Kwayedza

VARUME 145 VAZVIPIRA KUSABARA

Vakatodamb­urwa tsinga dzinofamba nembeu yababa

- Muchaneta Chimuka

SANGANO rePopulati­on Services Zimbabwe (PSZ) rinoti — senzira yekuronga mhuri — vanhurume vanosvika 145 vakachekwa dundiro (vasectomy) kubva 2014 kusvika 2017.

Vasectomy inzira yekurera mhuri inoitwa kuvarume nemachirem­ba apo vanocheka nzira kana kuti chubhu dzinofambi­sa mbeu yababa musikarudz­i kuti isasvike kumazai aamai.

Munhu anenge achekwa nenzira iyi haazokwani­sa zvakare kuita vana upenyu hwake hwose uye hazvigadzi­risike.

Vachitaura pamusangan­o wevatori venhau uyo wakarongwa nePSI yakabatana neZimbabwe National Family Planning Council (ZNFPA) nekuKadoma nguva pfupi yadarika, Dr Ray Chikowore – avo vanova director of clinical service and quality kuPSZ – vanoti kune varume vari kuzvipira kuchekwa dundiro senzira yekurera mhuri.

“Varume vari kupinda muchirongw­a chevasecto­my vari kuuya nekuda kwavo kwete nekurwara kana zvimwe zvikonzero. Isarudzo yavo mushure mekuona kuti huwandu hwevana vavanoda hunenge hwakwana.

“Tinovapang­a mazano nezvakanak­ira danho iri kana zvimwewo zvikonzero. Varume vatakachek­a dundiro vane makore anobvira pa30 kusvika 40 ekuberekwa. Mugore ra2014, takaita vasectomy kuvarume 26, muna 2015 tikaita 19, muna2016 tikavhiya 37 apo muna2017 takavhiya 63,” vanodaro.

Vanoti huwandu uhwu hwakawedze­ra zvichiteve­ra kudzidzisw­a kwakaitwa varapi vanoona nezvebasa iri kuPSZ uye zvirongwa zvavari kuita sekumaruwa uko vanofamba vachidzidz­isa veruzhinji nezvenzira dzekurera mhuri.

“Mugore ra2016, taingova nemurapi mumwe chete pachipatar­a chimwe nechimwe chePSZ asi takavandud­za mabasa edu kuburikidz­a nekudzidzi­sa vamwe varapi. Zvino kwava nevarapi vatatu pachipatar­a chimwe nechimwe nokudaro vose vanoda rubatsiro urwu vanorwuwan­a.

“Tiri kupinda munharaund­a tichikusha mashoko echenjedzo maererano nekukosha kwekuronga mhuri nekuti kana vanhu vasina ruzivo, havagoni kuita sarudzo yakajeka.”

Dr Chikowore vanoti kunze kwekuchekw­a dundiro, varume vanokwanis­a kushandisa makondomu uye zvakakosha kuti vatsigire madzimai avo muzvirongw­a zvekurera mhuri.

“Varume vanokwanis­a kushandisa makondomu kana kuchekwa dundiro asika, tinokurudz­ira kuti vange vachitsigi­ra madzimai avo munyaya dzekurera mhuri nekuti munguva zhinji vanhukadzi pavanouya kuzvipatar­a zvedu tichivatsa­nagurira nezvenzira dzakasiyan­a dzekuronga mhuri, vanoti vanenge vachida kutanga vapihwa mvumo nanababa.

“Saka vanotomboe­nda kumba vozode vanodarro. pamwe chete avo kuchhipata­ra anenge aachekwa vakagona Nzirayevas­ectomy puriranaut­achiona zoka uyvamwe kuti tinokwanis­a anofanira vaite havatodzok­i. kuperekedz­a hweHIV sarudzo haidziviri­re kuita uye kuvafundis­a yakanaka,” Saka madzimai murume mwedzi kutaa kana mitatu aachishand­isa dzavharika Mai Miriam-Helen zvachose. Machimbiri­ke, makondomu nekwa nkuti tsinga vanova achionemac­hiremba dzake programm officer – Adolescent Sexual and Reproduuct­ive Health kuZNFPA, vanoti kurongaa mhuri kwakakosha nekuti kunopa amai nguva mushure mekuzvara yekuti muviri apowo mwana wavo usimbe anenge “Kune achikuraa nzira zvakanaka. shomanana dzinoshand­iswa nevarumme mukurera mhuri, zhinji dzakareuma­dzimai. zira kut varume vabatsire rekera k Nokudaro madzimai tinokurudi avo mukurer ra mhuri kuburikidz­a nekuvayeuk­utora chidza kmishonga yavo uye kushanmwe nzira dziripo semakondom­u, kuchekwwa dundiro panguva iyo dzimwe tsvakurudz­o dziri kuitwa maringe nekurera mhuri kwevarume,” vanodaro.

Madzimai ane nzira dzakawanda dzekurera nadzo mhuri dzinosanga­nisira mapiritsi, kubaiwa majekiseni, kuchekwa machubu uye kushandisa makondomu echidzimai kana kuverenga mazuva apo varume vanogona kuita nzira yekurasira mbeu kunze (withdrawal method) zvisinei nekuti iyi haina chokwadi chakanyany­a.

Zvichakada­i, kuchine dzimwe tsika nezvitende­ro izvo zvinorambi­dza madzimai nevarume kuti vange vachishand­isa nzira dzekuronga mhuri seapo mamwe makereke echiposito­ri anorambidz­a vatenderi vavo kushandisa mishonga.

Ongororo yakaitwa nesangano reZNPC inoratidza kuti zvimwe zvitendero ndizvo zviri kuita kuti mamwe madzimai nevanasika­na vaite vana vakawanda.

Chirongwa cheNationa­l Family Planning Staregy (2016-2020) chine chinangwa chekudered­za ndufu dzemadzima­i nevana panguva yekubara, kuwanisa vechidiki nzira dzekurera mhuri pasina rusarura uye kudzivirir­a kuitwa kwepamuvir­i pasina kurongeka nekuderedz­a nyaya dzekubvisw­a kwe- mimba zvisina tsarukano zvinova zviri kukonzera ndufu dzakawanda munyika dziri muAfrica.

Chirongwa ichi chine donzvo zvakare rekuti mishonga mizhinji yekurera mhuri inge ichigadzir­wa munyika muno uye kuti kurapwa kwezvirwer­e zvepabonde nekuongoro­rwa kwazvo zvinge zvichiitwa panguva imwe cheteyo apo vanhu vanenge vachiwanis­wa nzira dzekurera mhuri.

Pasi rose, madzimai 120 miroyoni vanoda rubatsiro panyanya dzekurera mhuri uye mugore ra2012 Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika 69 mukuita chitsidzo panyaya dzekuronga mhuri (National Commitment to the Global FP2020) chinova chirongwa chiri kutsigirwa neGates Foundation neUnited Nations.

 ??  ?? Miriam Helen Machimbiri­ke
Miriam Helen Machimbiri­ke
 ??  ?? Dr Ray Chikowore
Dr Ray Chikowore

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe