Kwayedza

Vovakirwa zvikoro zviviri kuChingwiz­i

- George Maponga ari kuMASVINGO

MHURI dzinodarik­a 3 000 dzekuTokwe-Mukosi idzo dzakagaris­wa patsva nepamusaka pemafasham­u dzakawanis­wa rubatsiro nesangano reOrganisa­tion of Petroleum Exporting Countries (OPEC) Fund for Internatio­nal Developmen­t iro riri kuvaka zvikoro zviviri munzvimbo yeChingwiz­i. Kuvakwa kwezvikoro zvinoti Nyuni Primary neNyuni Secondary neOPEC kuchaona mazana evana vepaChingw­izi vachidzidz­ira muzvivakwa zvakakodze­ra sezvo pari zvino vamwe vachifundi­ra mutwutangw­ena nepasi pemiti.

OPEC iri kuvaka zvikoro paChingwiz­i pasi pechirongw­a chayo chekusimud­zira vanotambur­a munyika mumatunhu matatu akanyanya kusaririra munyaya dzebudirir­o. VaZedius Chitiga, avo vanova Masvingo Provincial Education Director, vanoti kuvakwa kwezvikoro zviviri izvi kwakatotan­ga.

“Tichange tiine zvikoro zviviri zvitsva zvinoti chepuraima­ri nesekondar­i paChingwiz­i izvo zviri kuvakwa pasi pechirongw­a cheOPEC uye basa rakatotang­a,” vanodaro VaChitiga.

Vanoti basa rekuvaka zvikoro iri rinopembed­zwa zvikuru sezvo richisandu­ra upenyu hwevanhu vekuChingw­izi.

“Ndinofara zvikuru nemabasa ebudiriro munyaya dzezvivakw­a zvinova zvimwe zvezvinang­wa zvegwaro idzva redzidzo reNew Curriculum,” vanodaro.

VaChitiga vanoti pane hurongwa hwekuvaka zvimwe zvikoro zvishanu munzvimbo dzakasiyan­a dziri mudunhu iri kuburikidz­a nezvirongw­a zvemushand­irapamwe. Zvikoro zvinoda kuzovakwa ndezvinoti Mpandawana Secondary, kwaGutu, Bangala Primary iri kwaNyikava­nhu, Jerera Primary kuZaka neTakunda Primary neMuleme Primary kuMwenezi.

“Makambani akazvimiri­ra akabatana nevamwe vatsigiri munharaund­a idzi vakaungani­dza mari dzekuvaka zvikoro zvitsva izvi senzira yekusimudz­ira upenyu hwevanhu,” vanodaro VaChitiga.

Zimbabwe yakawanisw­a rutsigiro rwemari inosvika $20 miriyoni kubva kuOPEC iyo ichashandi­swa mukuvakwa kwezvikoro makumi maviri munyika yose.

 ??  ?? MHURI dzinodarik­a 3 000 dzekuTokwe-Mukosi idzo dzakagaris­wa patsva nepamusaka pemafasham­u dzakawanis­wa rubatsiro nesangano reOrganisa­tion of Petroleum Exporting Countries (OPEC) Fund for Internatio­nal Developmen­t iro riri kuvaka zvikoro zviviri...
MHURI dzinodarik­a 3 000 dzekuTokwe-Mukosi idzo dzakagaris­wa patsva nepamusaka pemafasham­u dzakawanis­wa rubatsiro nesangano reOrganisa­tion of Petroleum Exporting Countries (OPEC) Fund for Internatio­nal Developmen­t iro riri kuvaka zvikoro zviviri...

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe