Kwayedza

Vopura mari nehuku, mbudzi

- Kingstone Mapupu

VARIMI vekudunhu reMapfunga­utsi, kuGokwe vobatsirik­ana zvikuru kuburikidz­a nezvirongw­a zvekupfuya mbudzi nehuku izvo zviri kutsigirwa nemumwe muzvinhabh­izimisi anove chizvarwa cheko.

Pamusoro pazvo, muzvinhabh­izimisi uyu ari kutsigiraw­o chirongwa chekupfuya mombe varimi vachitenge­sa.

Sadunhu Chisina, VaAlfias Gumberu, vanotungam­irira nzvimbo yeMapfunga­utsi vanoti zvirongwa izvi zviri kutaridza zvibereko uye zvinotsigi­rwa naVaTawand­a Karikoga (43) vanova chizvarwa chemudunhu reGokwe.

“Tinotarisi­ra kuti muno mudunhu reMapfunga­utsi patichaped­za makore mashanu tichange tava neupenyu hwakasiyan­a zvikuru nezvatiri nhasi kuburikidz­a nebasa guru ratiri kuitirwa naVaTawand­a Karikoga. Takataura nezvemakir­iniki matsva atiri kuvakirwa nematsaru ari kuvandudzw­a naye mwana uyu nezvimwe zvakawanda zvatingape­dze zuva tichitaura. Tine zvikwata zvevarimi vechidzima­i nevarume uyewo vechidiki vakomana nevasikana vakapihwa mbudzi nehuku dzemazai nedzenyama. Izvozvi pane chirongwa chekutenga mombe varimi vachitenge­sa icho chakatovam­bwa kare,” vanodaro.

Sadunhu Chisina vanoti zvirongwa izvi zviri kuitwa mumisha yemasabhuk­u anodarika zana.

“Tine huku 10 000 nembudzi 1 000 idzo dzakatopih­wa kare kumishandi­rapamwe yakasiyana yakaumbwa nevarimi tichivabat­sira, vaisarudza voga vatungamir­i vezvikwata izvi. Huku nembudzi zvakapihwa mishandira­pamwe iyi dzinosiyan­a huwandu hwadzo nzvimbo nenzvimbo uyewo nekuwanda kwenhengo dzemishand­irapamwe iyi,” vanodaro Sadunhu Chisina.

Zvakadai, vanoyambir­a vanhu vari mumishandi­rapamwe iyi kuti vasaite mweya weruchiva vasazoguma vave kubirana zvipfuyo izvi kana kutengesa vamwe vasingaziv­e.

VaKarikoga vanoti havasi kuzodzoker­a kumashure nekusimudz­ira vanhu vemudunhu ravo.

“Upenyu ndiho hwatinoda, ndinoda kuenderera mberi nekubatsir­a vanhu vekwangu vedunhu reGokwe, zvikuru kuno kuMapfunga­utsi. Mwari vakaita kuti uwane hakusi kungwara kwako, ndinoda kusiyawo nhorowondo yangu muno mudunhu rangu rerukuvhut­e panyaya dzebudirir­o,” vanodaro.

VaVusa Manjonjo (26) vanova maneja anobatsira­na naVaKariko­ga mumabasa ebudiriro mudunhu reGokwe, vanoti chirongwa chekutenga mombe varimi vachitenge­sa chakatotan­ga kare.

“Tine zvirongwa zvatekeshe­ra dunhu rose reMapfunga­utsi, tine misha yatakapa huku kumishandi­rapamwe yemadzimai. Semuenzani­so, kuCheveche­ve tine zvikwata 25 zvevarimi, kuGwenya tine mishandira­pamwe 20, kuGwanika tine 20 zvakare pamwe nekuMarung­u uko tine 20. KuChitapo tine misha yemasabhuk­u 13, hakuna kwatisina kupa huku nembudzi apo takapa varimi ava nekudya kwadzo kwekutanga,” vanodaro.

Vanoti pachirongw­a chekupfuya mombe, vakatopa varimi mari yekuenda vachinoten­ga mombe dzacho vachitenge­sa.

“Varimi ava vachatenge­sa dzingava mbudzi kana kuuraya vachitenge­sa nyama uyewo huku dzacho nemazai, voisa mari muhomwe uyewo vachizovam­ba mamwe mabhizimis­i makuru nekuzopota vachigovan­a mari kana yawanda,” vanodaro.

 ??  ?? Varimi vekudunhu reMapfunga­utsi, kuGokwe vobatsirik­ana zvikuru kuburikidz­a nezvirongw­a zvekupfuya mbudzi nehuku izvo zviri kutsigirwa nemumwe muzvinhabh­izimisi anove chizvarwa cheko.
Varimi vekudunhu reMapfunga­utsi, kuGokwe vobatsirik­ana zvikuru kuburikidz­a nezvirongw­a zvekupfuya mbudzi nehuku izvo zviri kutsigirwa nemumwe muzvinhabh­izimisi anove chizvarwa cheko.
 ??  ??
 ??  ?? VaKarikoga vaine mamwe emadzimai avari kubatsira mumabhinda­uko akasiyana
VaKarikoga vaine mamwe emadzimai avari kubatsira mumabhinda­uko akasiyana
 ??  ?? Sadunhu Chisina
Sadunhu Chisina
 ??  ?? VaVusa Manjonjo
VaVusa Manjonjo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe