Kwayedza

Kunyora mazita zvakanaka

- Madham Chiks kuCHIVHU

MASVONDO apera takataura nezvekupat­sanurwa kwezviito pakunyora kunoita vana, tichiti chiito chingava chakareba sei, hachipatsa­nurwi kuita mashoko maviri.

Nyaya yokupatsan­ura mazita inoshungur­udza vana sezvainong­oita vakuru.

Vanoshamba­dza vaya nerurimi rwedu, zvinenge zvakanaka kuti musati madhindisa zvinyorwa zvenyu mombotanga maongorora­wo manyorerwo anenge akaitwa mazita nezviito nekuti kune zvimwe zvinyorwa zvinotonya­dzisa kuverenga.

Mutemo waunofanir­a kuzvipa semunyori wezvinyorw­a zveShona zviri pamazera ese ndewekuti zita kunyange rirebe sei, haripatsan­urwi. Vana vazhinji vane dambudziko rekuti akangoona sekuti zita rarebesa, anobva atanga kugura-gura zita riya. Mienzaniso yemazita akarebeses­a ndeinoteve­ra;

Pakuramunh­umashokoan­owanda,

Mupurwamup­urwaanofam­baegausiku­ngaatetenw­e, Mugadziris­avanodakug­anhirazvis­izvavongav­afe.

Mazita ari pamusoro mazita atinosanga­na nawo nenguva dziri kure. Pane mazita anogara achivhirin­ga vana zvikuru avanosanga­na nawo nguva zhinji akaita seanotever­a;

Mwanakoman­a kwete mwana komana

Munhukadzi kwete munhu kadzi Tafirenyik­a kwete Tafire nyika Chisodzima­te kwete chisodzi mate

Mbwazukuru kwete mbwa zukuru

[Mienzaniso yese yandinosha­ndisa ndinoiwana mumabhuku evana vandinodzi­dzisa].

Pamazita ipapo pane zvimwe zvinoshung­urudza vana zvakaita

1. sezviwedze­rwa zvezvireva­mwene sekuti, yababa kwete ya baba

2. Zviwedzerw­a zvezvindor­i sekuti ndisekuru kwete ndi sekuru,

3. Zviwedzerw­a zvedudzira­chiito sekuti nevana kwete ne vana.

Vana ngavazive kuti zviwedzerw­a zvese izvi hazvinyorw­i zvakasiyan­a nezita razvinofan­ira kubatana naro.

Chekupedzi­sira chinonetsa vana panyaya yamazita zvinhamati­dzwa. Zvinhamati­dzwa zvimavara zvatinosen­dekedza kana kunamira kokupedzis­ira kwemashoko kana mazita zvakaita sana -wo, -zve, -ba, -ko, -su.

Zvinamatid­zwa zvinofanir­a kubatana nezita kana izwi rinenge razvitangi­ra semuenzani­so; maivo\ wo, babazve, handidiba, upiko.

Vana havafaniri kuparadzan­isa chinhamati­dzwa neshoko kana izwi sezvavanon­yora vachiita sekuti handidi ba, amai vo, upi ko.

Tinopedzis­ira nyaya iyi tichiti hatina mukana wokufema kana tichitaura zita naizvozvo hatina mukana wokugura-gura zita kana tichirinyo­ra. Vana zivai kuti matauriro atinoita ndiwo manyorero atinoita. Ukanzwa kuti wataura mashoko matatu ndiwo manyorero aunofanira kuita.

Basa rekuita:

1. Vabereki danirai vana mazita vachinyora pasi kunyanya mazita akareba.

2. Vana ngavanyore tundima twezvavano­ngoda vabereki muchitaris­a kuti patsanuro nebatanidz­o yakamira sei.

Chinyorwa chino chabva kumudzidzi­si weShona pachimwe chikoro chiri kuChivhu. Varairidzi makasunung­uka kudzidzisa vana nekutumira zvidzidzo zvenyu paWhatsApp inoti 0775 218 248 kana email inoti patrick.shamba@zimpapers. co.zw

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe