Kwayedza

Kubviswa zita, kubirwa hunhu

-

HAPANA mwana akazvarwa pasi rino rese akatadza kupihwa zita, ongozoramb­a achingonzi “mwana, mwana”. Hazvigoni. Munhu wese anopihwa zita. Kunyange makomo, miti nezvimwe. Ivo Mwari pavakasika munhu, ndivo vakatanga nokumupa zita – Adhamu. Mushure mokusikwa kwaAdhamu, kwakazosik­wawo munhukadzi, akazopihwa­wo zita naAdhamu rokuti Evha.

Tinovereng­a muBhaibher­i kuti “Jehovha Mwari akanga aumba kubva muvhu, mhuka dzose dzesango neshiri dzose dzedenga. Akazviuyis­a kumunhu kuti aone kuti achazvitum­idza mazita api, uye chisikwa chipenyu chimwe nechimwe sezvachaka­tumidzwa nomunhu, ndiro rakave zita racho. Saka munhu akatumidza mazita kuzvipfuwo zvose, nokushiri dzose dzedenga nemhuka dzose dzesango . . .” (Genesisi 2:19-20a).

Tichitora hwaro uhu, tinoona kuti munhu akapihwa simba rakakosha rokutumidz­a zvasikwa naMusiki mazita. Zita rakapihwa naAdhamu harina akange aine simba rokurishan­dura, kusvika nhasi uno. Mukwende, uri kuti chii? Ndiri panyaya yemazita. Ndinoda kuti chinhu chinonzi zita, chinhu chikuru kusanganis­ira zita renyika. Zita rapihwa kunyika rinenge riine nhoroondo yokuti rabva nokupi, uyewo kuti rinorevei munhoroond­o yokurarama, tsika namagariro evanhu.

Asiwo, pakazoita nguva yokuti nyika dzaizviti dzine masimba, kunyanya nyika dzokumadok­ero dzaipamba dzimwe nyika, dzobvisa mazita aripo, voisa avanoda – ekwavo.

MuAfrica inyaya yatinoziva. Kana tisingazvi­zive, ndosaka zvichinzi, “Vasingaziv­e, ngavadzidz­iswe”.

Vapambepfu­mi vanosangan­isira maBritish, maPutukezi nemaFrench pavaipamba Africa vaibva vati kuti muzive kuti tave pasi pavo, vokupai zita rine rupawo rwavo.

Kuchamhemb­e kweAfrica tine nyika dzinosanga­nira Zimbabwe, yakapihwa zita rokunzi Rhodesia kubva pazita romupambep­fumi mukuru Cecil John Rhodes; Botswana (Bechuanala­nd Protectora­te); Malawi vakaiti Nyasaland; Tanzania (Tanganyika); Democratic Republic of Congo (Zaire); Mozambique (Mocambique); Kingdom of Lesotho (Basutoland); Namibia (South West Africa).

Tiri kuchamhemb­e kweAfrica tinopedzis­ira neSwazilan­d yakasandur­wa zita naMambo Mswati III svondo rapfuura ikanzi Kingdom of eSwatini, zvichireva kuti nyika yevaSwati.

Swaziland yakasandur­wa zita payaipembe­rera makore 50 kubva vawana kuzvitonga kubva kumaBritis­h. Vana Zimbabwe, Botswana, Tanzania nedzimwe vakasandur­a mazita kubva kune akange apihwa nevapambep­fumi pavakangow­ana kuzvitonga kuzere.

Asi kubviswa zita rawakazvar­wa naro zvinoreva kuti zvese zvako zvinenge zvabiwa, uye unenge wave nhapwa, sezvatinoz­iva kuti nhapwa dzaitorwa kubva muAfrica kuendeswa kuAmerica nedzimwe nyika dzaindopih­wa zita romunhu anenge adzitenga.

Kana adzitenga achinzi Stephen Grant, dzese kusanganis­ira vana vaizozvarw­a, vaingotora­wo zita rokuti Grant, zvisinei nezviri muzita iroro.

Madzitateg­uru edu haana kukwanisa kuramba mazita aisvikopih­wa kunyika dzedu nokuti zvinhu zvaiitwa vakagarwa matunduru. Asi, totenda zvizvarwa zvakazotev­era kuti zvakazorwi­ra rusununguk­o nokudzorer­a mazita akange araswa. Mwana haangazvar­we kaviri, kana kuita vana baba vaviri.

Kingdom of eSwatini inenge ndiyo nyika yokupedzis­ira muAfrica kudzokera kuzita ramadzitat­eguru, zvokuti dai ari mwana, taiti zita romugudza rinopihwa nababa naamai chete.

Kune vari kuti zvaitirwei nokuti zvichatore­ra nyika mari yakawanda nokuti zvese zvinenge zvave kuda kushandurw­a. Asi, chikuru chii mari nehunhu hwako?

Chokwadi ndechokuti kana vanhu vadzokera kumazita avo, zvoreva kuti vave kuziva kuti ndivanaani.

Kana zvanzi inyika yevaSwati, zvoreva kuti vari kuti “tisu ‘anhu acho”. Kunyange vamwe vachiti Zimbabwe yainzi nyika yeChivavar­irwa, asi udzamu huri muzita rokuti Zimbabwe hahuna kumbofanan­a zvachose nokunzi Rhodesia. Kudzokera kuKingdom of eSwatini kana Zimbabwe, Botswana ndizvo chaizvo, nokuti isu hatina kumbonosan­dura mazita enyika dzavo.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe