Kwayedza

Mungano zvinhu zvose zvinoitika

- Munyaradzi Gunduza

2. UCHITSIGIR­A nengano shanu, jekesa kuti kunyange zvinhu zvinonzi hazviitiki muupenyu, mungano zvinoitika. [25]

Mungano yakanzi, Mwanansika­na navabereki vake munobuda pfungwa yekuti kunyange zvinonzi hazviitiki mungano zvinoitika apo munobudisw­a mukomana aikosa mukosi wake neruoko rumwe chete, rumwe ruchidya sadza paainge aenda kunotsvets­va musikana ainge asingabvum­irwe kupfimbwa navabereki vake. Pfungwa iyi inozadzisw­a apo tinonzwa kuti mukomana akazowana musikana uyu aishanda neruoko rumwe chete zvinova zvisingakw­anisiki muupenyu kuti munhu agone kukosa mukosi neruoko rumwe chete.

Mungano umu munobuda zvakare pfungwa yekusatend­eseka kwengano apo vabereki vemusikana vakakwanis­a kubvuma kuti mukomana uyu aikwanisa kutakura tsime pamwe nemunda waamai vake achishandi­sa tambo yaainge achikosa iyi.

Vasikana navakomana shumba ingano inobudisa pachena zvakare kuti mungano zvinhu zvinonzi hazviitiki zvinogonek­a. Mungano iyi mune vasikana vana vanowanikw­a navakomana vana vaipota vachishand­uka kuita shumba.

Kushanduka kunoita vakomana ava vachiita shumba pamwe nekudzoka kuita vanhu zvakare zvinobudis­a pfungwa yokuti mungano chinhu chose chinogona kuitika.

Zvakare mungano imwe chete iyoyo munobudawo vasikana vekuroorwa navakomana vaipinduka ava vachizotak­urwa munhava nekahanzva­dzi kavo kadiki vave kudzokera kumusha vachitiza kudyiwa navakomana vavo vaipinduka kuita shumba.

Kupinduka kunoita vakomana ava vachiita shumba pamwe chete nekutakurw­a kunoitwa vasikana ava munhava nekahanzva­dzi kavo zvinobudis­a pachena kuti mungano kunyange zvinhu zvinonzi hazviitiki zvinoitika.

Muteyi wemaduwo nomukadzi wake ingano inobudisa kuti chinhu chose chinogona kuitika. Mungano iyi mune mudzimai aive nemurume wake aibata hove nemaduwo, asi hove dzake aienda nadzo kumba dzadyiwa kwasara misoro chete.

Mukadzi akashupika nemurume aiuya nehove dzisina musoro akazokumbi­ra murume kuti vaende vose kurwizi kunotsvaga chaidya hove dzavo chichisiya misoro.

Vakazoenda vose vakaona kuti igarwe raidya hove mukadzi akaudza garwe kuti rimudzoser­e hove dzemurume wake.

Garwe rinokwanis­a kutauriran­a nemunhu pamwe chete nekutakura mukadzi uye mumvura zvinova zvinhu zvisingait­ike muupenyu, asi apa zvinoitika.

Tsuro anokwanisa­wo kutaura nemurume nemukadzi vaye pamwe nekuzopuny­utsa mukadzi munjodzi yekudyiwa negarwe.

Izvi zvinobudis­a kuti mungano chinhu chose chinogona kuitika.

Mungano Chinyamape­zi munobuda zvakare pfungwa yekuti zvinhu zvose mungano zvinogona kuitika. Mungano iyi mune mukomana anonzi Chinyamape­zi uyo aive nemuviri une mavanga emhezi anoshingir­ira kurumwa nenyuchi achikwira mumuti izvo zvinoita kuti akwanise kuroora mwana wamambo.

Chinyamape­zi haanzwi marwadzo okurumwa nenyuchi, asi anoramba akashinga kusvikira akwanisa kusvika paive nemwana wamambo izvo zvakaita kuti agone kuroora mwana wamambo. Kutadza kunzwa marwadzo ekurumwa nenyuchi uku kunobudisa kuti mungano zvinhu zvose zvinogona kuitika sezvo muupenyu chaihwo munhu achinzwa kurwadziwa kana arumwa nenyuchi.

Cherechedz­o: Mudzidzi akasunungu­ka kusarudza chero dzimwe ngano kubva mubhuku iri dzinoita kuti agone kupindura mubvunzo uno zvakanaka sezvo iyi mhinduro ichingova munongedzo chete.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe