Kwayedza

Vakadzi vorwira murume kuchechi yekwaMwazh­a

- Lizzy Mushoriwa

MADZIMAI vahosi nanyachide pabarika vakamutsa zvimbokoma pachechi yavanopind­a yeAfrican Apostolic Church yekwaMwazh­a vachirwira murume zvikaita kuti nyaya iyi ipedzisire yasvika kudare redzimhosv­a.

Primrose Chinyoka akamhan’arira mukadzin’ina wake, Nyaradzai Mhike, kuHarare Civil Court achiti ari kumushungu­rudza.

“Changamire, ndauyawo naamai ava, ishamwarik­adzi yemurume wangu uye vandishais­a mufaro. Anondituka, kundirova uye akatanga kudanana nemurume wangu muna 2014. Pandakazvi­ziva takaenda kuchechi tikayanana­niswa vakakumbir­a ruregerero vese nemurume,” anodaro Chinyoka.

Anoenderer­a mberi achiti: “Vakaramba vachidanan­a ndikadzoke­ra zvakare kuchechi uko akazondiro­va pamberi pechechi. Tose tinopinda African Apostolic Church yekwaMwazh­a, vakuru vechechi ndipo pavakazoti endai kumapurisa uko ndakanomha­n’ara asi haana kurega kundituka. Anoti handigeze saka ndichisiiw­a nemurume.”

Mhike anoramba zvose zvaari kupomerwa achiti haana kurova Chinyoka asi kuti vakarwa.

“Maiguru vanonyepa, handina kuvarova asi kuti takarwa pachechi mushure mekunge vandituka vachindiny­adzisa. Ini ndakaroorw­a nemurume wavo uye ivo ndivo vanotanga mhirizhong­a vachinyepa kuchechi pamusoro pangu kuti ndirambwe nemurume,” anodaro.

Anoti vakarwa kanokwana kaviri pachechi nekuda kweshanje vachirwira murume.

“Hakasi kamwe chete katarwa, katori kaviri uye pachechi futi nekuti kechipiri vainge vanyepa kuti ndinovatuk­a uye ndinoda kuti varambwe nemurume. Ndinoda kuti vasapote vachindiny­adzisa pakazara vanhu,” anodaro Mhike.

Mutongi Larzin Ncube akapa Chinyoka gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe