Kwayedza

Varimi vopunduka nefodya

- Muchaneta Chimuka

NYIKA isati yawana kuzvitonga kuzere muna1980, hazvaiva nyore kuti munhu mutema ange achiwanikw­a achipinda mubhizimus­i rekurima zvirimwa zvinopa mari zvakadai sefodya asi nhasi uno yave kurimwa pamadiro.

Kurimwa kwefodya nevanhu vatema inhaka huru sezvo vachikwani­sa kuunza mari yekunze munyika muno zvichimuts­ira vanhu mabasa anosimudzi­ra Zimbabwe.

Kwayedza svondo rapera yakamema misika yefodya yakadai seTobacco Sales Floor (TSF), Boka Tobacco Sales Floor nemimwe yakawanda ikaona vanhu vatema vari ivo vazhinji vakanga vari kutengesa fodya yavo unova muchereche­dzo wekuti masimba eupfumi ava mumaoko evatema.

VaAusten Chigovere (18) vanorimira kuMhangura vanoti Zimbabwe inyika yakasunung­uka nekuti makare varungu ndivo bedzi vaitenderw­a kurima fodya.

“Iko zvino vanhu vatema vava kukwanisa kusimudzir­a nyika yavo nekuti mari iri kushanda muno. Tavawo neminda yatinorima zvekuti gore rapera ndakatoten­ga mombe dzangu nhatu. Kurima ndihwo upfumi hwevatema,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa nemukoma wavo, VaTichaona Chigovere (26), vachiti vakakwanis­awo kutenga mombe gumi kuburikidz­a nekurima fodya vachibatsi­rwa nababa vavo.

VaPhear Nyurenda (66) vanova murimi wefodya kuMutorash­anda vanoti vakaunza 340 kgs dzefodya kumisika uye vari kutarisira kuwana mari yekuti vanotenga mombe dzavo kumusha.

“Handina hangu munda wakakura asi ndakakwani­sa kuunza 340 kgs dzefodya saka kurima kwatiri kuita sevanhu vatema ndinoona kuri kutisimudz­irwa zvikuru zvichibva mukupombon­oka kwakaita nyika,” vanodaro.

VaGeneral Seed (27) vanorimira kuMacheke vanoti nyika ino ine runyararo asi vanoshuvir­a kuti kudai mari inopihwa varimi vanenge vatengesa vefodya iri musvo yawedzerwa.

“Ini ndakatenge­sa fodya ye$10 000 asi ndopihwa $300 iri musvo chete imwe yese voti inofanira kunge iri Plastic Money? Kudai vatiwedzer­awo kusvika pa$500 kana $1 000 nekuti tichada kunotenga mimwe michina kunze kwenyika tichitenga nemari yekunze saka mari yedu inosara yangova chidimbu. Mukurima kwandakait­a, ndakakwani­sa kutenga bhasikoro nekuroora mudzimai,” vanodaro.

Mai Georgina Zvakasikwa (40) vekuHeadla­nds vanotiwo vakakwanis­a kutenga motokari yemhando yeNissan, mombe nengoro kuburikidz­a nekurima fodya.

“Ndinorima mahekita maviri efodya asi dambudziko ndere mitengo yakaderera zvisinei nekuti tiri kuunza fodya yemhando yepamusoro kumisika,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ?? VaAusten Chigovere
VaAusten Chigovere
 ??  ?? VaTichaona Chigovere
VaTichaona Chigovere
 ??  ?? Mai Georgina Zvakasikwa
Mai Georgina Zvakasikwa
 ??  ?? VaPhear Nyurenda
VaPhear Nyurenda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe