Kwayedza

ZVIRI KUGOZHA: DYNAMOS

Tinoda kuhwinha: Lodza Zviri kutivhara: Mubaiwa Bhadharai vapfanha: Romario

- Abel Ndooka

MUTUNGAMIR­IRI weDynamos FC, Kenias “Kenny” Mubaiwa, anoti vari kuzama nepavanogo­na kuti chikwata chavo chihwinhe mitambo yacho yemuPremie­r Soccer League asi zviri kukona n’anga murapwa achida.

Kubva mumitambo minomwe yatambwa neDeMbare, haisati yahwina kana mumwe zvawo sezvo yakwanisa kuita mangange mitatu ndokukundw­a mina izvo zviri kuona iri imwe yezvikwata zvakasenga zviri pasi pelog. Mubaiwa anoti chikwata chavo chinotambi­ra kuhwina asi zviri kurambawo mwaka uno uye havazive kuti chii chiri kumbonetsa.

“Isu chedu chatinoziv­a ndechekuti tiri kuedza nepatinogo­na kuti tirwe, tihwine asi zviri kuramba. Tinogadzir­ira mitambo yese uye topinda tichida kuhwina asi zviri kuramba, hatipinde mumutambo kuzokundwa, asi kuhwina,” anodaro.

Mubaiwa anoti dai chikwata chavo chaisada zvekuhwina chingadai chisingakw­ikwidze muPSL chakaenda kuDivision 1 kare.

“Dai zvainzi hatina basa nenhabvu tingadai takabuda tega takaenda kuDivision 1 uko asi tiri muPSL nekuti tinoziva chinangwa chedu chatiri imomo chekuhwina mukombe wePSL. Zvinowanik­wa mubhora izvi, hongu tozviziva kuti tiri kukundwa uye tinongotar­isirwa kuti tihwine nguva dzese. Tiri kuzvigadzi­risa nekuchimbi­dza zvisati zvaenderer­a kure,” anodaro.

Murairidzi weDynamos, Lloyd “Lodza” Mutasa, anoti matambiro ange achiita chikwata chake mitambo minomwe yadarika haashoreke sezvo vange vachikundw­a ma1-0 kana kuita mangange 1-1 kazhinji.

“Matambiro edu haana kushata havo, tiri kungotadza kunwisa chete asi tikagadzir­isa ndinovimba kuti tinosimuka nekuchimbi­dza,” anodaro.

Zvakadai, gore ra1967 Dynamos ndipo payakapedz­isira kutamba mitambo 10 isina kumbohwina apo yakakundwa mumitambo yayo yose yekutanga.

Saka chikwata chaMutasa chikaramba chakadai chinogona kutevera cha1967 icho chakakundi­kana kuhwina mitambo yacho 10 yekutanga.

Mutasa anoti vari kushanda zvakasimba kuti vagohwinha mutambo wavo uri kutevera apo vachasanga­na neBulawayo City nemusi weSvondo kunhandare yeRufaro Stadium.

“Hatidi kuisa vapfana panguva yakaoma nekuvaudza kuti tambai makadai kana kuti munofanirw­a kunge mahwina mitambo yakati panguva yakati nekuti zvinozovar­emedza saka isu tiri kushanda kuti tihwine mutambo unotevera uye ndinovimba kuti negadzirir­o dzatiri kuita zvichaita chete.

“Tiri kuedza nepatinogo­na kutaura nevatambi tisimudzir­e morari yavo vasaterere zvinotaurw­a nevanhu uye varambe vachishand­a nesimba,” anodaro Mutasa.

Mutsigiri mukuru weDeMbare - Chris “Romario” Musekiwa - anoti zviri pachena kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuchikwata ichi nekudaro zvinofanir­a kugadziris­wa nechimbi chimbi.

“Morari yevatambi iri pasi ndicho chokwadi saka ngavataurw­e navo uye vatungamir­i ngavavatsv­agire zvese zvavanoda kuti vashande nesimba titange kuhwina. Zvikaramba zvakadai zvinogona kutishatir­a, ndicho chokwadi,” anodaro Musekiwa.

Anoti vatambi vese veDeMbare vanofanirw­a kutozvipir­a kufira chikwata ichi kuti chihwine sezvo chiri chikuru munyaya dzenhabvu.

“Isu tinoziva kuti kare kutambira Dynamos B side kwaidisa nemadzimai ko kuzoti chikwata chevakuru chacho?

“Saka vatambi ava ngavazive kuti chikwata chavari kutam- bira chikuru chine nhorowondo iyo inofanirwa kuchengete­dzwa,” anodaro.

Musekiwa anoti vatungamir­iri veDynamos vanofanira kushanda nesimba kuti vasandure mamiriro ezvinhu.

“Hutungamir­i hwechikwat­a ngahusariv­are, ngavashand­e nesimba kutsvagira vatambi zvavanoda zvese ndokuti nhabvu itambwe. Musi weSvondo tinoda kuona shanduko kunhandare, tinoda kuona vatambi vachifira chikwata ichi.

“Hapana zvinonzi chikwata chakasungw­a, hapana zvakadaro. Ipai vatambi zvavanoda chete muone shanduko,” anodaro.

 ??  ?? Lloyd Mutasa
Lloyd Mutasa
 ??  ?? Kenny Mubaiwa
Kenny Mubaiwa
 ??  ?? Chris Musekiwa
Chris Musekiwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe