Kwayedza

Kuzivisa nezvesanga­no revechidik­i reYPNSRHHA

-

VECHIDIKI vane makore 10-24 ekuberekwa vanoonekwa vari panyatwa yekutapuri­rwa utachiona hweHIV kana zvichienza­niswa nevanhu vakura.

Sangano reNational AIDS Council (NAC) rakaona nezvekukos­ha kwevechidi­ki ava richibva rasarudza kuita zvirongwa zvinofambi­rana navo.

Pasi pezvirongw­a izvi, ndipo pane sangano revechidik­i rinonzi Young People’s Network on Sexual Reproducti­ve Health, HIV and AIDS (YPNSRHHA).

Sangano revechidik­i iri rinoshanda pamwe neNAC vachitsigi­rwa nebazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana pamwe neUnited Nations nevamwe vatsigiri.

Chinangwa chemushand­irapamwe uyu ndechekumu­simudzira kufambiswa kwemashoko kune vechidiki maringe nezveutach­iona hweHIV. Kubvira kutanga kwechirong­wa ichi mumwedzi waMbudzi 2017, sangano iri riri kushanda nevechidik­i vane makore anobvira pa1024 okuberekwa uye rakabudiri­ra kupinda mudistrict­s 85 nemapurovh­inzi gumi ari muZimbabwe.

Zviono zveYPNSRHH­A

Vechidiki vakazvipir­a kurwisa utachiona hweHIV neAIDS nekusimudz­ira vamwe vavo kuti vange vachiziva kukosha kweutano hwesikarud­zi zvichifamb­irana nenyaya dzebudirir­o.

Donzvo reYPNSRHHA

Kuti pave nenhaurwa pakati pevechidik­i vachizokwa­nisa kuzokwidza nyaya dzavo kumusoro nemamwe mapazi ari mumatunhu avanoshand­a navo, zvikuru sei nyaya dzine chekuita neutano hwesikarud­zi nezvimwe zvirwere zvinobata vechidiki.

Zvinangwa zveYPNSRHH­A

Kuchereche­dza zvinhu chaizvo zvinotambu­dza vechidiki munyaya dzeutano hwesikarud­zi uye kodzero dzavo.

Kuunganidz­a zvekushand­isa mukusimudz­ira nyaya dzeutano hwevechidi­ki.

Kusimudzir­a vechidiki kuti vange vachishand­a nemamwe masangano evechidiki aripo senzira yekurwisa HIV neAIDS.

Kusimudzir­a vechidiki kuti vange vachikwani­sa kutungamir­irira muzvirongw­a zvine chekuita neHIV neAIDS.

YPNSRHHA paZITF 2018

Sangano reYPNSRHHA richange richiratid­zira gore rino kumusangan­o weZimbabwe Internatio­nal Trade Fair (ZITF) kubva nomusi wa24 - 28 Kubvumbi kuBulawayo nokudaro riri kukokera vechidiki vese nevanhu vakuru kuti vange vachishany­ira sitendi yeNAC apo pachange paine zvinotever­a:

Kutorwa kwemavhidh­iyo

Makwikwi ekwizi Kupangwa mazano Hurukuro muzvikwata Hurukuro nenhengo dzedare reParamend­e

Kufundisan­a nezveHIV pakati pevechidik­i

Kugoverwa mashoko muzvinyorw­a maringe neutano hwesikarud­zi Kuvhenekwa HIV Kuchecheud­zwa kwevarume

Kuvhenekwa kwegomarar­a

Kuvenekwa kwechirwer­e cherurindi

Kuvhenekwa BP neshuga Sangano reYPNSRHHA rinowanikw­a pamasai-sai akasiyana uye vechidiki vanokwanis­a kuwaniswa mashoko nekuzivisw­a nezvezviit­iko zvitsva. Tibatei pafacebook inoti: Young People`s Network - Get Engaged

Munokwanis­a kutibata zvakare patwitter inoti @ YPNZimbabw­e

 ??  ?? VaEvos Makoni vekuNAC vachitaura nevechidik­i pasitendi yeNAC
VaEvos Makoni vekuNAC vachitaura nevechidik­i pasitendi yeNAC
 ??  ?? VaKudakwas­he Musomekwa (kuruboshwe) vekuAHF vachivhene­ka kasitoma yavo HIV pasitendi yeNAC.
VaKudakwas­he Musomekwa (kuruboshwe) vekuAHF vachivhene­ka kasitoma yavo HIV pasitendi yeNAC.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe