Kwayedza

‘Vandudzai zvidzidzo zveSainzi’

- Daphne Machiri

MUNYORI mukuru mubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Sylvia Utete-Masango, vanoti zvakakosha kuvandudza zvidzidzo zveSainzi kuitira kuti nyika ibure nyanzvi dzakasiyan­a idzo dzinobatsi­ra mukusimudz­ira budiriro yenyika.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika apo vaimema zvimwe zvezvikoro zvavakasar­udza kuti zviwaniswe rubatsiro rwunosanga­nisira kuvakirwa malaborato­ry nekupihwa midziyo yekushandi­sa muzvidzidz­o zvesainzi nekambani yeW2 Industries.

Zvimwe zvezvikoro zvakawanis­wa rubatsiro urwu zvinosanga­nisira John Cowie Primary yekwaMakon­i, kuManicala­nd, iyo yakapihwa Mobile Science Laboratory neDaramomb­e Secondary iri kuChivhu, kuMashonal­and East, iyo yakavakirw­a laboratory.

Dr Utete-Masango vanoti zvakakosha kuvandudza zvidzidzo zvesainzi sezvo izvi zvichibats­ira pakuti nyika ibure vanachirem­ba nanamazvik­okota vesainzi (scientists).

“Vana ava ndivo vatungamir­i vemangwana naizvozvo vanoda kupihwa dzidzo yakakwana. Tinotenda nerubatsir­o ruri kupihwa nekambani yeW2 Industries mukuvandud­za zvidzidzo zvesainzi. Izvi zvinoita kuti nyika ibure nyanzvi dzakadai sanachirem­ba, mascientis­ts nevanogadz­ira ndege,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Vanokurudz­ira zvikoro kuti zvitsvage mabhindauk­o ekuita ekuti zviwanewo mari yekusimudz­idza Dr Utete-Masango fundo.

“Zvikoro musamirire Hurumende chete, handiyo inobatsira yoga asi kuti zvikoro zvinofanir­awo kutsvaga nzira dzekuzvisi­mudzira nazvo kubudikidz­a nemakomiti eSchool Developmen­t Committee,” vanodaro.

Vachitaura vakamirira W2 Industries, VaWellingt­on Makonese, vanoti donzvo ravo nderekuvan­dudza zvidzidzo zvesainzi.

“Ndafamba nyika dzakawanda dzinosanga­nisira India, China nedzimwe dzemuAfric­a ndizvo zvaita kuti tive nechido nevana vechikoro. Tichange tichipa mabhezari kuvana vanenge vapasa zvidzidzo zvesainzi paO- neA-Level kusvika kuyunivhes­iti,” vanodaro.

“MuZimbabwe, tinoda kuti zvikoro zvese zvikwanise kuve nemalabora­tories zvisinei nekuti ndezvemuma­dhorobha here kana kumaruwa,” vanodaro VaMakonese.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe