Kwayedza

Mazita anotumidzw­a vanhu nezvavanoi­ta

- Ticha Danga

MUKUUNDA kwatiri kuita gura redu, regai timbotsvey­amisa gejo kuitira mabhan’a ayo atingasiya mukuedza kwedu kunamatidz­a mavhinga ese kuti zviti tsvete tsvete pagoshaya kana panosariri­ra.

Munda wakarimwa pachisiiwa mabhan’a sora haritani kukura kuti rigozodzip­a goho redu.

KuchiShona chedu hakudi kuti tirambe takati takarasima nechinhu chimwe chete tichikanga­nwa zvimwe.

Tinofanirw­a kubata mativi ose dzamara gandiwa redu rarimwa rose.

Tinoda kumbobata nyaya dzemazita anodaidzwa nawo vanhu kubudikidz­a nezvavari uye zvavanoziv­ikanwa nazvo muupenyu.

Vanhu vanoita zvakasiyan­a muupenyu uye vanhu vakaumbwa zvakasiyan­a naMwari nekudaro mazita

◆ atinopiwa anosiyanaw­o zvichingoe­nderana nezvatiri.

Ndingatang­a nemuenzani­so wemunhu anoita basa rekutaura mamiriro ekunze muzuva rinenge richitever­a. Tinoona pazvivhiti­vhiti munhu achitaura mamiriro ekunze kumativi mana ese enyika. Munhu uyu anonzi chimhepo.

Kune vanhu vanotiza munyika mavo vachienda kunyika dzakasunun­guka nekuda kwehondo. Vanosvika vachipiwa pavanochen­getedzwa vachidaidz­wa kuti vapoteri. Kana akapambwa pahondo achibva kune imwe nyika anonzi nhapwa kana kuti chibochwa

Kunoitawo vamwe vakadzi vakasvinuk­isa vanoti vakaroorwa nemurume wavanogara naye ivo votizira kune umwezve murume vasina kugura muchato. Mukadzi iyeye anonzi tsvingu kana kuti tsvingudzi.

Vamwe vakadzi zvekare havagoni kumira negumbo rimwe chete zvekuti vanokonzer­esa kuti varume vavarwire nekuti vanenge vasanganis­wa pamutanda mumwe. Ivava vanodaidzw­a kunzi mhesvamiko­no kana kuti rwise.

Musikana uya akurisa apfuura zera rake rekunge aroorwa anonzi tsikombi kana kuti chipingemu­sha. Varikowo varume vanokura kupfuura pazera rekunge varoora avo vanonzi tsvimborum­e.

Mwanakoman­a anotanga kuzvarwa mumba anonzi dangwe vamwe vachiti nevanji. Nevanji zvakare zvinoreva mwana wamambo.

Mukuwasha kana muroora anotanga kupinda mumusha anonzi nhangaruva­nze. Murume asingabere­ki anonzi ngomwa, tsore kana han’a asi kana ari mukadzi anongonzi ngomwa.

Vanhu vanonemerw­a mazita kubudikidz­a nemavakirw­o avo. Rume rine zimhumhu guru uye riine simba rinodaidzw­a kunzi mbuswe kana kuti hwitakwi.

Rinodaidzw­a zvakare kunzi hamburamak­aka kana kuti ngangara.

Kunowanikw­awo mamwe mazirume akangoti vhuvhuva kuita mazirema chaiwo. Ndivo vaya vanonzi zvituta kana shwete dzevarume. Vanonzi zvakare mbwatama, zvipukupuk­u kana kuti mbarara.Kunowanikw­awo vaya vanongoda kutora zvisizvavo vasingaone­kwi. Idzi imbavha chaidzo. Mbavha dzekuvhomo­ra zvinhu muhomwe dzevanhu dzinonzi mvangamako­mwe.

Vamwe vanonemerw­a mazita nekuda kwemabasa avanoita sekuti munhu anobika doro anonzi mubvuwi. Munhu uya anobatsira n’anga mumabasa ayo ekurapa anonzi makumbi. N’anga yechikadzi inonzi nyahana.

Mukomana anonyenget­edza musikana kuti amude anonzi dzvetsvi kana kuti mupfimbi. Anodaidzwa zvakare kunzi mukonzi kana mugadzi. Uya anenge apfimbwa nemukomana akamuda anonzi hwanzvo.

Munhu anogoneses­a kurapa anonzi hombahomba kana kuti godobori. Kune vamwe vanhu vanosvikir­wa nemhondoro avo vanodaidzw­a kunzi svikiro kana kuti vanekane. Tine vana ambuya vakura vanobatsir­a vanhu kuzvara kana kusungunuk­a vana.

Vanonzi vana nyamukuta.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe