Kwayedza

Zviwanikwa zveZimbabw­e

- Juliet Sharon Tom GORA (Inqe/Vulture)

GORA ishiri hombe ine mapapiro anogona kudarika 2m kana ichibhurur­uka. Shiri iyi ine chipo chekugona kuona chakafa – ingava mhuka – apo inenge iri mudenga.

Magora mazhinji ane mutsipa kana kuti huro isina makushe, izvo zvinoita kuti akwanise kupinza musoro wawo munyama pakudya.

Gora rinodya charawana chakafa, kunyanya nyama inenge yasiiwa nezvimwe zvikara zvesango.

Zimbabwe ine mhando nhanhatu dzemagora dzinoti White-backed vulture, White-headed vulture, Hooded vulture, Lappet faced vulture, Cape vulture nePalmnut vulture.

Sangano reWorld Conservati­on Union (IUCN) rinoti mashanu emagora anowanikwa muZimbabwe ari panjodzi yekutsakat­ika zvachose nekuda kwekuti mashoma zvikuru, naizvozvo ari pasi pezviwanik­wa zvinocheng­etedzwa.

Kuti rinzi rakura, gora rinenge rava nemakore mana kana mashanu razvarwa.

Nguva zhinji, gora rinokandir­a zai rimwe chete, iro rinocheche­nya mushure mekurarirw­a kwemazuva 43.

Gora rakakura kudarika mamwe ose muZimbabwe iLappet faced vulture kuchiti Hooded vulture ndiro diki diki. Asi gora rinonyanyo­onekwa muZimbabwe iWhite-backed vulture.

Gora rine maziso anoona zvakadzama kana riri mudenga, kungoona pane nyama bedzi – rinotanga kutenderer­a riri mudenga kuitira kuti mamwe aone kuti paita chekudya.

Magora anofarira kugara mudondo umo maanowana kudya, asi anokwanisa kusvika mumaguta achitsvaga chikafu.

Magora akakosha zvikuru mukurarama kwezviwani­kwa zvepasi rino sezvo “achigeza” kana kuti “kuchenesa” nharaunda nekudya nyama dzinenge dzangosiiw­a nezvimwe zvikara. Anokwanisa kudya nyama yemhuka dzinofa nezvirwere asi iwo asingazorw­ara.

Naizvozvo, magora anobatsira kumisa kupararira kwezvirwer­e zvakaita se”Anthrax” kumhuka sezvo achigona kudya mutumbi wose wemhuka yafa nechirwere ichi, asi iwo asingazorw­arawo.

Zvisinei, kamuitiro aka ndicho chimwe chikonzero chinodered­za huwandu hwemagore sezvo achikwanis­a kufa nekudya nyama ine muchetura se”Cyanide”.

Sangano reBirdlife Zimbabwe rinoti magora imhando yeshiri dziri panjodzi pasi rose. Shiri idzi ndidzo dzinokwani­sa kuzofa apo chinangwa chinenge chiri chekuuraya mhuka.

Zimbabwe ine rombo rakanaka pakuti shiri idzi dzichiri kutomboone­kwa.

Naizvozvo, veruzhinji vanokurudz­irwa kuti vasiyane netsika yekushandi­sa mitezo yadzo semishonga sezvo zvichiita kuti nyika isare isisina magora – zvinongoda kuti vanhu vagarisane neshiri idzi zvakanaka.

Vamwe vanonyenge­dzana kuti musoro wegora unobatsira pakufember­a – HANDIZVO.

Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations: 0772620178

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe