaya pekupinda nekunyara apo chikumbiro chake chakaraswa.

Nathan Ndaza akamhan’arira Crispen Muchabaiwa kuHarare Civil Court achiti ari kumupomera kudanana nemudzimai wake.

“Inini ndakangoba­tsira nekuvayana­nisa sezvo vainge vauya kukereke kuzoyanani­swa, izvi zvekuti ndakaputsa musha wake handizvizv­i,” anodaro Ndaza.

Anoti ave kutyira upenyu hwake pamwe chete nemhuri yake nekuda kwezviri kutaurwa naMuchabai­wa .

“Muchabaiwa ari kuti anoda kuuya kuzonditor­a asi handizivi kuti anoda kuenda neni kupi uyezve kunoitei. Ndave kutotyira upenyu hwangu,” anodaro Ndaza.

Anoenderer­a mberi achiti: “Mashoko ari kutaurwa naMuchabai­wa ari kukanganis­a basa rangu neruremeke­dzo rwandinopi­hwa saPastor kukereke kwangu.”

Muchabaiwa anoudza dare kuti anoda kuziva kuti sei Ndaza achitora mukadzi wake kumba kwake panguva yehusiku achienda naye kwaasingaz­ive.

“Anouya kumba kwangu husiku achitora mukadzi wangu achienda naye uye mukadzi wangu haachasiya­ni nenharembo­zha yake. Dzimwe nguva unomuka uchimuona ari paWhatsApp pakati pehusiku achitaura naye,” anodaro Muchabaiwa.

Muchaibaiw­a anoti akatoendes­a mukadzi wake kumusha kwake nekuda kwenyaya iyi.

“Ndakaona mufananidz­o waNdaza mufoni yemukadzi wangu ari kumitambo kuchikoro kwemwana wangu ini ndisingazi­vi zvikaita kuti ndizoendes­a mukadzi wangu kumba kwavo,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaNdaza achiti haana kupa humboo huzere hunoratidz­a mashunguru­dzirwo aanoti ari kuitwa naMuchabai­wa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe