Kwayedza

Kurimwa kwedonje kwadzikira

- Kingstone Mapupu

KURIMWA kwedonje kunonzi kwadzikira zvikuru kudunhu reGokwe, kuMidlands uko kunozivika­nwa nekurimwa chirimwa ichi zvichiteve­ra mitengo yakaderera zvakanyany­a kumisika.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakashanyi­ra dunhu iri ndokuita hurukuro nevarimi vakasiyana avo vanoti vave kurima zvinosanga­nisira maringazuv­a, nzungu nenyimo zvinovapa mari zhinji pane kuramba vachingori­ma donje chete.

Mumwe wevarimi ava, VaTawanda Masikati (34), vekunzvimb­o yeMasvosve kwaNembudz­iya vanoti vave kurima zvimwe zvakasiyan­a nedonje.

“Takajaira kurima donje uyewo ndicho chirimwa chinoita zvakanaka kudunhu rino reGokwe saka nekuda kwemitengo iri pasi yechirimwa ichi tave kurimawo zvimwe zvakaita senzungu neruninga,” vanodaro.

VaDouglas Makoni (51) vanobva mumusha waSabhuku Svosve kwaNembudz­iya kwakare vanoti vave kurima donje zvishoma pane zvimwe zvirimwa iro vanoti haribhadha­re nekuda kwemutengo wakadzika zvikuru.

“Ndakaona kuti ndikaramba ndosimba nekurima donje mhuri yangu ingafa nenzara ndokupinda­wo mukurima nzungu dzinoita zvirinani. Ndinodzura dzungu idzi ndodziteng­esa dziri nyoro kana kuti dzaoma uyewo nekukuya dovi ndichiteng­esa. Handizosha­ya mari nechirimwa chenzungu,” vanodaro.

Murimi uyu akawanikwa neKwayedza achitodzur­a nzungu idzo anoti kune vamwe vanhu vainge vakadzimir­ira kudzitenga kana vatanhaura avo vaizoenda nadzo kwakasiyan­a vachinoten­gesa dzakabikwa.

VaMakoni vanoti vanorimawo zvimwe zvirimwa mubindu ravo vachitenge­sa.

“Ndakarima nzungu hekita imwe chete, donje ndinaro ishoma zvakare,” vanodaro VaMakoni.

VaMidzi Gundani (31) vemumusha waSabhuku Takwidibig­wa mudunhu rimwe chete iri vanoti vakarima mahekita maviri edonje iro vakakohwa vatomirira kunotenges­a.

Kunze kwazvo, vakarimawo zvimwe zvinosanga­nisira nyimo, matomatisi, muriwo nenzungu.

“Kurima donje chete unofa nenzara saka tave kusanganis­a uye nerumwe rutivi tave kupfuyawo zvipfuyo zvakasiyan­a kuti tirarame,” vanodaro VaGundani.

Vanoti vanotsutsu­mwa zvikuru nekuita kwemamwe makambani anonyenged­za varimi kuti varime donje asi achizorite­nga nemitengo yepasi.

“Tine makambani mashanu anotenga donje muno asi vanongogum­a vave kuita mari yakafanana pakg redonje. Tinoshaya kuti torima zvirimwa zvipi pane donje, tine vamwe varimi vakatorega kurima chirimwa ichi,” vanodaro.

VaMaxwell Siamupunga (30) vekwaChire­ya vanoti vakatosiya­na nekurima donje uye vave kurima maringazuv­a.

“Ndinopfuya zvipfuyo zvinosanga­nisira mbudzi, hanga, hwai, mombe, nguruve, huku dzechibhoy­i nemabroile­r. Ndinogadzi­ra kudya kwazvo kubva mumaringaz­uva ndichisang­anisa nechibage saka ndinozoten­gesa zvipfuyo zvangu kune vemabhucha nevamwe vakasiyana,” vanodaro.

Zvakadai, mwaka wapera makambani akasiyana anotenga donje aitenga Grade A ne$0,50c pakg, Grade B $0,30c pakg kuchitiwo Grade C raitengwa ne$0,15 pakg.

 ??  ?? Kurimwa kwedonje kunonzi kwadzikira zvikuru kudunhu reGokwe, kuMidlands.
Kurimwa kwedonje kunonzi kwadzikira zvikuru kudunhu reGokwe, kuMidlands.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe