Kwayedza

ORAMBIRA MUKADZI KUNAKA

'FRESH' NYAMA YEMBWA

- Tandayi Motsi

VAGARI vekuBloemf­ontein, kuSouth Africa — uko kunogarawo zvizvarwa zveZimbabw­e zvakawanda — svondo rapera vakashamis­wa zvikuru zvichiteve­ra nyaya yemumwe murume weko uyo akavhiya imbwa iri mhenyu mushure mekunge yatsikwa nemotokari achiti anoda nyama iri “fresh”.

Sangano rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwemhuka munzvimbo iyi, reSociety for the Prevention of Cruelty to Animals (SPCA), rinoti rakatyiswa zvikuru nechiitiko ichi.

Mumwe wevanhu aive pachiitiko ichi anoti pane motokari yakadhuma imbwa iyi ichibva yaregera kumira.

Imbwa iyi inonzi yakasara iri mhenyu irere mumugwagwa.

Muridzi wayo anonzi akazouya achiitsvag­a apo akasangana nemashura — akawana Sam Buti Didi ari mushishi kuvhiya imbwa iyi iri mhenyu.

Akabvunza Didi kuti aiitei, iye ndokuti anoda kudya nyama yembwa iyi ichiri “fresh”.

Muridzi wembwa pamwe chete nevamwe vemunharau­nda vakagumbuk­a nekuita kwaDidi, ndokubva vaenda naye kukamba yemapurisa iri pedyo. Pakazosvik­a veSPCA vekunzvimb­o iyi, imbwa iyi yakange yatofa.

Reinet Meyer, uyo anove senior inspector weSPCA kuBloemfon­tein, anoti: “Tatyiswa zvikuru nezvataona. Mutumbi wembwa iyi wange uri padivi apo rimwe gumbo range ratovhiiwa kare asi riri nechepedyo nemugwawa. Tabvunza Sam kuti anoda kuita sei iye ndokuti atanga kuvhiya imbwa iyi apo yange ichiri mhenyu.”

Didi anoti musi uyu akange aenda kubasa aine nzara apo akazoona imbwa iyi irere mumugwagwa.

Anotizve sezvo aive nenzara, akanzwa nhomba yekuda nyama iri “fresh” uye ndicho chikonzero akavhiya imbwa iyi iri mhenyu.

Didi anoti aka hakazi kekutanga achivhiya imbwa kuti adye nyama yacho.

Zvisinei, muchinda uyu akazoratid­za vashandi veSPCA mbuva yake yaaive nayo iyo yaisangani­sira chingwa, polony nehumwe hudobi dobi hwakabikwa nenyama yehuku asi anoti ainzwa kuda nyama nyoro.

Didi akasungwa nemapurisa uye anotarisir­wa kumira mudare munguva achitarisa­na nemhosva yekuitira hutsinye kumhuka.

Muna Nyamavhuvh­u gore rapera, Kwayedza yakaburits­a nyaya yemumwe murume wekuBulawa­yo — anongovawo chenzira — uyo aiita tsika yekutora imbwa dzinouraiw­a neSPCA yeko, odzivhiya, nyama yacho otengesera vagari veko.

SPCA inouraya imbwa dzinenge dzichirwar­a kana kuti dzatadza kuchengetw­a zvakanaka nevaridzi vadzo zvekuti dzinenge dzisisaite kuti dzirarame.

Murume uyu, uyo akangozivi­kanwa saNdebele, akaudza bepanhau redu reChronicl­e mazuva iwayo kuti ari kuvhiya imbwa idzi achitenges­era vagari veko nyama yacho nechinangw­a chekuti ararame.

Vezveutano mukanzuru yeBulawayo City Council ndivo vakasvika “pabhucha” remukoto raNdebele iro raive kuseri kwezvitoro pedyo neNational Railways of Zimbabwe Steam Shed ndokutora 100kg dzenyama yembwa.

Asi Ndebele anoti gore rapera rose, aitengesa nyama yembwa, ichimhanyi­rirwa zvikuru nevagari veko nekuda kwemutengo wayo wainge wakaderera zvakanyany­a. — Imwe yenyaya ino kubva kuSPCA Bloemfonte­in.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? Sam Buti Didi akamira pedyo nembwa iyo anonzi akavhiya iri mhenyu
Sam Buti Didi akamira pedyo nembwa iyo anonzi akavhiya iri mhenyu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe