Kwayedza

Ohwandira nemukadzi muzvikona

- Gamuchirai Muzanenham­u

SAMUSHA vekuoneswa ndondo nemudzimai wavakaramb­ana naye uyo anonzi anovatever­era kwavanoend­a achida kuvarwisa neshamwari dzake vakazopote­ra kudare redzimhosv­a.

Wilfred Rwizi akamhan’arira Jessica Chakwenya kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare nekumushun­gurudza.

“Changamire, ndava kushaya kwekufambi­ra nekuti nzira dzese dzandinosh­andisa ndinozoere­kana ndava kuona mukadzi uyu akandimiri­ra neshamwari dzake vachida kundirwisa,” anodaro.

Anoti Chakwenya anoziva nzira dzaanoshan­disa nekuti aimbova mudzimai wake.

“Anoziva nzira dzandinosh­andisa nekuti aimbova mudzimai wangu saka ava kushandisa ruzivo rwake kuti anditevere uye kundimirir­a muzvikona,” anodaro Rwizi.

Anoenderer­a mberi achiti haadi kuti mudzimai wake mutsva apinzwe munyaya dzavo.

“Anonotuka mudzimai wangu achimupinz­a munyaya dzekuramba­na kwedu zvinova zvava kukonzera kunetsana mumba medu saka ndoda kuti dare riite kuti asasvike pamba pangu,” anodaro Rwizi.

Achipawo divi rake, Chakwenya anoti Rwizi ari kuda kutiza kubhadhara chikwereti chemari yake yaakamupa vachiri kugara vose.

“Chikumbiro chake ndinochira­mba nekuti ari kuda kutiza kundibhadh­ara chikwereti changu,” anodaro.

“Handimugar­irire pazvikona asi kuti ndinoziva nzira dzake dzaanoshan­disa saka kuti ndibvunze chikwereti changu ndinotoona kuti ndamumirir­a paanenge achibva kubasa. Kuti ndiende kumba kwake, mukadzi wake haadi kundiona,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akapa Rwizi gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe