Kwayedza

MUKADZI ORAMBIRWA KUNAKA

- Kingstone Mapupu

MURUME wekwaChire­ya, kuGokwe, akashamisa ruzhinji rwaive mudare ramambo weko apo akati ava kuramba mudzimai wake nechikonze­ro chekuti akanyanya kunaka pachiso.

Murume uyu anoti runako rwemudzima­i wake rwamushais­a rugare sezvo achimutyir­a kuti anogona kupfimbwa nevamwe varume.

Arnold Masuka (40) akaenda kudare raMambo Chireya, VaHenry Chidzivo (53), achitsutsu­mwa pamusoro pemanakiro emudzimai wake, Hilda Mleya (30).

Munyori mukuru mudare raMambo Chireya, VaChenjera­i Chireya (40), vanoti nyaya yakadai ndeye kutanga kupinda mudare ravo.

Masuka anonzi akatanga kukwidza nyaya yake kudare iri achiti anoda kuramba mudzimai wake nechikonze­ro chekukuti akanakisa kudarika mamwe madzimai aanoziva.

“Paakamhan’ara nyaya yake, takambofun­ga kuti anorasika pfungwa, kuti chokwadi nemadiro atinoita isu varume madzimai nevasikana vakanaka, mumwe oti anoda kurambira mudzimai wake kunaka? Takamubvun­zisisa ndokuona kuti aiva ‘serious’ kuti haachada mukadzi wake nekuti akanakisa pachiso izvo anoti zvamuisa panyatwa huru yekukandwa shoko rerudo nevamwe varume,” vanodaro VaChenjera­i Chireya.

Vanoti mushure mekugara nemurume uyu pasi kwenguva refu, vakazokwan­isa kutambira mari yake yekumhan’ara mhosva yake, ndokumupa zuva rekudzoka kudare apo vakanyora samanisi kumudzimai wacho vachimuziv­isa kuti aidiwa kudare.

“Takatambur­a kuti tiwane mashoko ekunyora pasamanisi ratakatumi­ra kumudzimai uyu nekuti mhosva yacho taiishaya. Takazongon­yora pasamanisi iri kuti, ‘Hilda Mleya unodiwa kudare raMambo Chireya nekuda kwemhosva yauri kupomerwa nemurume wako, Arnold Masuka, yekuti wakanyanya kunakisa pachiso kudarika mamwe madzimai. Murume wako haana kugadzikan­a nekusunung­uka kuti arambe achigara newe semudzimai wake . . . Saka unokumbirw­a kuzodavira mhosva iyi,” vanodaro VaChenjera­i Chireya.

Vanoti pazuva rakange ratarwa nedare, Masuka akasvika padare nemudzimai wake uye nyaya yavo ndiyo yakatanga kutongwa ikashamisa vanhu vaivepo.

“Murume uyu achitura nyaya yake kudare, anoti mukadzi wake akanaka zvekuti iye oga akangomuta­risa, anotovhund­uka kuti hakuna here vamwe varume vanomuda nerunako rwake. Anotizve mukadzi uyu anonyanya kunyemwere­ra kana vachifamba vose izvo zvinoita kuti acheukwe nevarume vavanosang­ana navo.

“Anoti runako rwekukadzi wake rwava kutomutadz­isa kana kumusiya oga pamusha iye achienda kubasa. Akataura mudare kuti aona zviri nani kuti varambane zvavo pane kuramba achigara mujeri nekuda kwemanakir­o akadai,” vanodaro VaChenjera­i Chireya.

Mambo Chireya vanoti vakabvunza murume uyu kuti ashinga here kurambira mudzimai waane vana naye nechikonze­ro chekuti akanyanya kunaka, iye ndokuti ndizvo zvaaitoona zvakanaka pane kuti agare hana yake ichingorov­a.

“Anoti iye kana varume vachidhuma­na kana kumira vachimuyev­a apo vanenge vari vose, ko chii chinoitika kana iye murume asipo? Anoti zviri pachena kuti mudzimai wake anochiviwa nevamwe varume, akati haazoziva kuti mukadzi uyu anokwanisa kuramba varume ava here kana kuti kwete,” vanodaro mambo.

Mudzimai waMasuka anonzi akanzi audze dare nenyaya yekuti ava kurambirwa kunaka.

Mleya anonzi akati, “Hamheno kuti zvakamboit­ika kupi zviri kutaurwa nemurume wangu zvekuti ava kundiramba nekuda kwekuti ndakanakis­a. Kana paine imwe mhosva ngaabude pachena pane kundirambi­ra kuti ndakanaka. “Zvino kana kunaka kuchirambi­rwa vanhu, ndinofunga ndini wekutanga ndarambirw­a runako munyika muno kana pasi rose.”

Mukadzi uyu anonzi anoti vanga vagere zvakanaka nemurume wake.

Masuka anonzi akabvunzwa­wo nedare iri kuti pane zvikomba here zvaakambow­ana zviine mudzimai wake, akati hapana.

Mambo Chireya vanoti sezvo matare avo asingabvum­idzwe kurambanis­a vanhu, vakazokuru­dzira vaviri ava kuti vanoyanani­swa kumba uye vagare semurume nemudzimai.

Izvi zvinonzi zvakarambw­a naMasuka achiti muchato wavo wainge wapera musi watongwa nyaya iyi.

Mambo Chireya vanoti vakazovati vaendese nyaya yavo kumatare anoona nezvekuram­baniswa kwevanhu, izvo zvakarambw­a nemurume uyu zvakare.

Hama dzaMleya naMasuka dzinonzi vakabva padare iri vachitadza kunzwisisa kuti ichokwadi here kuti murume uyu anorambira mudzimai wake kunaka pachiso.

Zvakadai, Mambo Chireya vobvunzwa nevatori venhau nekuda kwemaonero avo parunako rwemudzima­i uyu, vanotsinhi­ra kuti inyenyedzi chaiyo pachiso.

“Iwe Mapupu, mukadzi iyeye akanaka haikona zvekutamba. Aiti akanyemwer­era kudai, varume dare rose vaifizuka. Chimukadzi ichocho chitsvuku, chipfupi chine ma’dimple’ mumatama.

“Handigone kunyatsots­anangura kunaka kwake asi muno anogona kudarika vakadzi vose vandakambo­ona. Dai waivapo iwe, zvaitokuba­tawo zvemanakir­o aamai ava,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti mudzimai uyu akatobva padare pavo ave kuenda nevabereki vake kumusha kwavo.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMasuka pamwe chete naMleya. Asi imwe nyanzvi yezvechiva­nhu, Mbuya Marita Ried vekuChitun­gwiza, vanoti kunaka kwemukadzi uyu hakusi kwega asi kuti zvine mashavi mukati.

“Njuzu dzinoda kushandisa vakadzi vakanaka zvikuru, zvichireva kuti mukadzi uyu anoshandis­wa nenjuzu. Murume uyu kuzoramba mudzimai uyu haisi mhosva yake, aitogarwaw­o nenjuzu dzichimuti ‘siya munhu wedu’ kana kumusvibis­a mwoyo,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naMbuya Callister Magorimbo vekuDzivar­esekwa Extension, muHarare, vachiti: “Mweya yenjuzu inoda vakadzi vakanaka zvikuru saka inyaya iri pachena kuti mudzimai uyu anosvikirw­a nemudzimu wenjuzu uyo wakafusa murume wake. Mweya uyu ndiwo wakapinda kumurume kuti asiyane nemudzimai wake.”

Vanoti vabereki vaMasuka nevaMleya vanofanirw­a kuisa misoro pamwe chete vogadziris­a chivanhu chiri kunetsa pakati pevaviri ava. Onai Peji 18

 ??  ?? Mbuya Marita Ried
Mbuya Marita Ried
 ??  ?? Mambo Chireya
Mambo Chireya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe