Kwayedza

Roja roda kurova muridzi wemba

- Malven Mugadzikwa

MUKADZI wemuHarare ari kudemba kutora kwaakaita roja kuti rigare pamba pake sezvo achiti rava kugara richivimbi­sa kumurova uye rinomutuki­rira pamusoro pekusabhad­hara mari yerendi.

Loreen Munaki akaendesa Tanaka Mutava kudare reHarare Civil Court achikumbir­a kuti abviswe pamba pake.

“Ndauya kuno kudare nechikumbi­ro chekuti murume uyu abve pamba pangu nekuti haasi kuda kubhadhara rendi. Akatanga kugara pamba pangu munaMbudzi gore rapera, akangobhad­hara rendi kwemwedzi miviri chete. Kubva ipapo haana kuzobhadha­ra futi kusvika nanhasi,” anodaro Munaki.

Munaki anoenderer­a mberi achiti, “Nyaya yava kunyanya kundinetsa ndeyekuti kumba kwangu ndava kutya kuenda nekuti ari kundivimbi­sa kurwisana neni kana kundirova kana ndikaramba ndichimuti abve pamba pangu zvisinei nekuti haasi kubhadhara.

“Chinondirw­adza ndechekuti ndiye akauya kuzotsvaga imba ndikawirir­ana naye kuti anobhadhar­a $25 pamwedzi zvisinei nekuti hatina kunyoreran­a pasi. Mari iyoyo haasi kubhadhara.”

Mutava anopikisan­a nemashoko aya achiti akaita zvekutsvag­wa naMunaki uye achazobva pamba apa kana ava nemari yekuenda kunogara kumwe.

“Handisirin­i ndakauya pamba pemumhan’ari ndichitsva­ga imba asi kuti ndiye akanditsva­ga. Uyu muzukuru wangu akanditsva­ga akati sekuru huyai mugare pamba pangu muchipaona kuitira kuti maroja aripo akabva panosara paine munhu wekuziva.

“Mukugarisa­na naye, pakazoita kusawirira­na nenyaya yekusapind­a kwemari yangu kubhengi uye kunonoka kuwana mari. Ndipo paakanditi ibva ndikati handibvi kunze kwekuti kana ndawana mari yekuti ndikwanise kunogara kumwe ndichizvib­hadharira. Zvekuti ndiri kumuvimbis­a zvibhakera manyepo ekufadza dare asi tinombopop­otedzana,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaMunaki ndokuti anofanira kuenda kudare rinoona nezvekubvi­sa vanhu vanenge vachirambi­ra padzimba dzisiri dzavo nerinotong­a nyaya dzekudzora zvikwereti.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe